Magwaro Matsvene
Aruma 46


Chitsauko 46

Amarikaya anofunga zvekutora umambo—Moronai anosimudza mureza werusununguko—Anoti vanhu ngavadzivirire kunamata kwavo—Vatendi vechokwadi vanodaidzwa kuti muKristu—Vakasara vemba yaJosefa vachachengetedzwa—Amarikaya nevapanduki vanotizira kunyika yaNifai—Avo vasingatsigire rusununguko vanouraiwa. Zvingangove makore 73 kusvika ku72 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvakaitika kuti uzhinji hweavo vakanga vasingade kuteerera kumazwi aHiramani nevamwe vake vakaunganidzana pamwechete kuti varwise hama dzavo.

2 Uye zvino tarisai, vakashatirwa zvikuru, zvokuti vakashinga kuti vavauraye.

3 Zvino mutungamiri weavo vakanga vashatirirwa hama dzavo akanga ari rimwe rume hombe rakasimba; uye zita rake ainzi Amarikaya.

4 Uye Amarikaya aida kuti ave mambo; uye avo vanhu vakanga vashatirwa vaidawo kuti ave mambo wavo; uye vakanga vari ivo vakawanda pavatongi avadiki venyika, uye vakanga vachitsvaka simba.

5 Uye vakanga vatorwa nekunyengedzwa naAmarikaya, kuti vakamutsigira uye vakamuita kuti ave mambo aizovaita kuti vave vatongi vevanhu.

6 Ndokunyengedzwa kwavakaitwa naAmarikaya vakapinda mukupesana, kana dai zvazvo Hiramani nevamwe vavo vaivaparidzira, hongu, kana dai zvazvo vakanga vachichengetedza chechi zvikuru, nokuti ndivo vakanga vari vapirisita vepamusoro pechechi.

7 Uye kwakanga kuine vazhinji muchechi vaitenda mazwi ekunyengedza aAmarikaya, naizvozvo naivo vakabva muchechi; uye ndokusaka nyaya dzevanhu vaNifai dzakanga dzisina kunyatsoti twasa uye dziine ngozi, kana dai zvazvo vakanga avakurira maRamani, nokufara kwavo kukuru kwavakanga vaita pamusana pokuti Ishe vakanga vavaponesa.

8 Naizvozvo tinoona kuti vana vevanhu avanokurumidza sei kukanganwa Ishe Mwari vavo, hongu, vanokurumidza sei kuita zvitadzo, nokutakurwa nadhiabhorosi.

9 Hongu, uye tinoonawo kuti ahuipi hukuru hunogona kukonzerwa nemunhu mumwechete akaipa kwazvo pakati pevana vevanhu.

10 Hongu, uye tinoona kuti Amarikaya, pamusana pekuti aive murume ane hudzvotsvo, uye ari murume ane mazwi mazhinji ekunyengedza, zvekuti akanyengedza mwoyo yevanhu vazhinji vakapinda mukuita zveuipi; hongu, nokutsvaka kuparadza chechi yaMwari, nokuparadza hwaro ahwerusununguko rwavakanga vapihwa naMwari, kana kuti maropafadzo akanga atumirwa pamusoro penyika kuitira bvakarurama.

11 Uye zvino zvakaitika kuti Moronai, uyo akanga ari iye amukuru wemauto amaNifai, paakanzwa nezvekupesana kwose uku, akashatirirwa Amarikaya.

12 Uye zvakaitika kuti akatsemura bhatye rake; uye akatora chipenga charo, akanyora pachiri kuti—aMukurangarira Mwari vedu, kunamata kwedu, nerusununguko, nerunyararo rwedu, vakadzi vedu, nevana vedu—ndokubva achisungirira kumuromo kwebango.

13 Uye ndokubva asunga chidzitiro chake chemumusoro, nechidzitiro chake chepachipfuva, nenhowo dzake, ndokusunga chiuno chake nenguwo yehondo; uye ndokutora bango, raakanga akasungirira chipenga chebhatye rake, (uye ndokuchidaidza kuti mureza werusununguko) uye akapfugama pasi, akanamata zvikuru kuna Mwari vake pamusoro pemaropafadzo erusununguko kuti rwuve pahama dzake, kana paine chikwata chemaKristu chiripo chasara kuti chitore nyika—

14 Nokuti vose vakanga vari vatendi vechokwadi muna Kristu, vaive vechechi yaMwari, ndiko kudaidzwa kwavaiitwa neavo vakanga vasiri vechechi.

15 Uye vose avo vakanga vari vechechi vakanga vaine rutendo; hongu, vose avo vaive vatendi vechokwadi muna Kristu vakatora, nokufara, azita raKristu, kana rekunzi bmaKristu sekudaidzwa kwavaiitwa, pamusana perudairo rwavo muna Kristu uyo akanga achizouya.

16 Uye naizvozvo, panguva iyi, Moronai akanamata kuti basa remaKristu, nerusununguko rwenyika zvikomborerwe.

17 Uye zvakaitika kuti paakanga adira mweya wake kuna Mwari, akadaidza dunhu rose rakanga riri kumaodzanyemba enyika ayeKuparadzwa, hongu, uye muchidimbu, yose nyika, kwose kuchamhembe nekumaodzanyemba—kuti nyika yakasarudzwa, nenyika yerusununguko.

18 Uye akati: Chokwadi Mwari havazobvumira kuti isu, tinoshorwa pamusana pekuti tinotakura zita raKristu, titsikirirwe nokuparadzwa, kudakara tatozvidenhera nokutadza kwedu.

19 Uye Moronai zvaakanga ataura mazwi aya, akaenda mukati mevanhu, achisimudzira chipenga achenhumbi yake mudenga, kuti vose vaone zvaakanga anyora pachipenga, uye achidaidzira nezwi guru, achiti:

20 Tarisai, ani zvake achadzivirira mureza uyu munyika, ngavauye vari musimba raIshe, uye vaite chibvumirano chekuti vachachengetedza zvinofanira kuve zvavo, uye nekunamata kwavo, kuti Ishe Mwari vavaropafadze.

21 Uye zvakaitika kuti Moronai paakanga ataura mazwi aya, tarisai, vanhu vakauya vachimhanya pamwechete nezvombo zvavo zvakasungirirwa muzviuno zvavo, vachitsemura nhumbi dzavo sechiratidzo, kana sechibvumirano, chokuti havafe vakasiya Ishe Mwari vavo; kana kuti, nemamwe mazwi, kana vakatyora mirairo yaMwari, kana kuwira muzvitadzo, uye avagonyara kutora zita raKristu, Ishe vachavatsemura kana sekutsemura kwavaita nhumbi dzavo.

22 Zvino ichi ndicho chaive chibvumirano chavakaita, uye vakakanda nhumbi dzavo pamakumbo aMoronai, vachiti: Tinoita chibvumirano naMwari vedu, kuti tichaparadzwa, kana sezvakaitwa hama dzedu munyika iri nechekuchamhembe, kana tikapinda mukutadza; hongu, ngaatikande pasi petsoka dzevavengi vedu, kana sekukanda kwataita nhumbi dzedu patsoka dzako kuti dzitsikirirwe netsoka, kana tikawira mukutadza.

23 Moronai akati kwavari: Tarisai, tiri vakasara vembeu yaJakobo; hongu, tiri vakasara avembeu byaJosefa, uyo canebhatye rakabvarurwa nevakoma vake rikaitwa zvipenga-zvipenga zvakawanda; hongu, uye zvino tarisai, ngatirangarirei kuchengeta mirairo yaMwari, kana kuti nhumbi dzedu dzichatsemurwa nehama dzedu, uye isu tigokandwa mutirongo, kana kutengeswa, kana kuuraiwa.

24 Hongu, ngatichengetedzei rusununguko rwedu asevasara vaJosefa; hongu, ngatirangarirei mazwi aJakobo, asati afa, nokuti tarisai, akaona kuti chipenga chebhatye raJosefa chakachengetedzwa uye hachina kuora. Uye akati—Kana sekuchengetedzwa kwakaitwa ichi chipenga chebhatyi remwanakomana wangu, saka avo bvakasara vembeu yemwanakomana wangu vachachengetedzwa neruoko rwaMwari, uye vagotorwa naivo, apo vakasara vembeu yaJosefa vachafa, kana sechipenga chakasara chebhatye rake.

25 Zvino tarisai, izvi zvinopa mweya wangu kusuwa; zvakadaro, mweya wangu unerufaro mumwanakomana wangu, pamusoro pechidimu chembeu yake chichatorwa naMwari.

26 Zvino tarisai, uyu ndiwo waiva mutauro waJakobo.

27 Uye zvino ndiani anoziva kuti avo vembeu yaJosefa vakasara, vachafa sekufa kwakaita nhumbi dzake, ndivo vakapanduka kubva kwatiri? Hongu, uye tichadarowo nesu kana tisingamire takasimba murutendo muna Kristu.

28 Uye zvino zvakaitika kuti Moronai zvaakanga ataura mazwi aya akabva aenda, uye akatumirawo vamwe kumativi ose enyika kwakanga kuine kupesana, uye akaunganidza pamwechete vanhu vose vaida kuchengetedza rusununguko rwavo, kuti varwisane naAmarikaya neavo vakanga vabva mune vamwe, vakanga vave vanhu vaAmarikaya.

29 Uye zvakaitika kuti Amarikaya paakaona kuti vanhu vaMoronai vakanga vakawanda kupfuura vaAmarikaya—uye akaonawo kuti vanhu vake vakanga vasina chokwadi nekururama kwebasa ravakange vatora—naizvozvo nekutya kuti angazotadza kuita zvaaida kuita, akatora avo vevanhu vake vaida uye ndokubva aenda kunyika yaNifai.

30 Zvino Moronai akafunga kuti hazvina kufanira kuti maRamani vave nesimba zvakare; naizvozvo akafunga kuti vanhu vaAmarikaya avabvise kune vamwe, kana kuvatora nekuvadzosa, nokuuraya Amarikaya; hongu, nokuti aiziva kuti anogona kuita kuti maRamani vavamukire nehasha, uye achiita kuti vaite hondo navo; uye izvi aizviziva kuti Amarikaya anoita kuti azadzikise chido chake.

31 Naizvozvo Moronai akafunga kuti zvakafanira kuti atore mauto ake, ayo akanga aungana pamwechete, uye vazvipa zvombo, uye ndokuita chibvumirano cherunyararo—uye zvakaitika kuti akatora mauto ake akaenda nematende ake murenje, kuti adimbudzire gwara remaAmarikaya murenje.

32 Uye zvakaitika kuti akaita maererano nezvaaida, akafamba achienda murenje, uye akadimbudzira mauto aAmarikaya.

33 Uye zvakaitika kuti Amarikaya akatiza nevanhu vashoma-shoma, uye vakasara vakaiswa mumaoko aMoronai uye vakatorwa vakadzorerwa kunyika yeZarahemura.

34 Zvino, Moronai semunhu akanga aakaiswa nevatongi nezwi revanhu, naizvozvo akanga aine simba rekuita zvaanoda nemauto emaNifai, kuamisa nekuatonga.

35 Uye zvakaitika kuti ani nani zvake wevaAmarikaya akanga asingade kupinda muchibvumirano chekutsigira rusununguko, kuti vachengetedze hurumende yakasununguka, aiita kuti auraiwe; uye vakanga varipo vakati kuti vairamba kuita chibvumirano cherusununguko.

36 Uye zvakaitikawo zvakare kuti, akaita kuti mureza werusununguko uturikwe pane nharire yega-yega yaive munyika, yakanga iri yemaNifai; saka Moronai ndiko kudyara kwaakaita mureza werusununguko pakati pemaNifai.

37 Uye vakatanga kuve nerunyararo zvakare munyika; uye ndiko kuchengetedza kwavakaita runyararo munyika kudakara kusvika pedyo nepekupera kwegore rechigumi nepfumbamwe rekutonga kwevatongi.

38 Uye Hiramani nevapirisita avepamusoro vaichengetedza urongwa hwakanaka muchechi; hongu, kana kwemakore mana chaiwo vakanga vaine runyararo nokufara kukuru muchechi.

39 Uye zvakaitika kuti kune vazhinji vakafa, avachitenda zvakasimba kuti mweya yavo yakanga yanunurwa naIshe Jesu Kristu; naizvozvo vakabva munyika vachifara.

40 Uye kwaive nevamwe vakafa pamusana pezvirwere, izvo zvaiti pane imwe nguva yegore zvowanda munyika—asi vakanga vasiri vakawanda vaifa nezvirwere, nokuti kwakange kuine amiti yakanaka kwazvo nemidzi zvakanga zvakagadzirwa naMwari zvaibvisa zvikonzero zvezvirwere, zvaikonzerwa nekupinduka kwekunze—

41 Asi kwaive nevazhinji vaifa nekukura; uye avo vakafa vari murutendo rwaKristu avanofara maari, sezvatakafanira kufunga.