Magwaro Matsvene
Mosaya 3


Chitsauko 3

Mambo Benjamini vanoenderera mberi nokutaura kwavo—Ishe Vanamasimba ose vachaparidza kuvanhu vose mutabernakeri yevhu—Ropa richabuda nemumaburi ose eganda ravo vachiripira zvitadzo zvenyika—Ravo ndiro chete zita rinounza ruponeso—Vanhu vanokwanisa kubisa munhu wenyama nokuva Vatendi kuburikidza noRudzikinuro—Kurwadziwa kwovakaipa kuchaita somoto nesuriferi. Zvingangove makore 124 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvakare hama dzangu, ndinoda kuti munditeerere, nokuti ndine zvakawanda zvandinoda kutaura; nokuti tarisai, ndine zvinhu zvandiri kuda kutaura kwamuri pamusana pezvinhu zvichauya.

2 Uye zvinhu zvandichataura kwamuri zvakaziviswa kwandiri anengirozi yaMwari. Akati kwandiri: Muka; ndikamuka, uye tarisai akamira pamberi pangu.

3 Uye ikati kwandiri: Muka, unzwe mazwi andichakutaurira; nokuti tarisai, ndauya kuzokuudza mashoko aanofadza zvikuru.

4 Nokuti Ishe vanzwa minamato yako, vakatonga nezveutsvene hwako, vakandituma kuti ndikutaurire kuti chifara; kuti ungataurirewo vanhu vako, kuti vazadzwewo nomufaro.

5 Nokuti tarisai, nguva yasvika, uye haisi kure, kuti nesimba aIshe Vanamasimba ose vanotonga, avo vakanga vari, uye vari kubva kose kusingaperi kusvika kose kusingaperi, vachadzika kubva kudenga mukati mevana vavanhu, vachizogara bmutabernakeri yevhu, uye vachafamba pakati pavanhu, vachiita czvishamiso zvikuru, zvakaita sokuporesa vanorwara, kumutsa vakafa, vachiita kuti vakaremara vafambe, mapofu aone, matsi dzinzwe, nokuporesa zvirwere zvakasiyana-siyana.

6 Uye vachaburitsa kunze adhiabhorosi, kana kuti mweya yakaipa iyo inogara mumwoyo yavana vavanhu.

7 Uye ivo, avachaedzwa, nokurwadziwa pamuviri, bnzara, nyota, nekuneta, kana kupfuura ckutambudzika kwemunhu, kunze kwokunge kuri kworufu; nokuti tarisai, dropa richabuda neburi rose riri paganda, ekurwadziwa kwavo kuchave kukuru pamusana pokuipa kwavanhu vavo.

8 Uye vachadaidzwa kunzi aJesu Kristu, bMwanakomana waMwari, cBaba vekudenga nenyika, Musiki vezvinhu zvose kubvira pakutanga; uye damai vake vachadaidzwa kunzi eMaria.

9 Uye tarisai, achauya kune vekwake, kuti aruponeso rwuuye kuvana vavanhu uye kana bnomukutenda muzita rake, uye kana shure kwezvinhu zvose izvi vachamuona somunhu, voti ana cdhiabhorosi, dvachamurova, evogomurovera pamuchinjikwa.

10 Uye aachamuka nezuva brechitatu kubva mukufa; uye tarisai, achamira kuti catonge nyika; uye tarisai, zvinhu zvose izvi zvichaitika kuti kutongwa kutsvene kugovapo kuvana vavanhu.

11 Nokuti tarisai, aropa rake brichabvisa zvivi zveavo cvakapunzika nokutadza kwaAdama, avo vakafa vasingazivi chido chaMwari pamusoro pavo, kana kuti avo vakatadza dnokusaziva.

12 Asi, nhamo, nedambudziko, kune uyo anoziva kuti ari akupandukira Mwari! Nokuti ruponeso haruuye kumunhu akadaro kunze kwokunge atendeuka nokutenda bmunaIshe Jesu Kristu.

13 Uye Ishe Mwari vakatuma vaporofita vake vatsvene pakati pavana vavanhu, kuti vataure zvinhu izvi kumarudzi ose, nyika, norurimi rwose, kuti kuna avo vanotenda kuti Kristu achauya, ivavo avacharegererwa zvivi zvavo, vagofara zvikuru, bsekunge atouya pakati pavo nechakare.

14 Asi Ishe Mwari vakaona kuti vanhu vavo vakanga vari vanhu vakaoma mitsipa, vakavapa mutemo, amutemo waMosesi.

15 Uye vakaratidza kwavari zviratidzo zvakawanda, neminana, anezvakasiyana, nemifananidzo, maererano nokuuya kwake; kana vaporofita vatsvene vakataura kwavari pamusana pokuuya kwake; asi zvakadaro vakaomesa mwoyo yavo, vasinganzwisise kuti bmutemo waMosesi haureve chinhu kana pasina kudzikinurwa neropa rake.

16 Uye kana dai zvaibvira kuti avana vaduku vatadze havaikwanisa kuponeswa; asi ndinoti kwamuri bvakakomborerwa; nokuti tarisai, semunaAdama, kana kuti namasikirwo, vanoputsika, zvakadaro ropa raKristu rinoripira zvivi zvavo.

17 Uye zvakare, ndinoti kwamuri, ahapana rimwe zita richapiwa kana imwe nzira kana zano ringaunza bruponeso kuvana vavanhu, asi nezita chete craKristu, Ishe Samasimba.

18 Nokuti tarisai vanotonga, uye kutonga kwake kwakarurama, uye; mucheche haaparadzwe anofa ari mucheche; asi vanhu vanozvinwira kutongwa kumweya yavo kunze kwokunge vazvininipisa pachavo avakava savana vaduku, nokutenda kuti ruponeso rwakanga rwuri, uye rwuri, uye kuti rwuchauya, kuburikidza neropa brerudzikinuro rwaKristu, Ishe Samasimba.

19 Nokuti munhu awenyama imhandu yaMwari, uye abvira akadaro kubva bpakupunzika kwaAdama, uye achazova akadaro, nokusingaperi, kunze kwokuti cazviisa mukunyengetedza dkweMweya Mutsvene, obvisa munhu wenyama achizova emutsvene kuburikidza norudzikinuro rwaKristu Ishe, wozova fsomwana, anozviisa, anozvininipisa, munyoro, ane mwoyo murefu akazara norudo, anozviisa pasi pezvinhu zvose izvo Ishe anoona kuti zvakafanira kumutakurisa, kana somwana anozviisa pasi pababa vake.

20 Uye zvakare, ndinoti kwamuri, nguva ichasvika apo aruzivo rwoMuponesi rwuchapararira kunyika bdzose, nendudzi dzose, nendimi navanhu.

21 Uye tarisai, kana nguva iyi yasvika, hapana achaonekwa aasina mhaka pamberi paMwari, kunze kwavana vaduku chete, kunze kwokutendeuka nokutenda muzita raIshe Mwari Samasimba.

22 Uye kana panguva iyoyo, kana uchinge wadzidzisa vanhu vako zvinhu izvo Ishe Mwari zvavakakuraira, kana zvakadaro havangazoonekwi vane mhaka kana chimwe zvacho pamberi paMwari, chete kuburikidza namazwi andakataura kwauri.

23 Uye zvino ndataura mazwi ayo Ishe Mwari avakandiraira.

24 Uye izvi ndizvo zvinotaurwa naIshe: Vachamira seuchapupu hunopenya pamusana pevanhu ava, pazuva rokutongwa; naizvozvo vachatongwa, munhu wose namabasa ake, chero dai anga akanaka, kana dai anga akaipa.

25 Uye kana vakaipa avacharatidzwa mhosva dzavo nekuipa kwavo, zvinoita kuti vazvipete nenyadzi kumira pamberi paIshe kupinda munguva byokutambudzika nokurwadziswa uku kusingaperi, kusingadzokwe; naizvozvo vazvinwira kuraswa pamweya yavo.

26 Naizvozvo, vanwa kubva mumukombe wokutsamwa kwaMwari, kutonga kwakanaka hakuna kugona kuvanunura sekutadza kununura kwakwakaita aAdama adya bmuchero wairambidzwa; naizvozvo, ctsitsi hadzaizove pavari nokusingaperi.

27 Uye akutambudzika kwavo kwakada kuita bsedziva remoto nesuriferi une rimi guru, une rimi racho risingadzime, utsi hwacho hwunokwira kudenga nokusingaperi. Izvi ndizvo zvandakarairwa naIshe. Ameni.