Magwaro Matsvene
Aruma 56


Chitsauko 56

Hiramani anotumira tsamba kuna Moronai, achitaura nezvekufamba kuri kuita hondo namaRamani—Andipusi naHiramani vanokunda maRamani—Majaya aHiramani aye zviuru zviviri vanorwa nesimba, rinoshamisa zvekuti hakuna kana mumwechete anouraiwa. Vhesi 1, zvingangove mugore 62 Kristu asati azvarwa; mavhesi 2 kusvika ku19, zvingangove mugore 66 Kristu asati azvarwa; uye mavhesi 20 kusvika ku57, zvingangove mugore ra65 kusvika ku64 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvino zvakaitika kuti mukutanga kwegore rechimakumi matatu rekutonga kwevatongi, muzuva rechipiri mumwedzi wekutanga, Moronai akatambira tsamba kubva kuna Hiramani, ichitaura nezvekugara kwevanhu mudivi renyika iroro.

2 Uye aya ndiwo mazwi aakanyora, achiti: Hama yangu inodikanwa zvikuru, Moronai, muna Ishe nemumatambudziko edu muhondo; tarisai, hama yangu inodiwa, ndinoda kuti ndikutaurire nekufamba kuri kuita hondo kudivi rino renyika.

3 Tarisai, zviuru azviviri zvevanakomana vevarume avo vakaunzwa naAmoni kubva munyika yaNifai—zvino wave kuziva kuti ava vaive vechizvarwa chaRamani, akanga ari mwanakomana mukuru wababa wedu Rihai;

4 Zvino handina chandingakutaurire nezvetsika dzavo kana kusatenda kwavo, nokuti unoziva nezvazvo zvose zvinhu izvi—

5 Naizvozvo ndinoti zvakakwana kwandiri kuti ndikutaurire kuti zviuru zviviri zvevakomana ava vakatora zvombo zvavo zvehondo, uye vachida kuti ini ndive mutungamiri wavo; uye tauya kuzodzivirira nyika yedu.

6 Uye zvino iwe unozivawo anezvechibvumirano chakaitwa nemadzibaba avo, kuti havazotora zvombo zvavo zvehondo kuti varwise hama dzavo kuti vadeure ropa.

7 Asi mugore rechimakumi maviri nematanhatu, pavakaona dambudziko redu tichitambudzikira ivo, vakanga voda akutyora chibvumirano chavakanga vaita uye kuti vatore zvombo zvavo zvehondo kuti vatidzivirire.

8 Asi handina kuvabvumira kuti vatyore chibvumirano ichi chavakanga vaita, ndichifunga kuti Mwari vachatisimbisa, zvekuti hataizotambudzika zvizhinji nekuda kwekuzadzikisa chitsidzo chavakanga vaita.

9 Asi tarisai, hechino chinhu chimwechete chingaite kuti tive nerufaro rwukuru. Nokuti tarisai, mugore rechimakumi maviri ane makore matanhatu, ini, Hiramani, ndakafora ndiri pamberi peava zviuru zviviri zvevakomana tichienda kuguta reJuda, kunoyamura Andipusi, uyo wawakanga wamisa semutungamiri wevanhu vedivi renyika iroro.

10 Uye ndakabatana nevanakomama vangu zviuru zviviri (nokuti vanokodzera kunzi vanakomana) kumauto aAndipusi, uye Andipusi akafara zvikuru; nokuti tarisai, mauto ake akanga akamurwa nemaRamani nokuti mauto avo akanga auraya vanhu vedu vakawanda zvikuru, zvinotipa chikonzero chekuchema.

11 Zvakadaro, tinogona kuzvinyaradza nezvizvi, kuti vakafa vachiitira nyika yavo naMwari vavo, hongu, uye vari akufara.

12 Uye maRamani vakanga vasara nevasungwa vakawanda, vose vari vatungamiri vakuru, nokuti hapana vamwe vavakasiya vari vapenyu. Uye tinofunga kuti iye zvino panguva ino vave munyika yaNifai; ndizvo zvazviri kana vasina kuuraiwa.

13 Uye zvino aya ndiwo maguta ayo akatorwa nemaRamani vakaaita avo mushure mekudeura ropa remagamba asingatye akawanda:

14 Nyika yeMandi, kana kuti guta reMandi, uye guta reZiziromu, neguta reKumeni, neguta reAndipara.

15 Uye aya ndiwo maguta avaive nawo pandakasvika muguta reJuda; uye ndakaona Andipusi nevanhu vake vachifondoka nesimba ravo kuti vavakirire guta.

16 Hongu, uye vakangoneta-neta pamuviri nemumweya, nokuti vairwa zvakaipa masikati uye usiku vofondoka kuti vachengetedze maguta avo; uye saka vakanetswa nematambudziko akasiyana-siyana.

17 Uye zvino vazvipira kuti vakunde munzvimbo ino kana kufa; naizvozvo ungafunge kuti mauto mashoma-shoma andakauya nawo, hongu, vaye vanakomana vangu, vakavapa tariro nokufara kwakawanda.

18 Uye zvino zvakaitika kuti maRamani pavakaona kuti Andipusi agashira mamwe mauto asimbisa mauto ake kwazvo, vakamanikidzwa nemirairo yaAmoroni kuti vasarwise guta reJuda, kana isu.

19 Uye ndiko kudiwa kwatakaitwa naIshe; nokuti dai vakanga vauya kuzotirwisa isu tisina kusimba kudaro vangadai zvimwe vakaparadza mauto edu mashoma; asi ndiko kuchengetedzwa kwatakaitwa.

20 Vakaudzwa naAmoroni kuti vachengetedze ayo maguta avakanga vatora. Uye ndiko kupera kwakaita gore rechimakumi maviri ane makore matanhatu. Uye mukutanga kwegore rechimakumi maviri ane makore manomwe takagadzirira guta redu nesuwo kuzvidzivirira.

21 Zvino takange tave kuda kuti dai maRamani vauya kuzotirwisa; nokuti takanga tisingade kuti tivatange isu vari munzvimbo dzavo dzakasimba.

22 Uye zvakaitika kuti takaisa vasori vakatenderedza kwose, kuti vatarise kufamba kwemaRamani, kuti vasatipfuure usiku kana vachienda kunorwisa mamwe maguta edu akanga ari nechekuchamhembe.

23 Nokuti mumaguta iwayo taiziva kuti havana kusimba zvekuti vangarwisane navo; naizvozvo takanga tichida, kuti kana vainge vatipfuura, tovavinga neshure, uye tovarwisa shure nguva imwecheteyo yavanenge vachirwiswa mberi. Taifunga kuti tinobva tavakurira; asi tarisai, zvataida hazvina kuitika.

24 Vaitya kuti vapfuure nepatiri nemauto avo ose, kana nechidimu, vachitya kuti vangangosave vakasimba uye zvekuti vaibva vapunzika.

25 Kana kuti vafore vakadzika kuguta raZarahemura vaizvitya; kana kuyambuka rwizi rweSidhoni nekumusoro kwarwo, kuti vasvike kuguta reNifaiha.

26 Uye naizvozvo, nemauto avo, vakazvipira kuti vachengetedze ayo maguta avakanga vatora.

27 Uye zvino zvakaitika kuti mumwedzi wechipiri wegore iri, kwakauiswa zvekudya nezvimwe zvakadaro zvakabva kune madzibaba evana vangu vaye zviuru zviviri.

28 Uye kwakatumirwawo varume vanoita zviuru zviviri kubva kunyika yeZarahemura. Uye saka takanga takagadzirira tave nezviuru gumi zvevanhu, uye nezvekudya zvavo, nekwevakadzi vavo nekwevana vavo.

29 Uye maRamani, vachiona mauto edu achiwanda zuva nezuva, nezvekudya zvichisvika kuzotitsigira, vakatanga kutya, uye vakatanga kutirwisa, kuti kana zvichibvira vatadzise kuuya kwezvekudya kwatiri nokupamhidzirwa simba kwataiitwa.

30 Zvino zvatakaona kuti maRamani akanga atanga kushushikana nezvizvi, takada kuti titsvake zano rekuvanyengedza; naizvozvo Andipusi akanditi ndifore nevanakomana vangu tiende kuguta raive mudunhu imomo, sekunge tiri kutakura zvekudya tichienda nazvo kune rimwe guta.

31 Uye taizofora nepedyo peguta reAndipara, sekunge tiri kuenda kuguta riri mberi, kumiganhu iri kugungwa.

32 Uye zvakaitika kuti takafora, sekunge tine zvekudya zvedu, zvekuendesa kuguta iroro.

33 Uye zvakaitika kuti Andipusi akafora nechimwe chidimu chemauto ake, akasiya vamwe kuti vachengete guta. Asi haana kufora akamirira kuti ini nditange ndaenda nemauto angu evadiki, uye tauya pedyo neguta reAndipara.

34 Uye zvino, muguta reAndipara ndimo makanga makaiswa mauto emaRamani akasimba kupfuura mamwe ose; hongu, ndiwo akanga akawanda kupfuura mamwe ose.

35 Uye zvakaitika kuti zvavakanga vaudzwa nevasori vavo, vakauya nemauto avo uye vakafora kuzotirwisa.

36 Uye zvakaitika kuti takavatiza, takananga kuchamhembe. Uye nokudaro takakwezva mauto akasimba kupfuura mamwe ose emaRamani;

37 Hongu, takavakwezvera kure, zvekuti pavakaona mauto aAndipusi achivatevera, nesimba ravo rose, havana kupindukira kuruboshwe kana kurudyi, asi vakaramba vachifora vakatwasanuka mugwara ravo vachititevera; uye, sekufunga kwedu, yaive pfungwa yavo yekuti vatiuraye Andipusi asati avabata, uye izvi vachiitira kuti vasakombwe nevanhu vedu.

38 Uye zvino Andipusi, achiona ngozi yedu, akaita kuti mauto ake afambise. Asi tarisa, hwaive usiku; naizvozvo havana kutibata, kana Andipusi haana kuvabata; saka takaita musasa kuti tirare.

39 Uye zvakaita kuti kusati kwaedza, tarisai, maRamani akanga atove kutotitandanisa. Zvino takange tisina kunyatsosimba zvekuti taikwanisa kuvarwisa; hongu, handaibvumira vanakomana vangu kuti vawire mumaoko avo; saka takaramba tichifamba, uye tikafamba tichienda murenje.

40 Zvino vaitya kuti vapindukire kurudyi kana kuruboshwe kuti vangazokombwa; kana iniwo handaikwanisa kupindukira kurudyi kana kurwisana navo, asi taitouraiwa, uye vobva vapunyuka; uye naizvozvo takatiza muswere wose wezuva tichienda murenje, kudakara kwasviba.

41 Uye zvakaitika kuti zvakare, kunze kuchichena takaona maRamani ave pamusoro pedu, uye tikavatiza.

42 Asi zvakaitika kuti havana kutitandanisa kwechinhambwe chirefu vasati vamira; uye aive mangwanani ezuva rechitatu remwedzi wechinomwe.

43 Uye zvino, hatina kuziva kuti vabatwa naAndipusi kana kuti kwete, asi ndakati kuvanhu vangu: Tarisai, hatizive asi vamira kuti isu tigovavinga, kuti vagotibata mavatiteya;

44 Naizvozvo munotii imi, vanakomana vangu, mungaende kunorwa navo here?

45 Uye zvino ndinoti kwauri hama yangu inodiwa Moronai, handina kumbenge ndakaona akusatya kwakadaro, kwete, handina kumbozviona mukati memaNifai ose.

46 Nokuti sekudaidza kwandinovaita kuti vanakomana vangu (nokuti vose vakanga vari vadiki chaizvo) zvekuti vakati kwandiri: Baba, tarisai Mwari vedu anesu, uye haambobvuma kuti tikundwe; naizvozvo ngatiendei; hataida zvekuuraya hama dzedu dai vaitisiya; naizvozvo handei, pamwe vangakurire mauto aAndipusi.

47 Zvino havana kunge vakamborwa, asi vakanga vasingatye rufu; uye vaifunga zvizhinji anezverusununguko rwemadzibaba avo pane kufunga nezveupenyu hwavo; hongu, vakanga vakadzidziswa bnaanamai vavo, kuti vakasakahadzika, Mwari vanovaponesa.

48 Uye vakadzokorora kwandiri mazwi aanamai vavo, vachiti: Hatikahadzike kuti vanaamai vedu vaizviziva.

49 Uye zvakaitika kuti ndakadzokera nezviuru zvangu zviviri kunorwisa maRamani avo vakanga vatitevera. Uye zvino tarisai, mauto aAndipusi akanga avabata, uye hondo yakaipa yakanga yatanga.

50 Mauto aAndipusi ari akanga akaneta, pamusana pekufamba rwendo rwurefu rwakadaro nenguva diki-diki kudai, vakanga vave pedyo pokuwira mumaoko emaRamani; uye dai ndakanga ndisina kudzokera nezviuru zviviri zvangu vangadai vakawana zvavaida.

51 Nokuti Andipusi akanga apunzwa nemunondo nevazhinji vevatungamiri vake, pamusana pekuneta kwavo, kwakakonzerwa nekukurumidza kwavakaita pakufora kwavo—naizvozvo vanhu vaAndipusi vavhiringidzwa nokuuraiwa kwevatungamiri vavo, vakatanga kukundwa nemaRamani.

52 Uye zvakaitika kuti maRamani akatora kusatya, vakatanga kuvatandanisa; uye kuvatandanisa kwaiita maRamani nesimba guru pakabva pauya Hiramani neshure kwavo nezviuru zvake zviviri, zvekuti mauto ose emaRamani akamira uye akatendeukira kuna Hiramani.

53 Zvino vanhu vaAndipusi pavakaona kuti maRamani atendeuka, vakaunganidza vanhu vavo ndokuuya zvakare neshure kwemaRamani.

54 Uye zvino zvakaitika kuti isu, vanhu vaNifai, vanhu vaAndipusi, neni nezviuru zvangu zviviri, takakomba maRamani, uye tikavauraya; hongu, zvekuti vakamanikidzwa kutipa zvombo zvavo zvehondo uye vakazviisawo ivo sevasungwa vehondo.

55 Uye zvino zvakaitika kuti pavakanga vati vatya ndokuzvipira kwatiri, tarisai, ndakaverenga avo vakomana vakarwa vaineni, ndichitya kuti zvimwe vauraiwa vakawanda.

56 Asi tarisai, ndakafara zvikuru, pakanga apasina kana mweya mumwechete zvawo wavo wakanga wawira pasi; hongu, uye vakanga varwa sekunge vaive nesimba raMwari; hongu, hakuna vanhu vati vambozivikanwa kurwa vaine simba rinoshamisa kudaro; nesimba guru vakawira pamusoro pemaRamani, zvekuti vakavatyisa; nechikonzero ichi maRamani akazvipira kwavari sevasungwa vehondo.

57 Uye sezvo takanga tisina nzvimbo yevasungwa vedu, kuti tivatarise kuti vasaonane nemauto emaRamani, naizvozvo takavatumira kunyika yaZarahemura, nechidimbu chevanhu vaAndipusi vakanga vasina kuuraiwa, takavati vaende navo; uye vakasara ndakavatora ndikavasanganisa nemajaya angu aechiAmoni, uye ndokubva tafora takadzokera kuguta reJuda.