Magwaro Matsvene
2 Nifai 15


Chitsauko 15

Munda wemizambiringa waIshe (Israeri) uchave gwenga, uye vanhu vake vachapararira kwose-kwose—Matambudziko achauya pavari mukurasika nekupararira kwavo—Ishe vachasimudza mureza uye vounganidza Israeri—Enzanisai naIsaya 5. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvino ndichaimbira mudiwa wangu arwumbo rwemudiwa wangu, rwezvemunda wake wemizambiringa. Mudiwa wangu ane munda wemizambiringa muchikomo chine kudya kwakawanda.

2 Uye akarikomberedza, akaunganidza matombo aivemo, akasima amizambiringa inonakisisa, uye ndokuvaka shongwe pakati paro, uye ndokuitawo pokusvinira waini makaremo, uye akatarisira kuwana mazambiringa, uye ikabereka mizambiringa emusango.

3 Uye zvino, imi vagari veJerusarema, nemi varume veJuda, sarudzai, ndinokukumbirai, pakati pangu nemunda wangu wemizambiringa.

4 Chii chingadai chakaitwa kumunda wangu wemizambiringa chandisina kuita mauri? Nokudaro, pandakautarisira kuita mazambiringa wakabereka mazambiringa yemusango.

5 Uye zvino endai; ndichakuudzai zvandichaita nebindu rangu remizambiringa—andichabvisa ruzhowa, uye robva radyiwa; uye ndichapaza tsvingo, uye robva ratsikwa-tsikwa;

6 Uye ndichariita kuti rirarire; miti yaro haichekererwe kana kusakurirwa; asi muchamera arukato neminzwa; ndichaudzawo makore kuti basanaise mvura pariri.

7 Nokuti amunda wemizambiringa waIshe weHondo imba yaIsraeri, uye varume vaJuda ndivo zvidyarwa zvake zvinofadza; uye akatsvaga bkutongwa, uye tarisai, kudzvinyirirwa; kururama, asi tarisai, kuchema.

8 Nhamo kune avo vanorumanidza adzimba kune dzimwe dzimba, kudakara pasisina mukana, wekuti dzimiswe padzo bdzega pakati penyika!

9 Munzeve dzangu, Ishe weHondo vakati, zvechokwadi dzimba zhinji dzichave matongo, uye maguta makuru anoyevedza achasara asina vanhu.

10 Hongu, gumi remaeka emunda wemizambiringa uchaburitsa abati rimwe chete, uye homeri imwechete (kana kuti masaga matatu) embeu achaburitsa efa imwechete.

11 Nhamo kune avo vanomuka rungwanani, kuti avatevedze doro, vagorinwa kudakara usiku, uye bvagodhakwa naro!

12 Uye rudimbwa, nezvipendani, nezvikwepa, uye waini ndizvo zviri mumabiko avo; asi havana ahany’a nebasa raIshe, kana kufunga nezvakaitwa nemaoko avo.

13 Naizvozvo, vanhu vekwangu vakaenda muutapwa, nokuti havana aruzivo; uye varume vavo vanokudzwa vanoziya, uye vazhinji vavo vaoma huro nenyota.

14 Naizvozvo, gehena razvikudzisa, uye rikazarura musiwo waro kuti haradada; uye mbiri yavo, nekuwanda kwavo, nekushamisira kwavo, neuyo anofara, vachadzika mariri.

15 Uye asina maturo achadzikisirwa, uye gamba richaturunurwa, uye ane maziso ari padenga achaturunurwa.

16 Asi Ishe veHondo vachakudzwa apakutonga, uye Mwari avo vatsvene vachaitwa kuti vave vatsvene mukururama.

17 Zvino hwayana dzichafura setsika yadzo, uye matongo evakakora achafurwa nevatorwa.

18 Nhamo kune vanokakata kuipa netambo adzekuzvida, uye vagoita zvitema bsekunge vakabata tambo yengoro.

19 Vanoti: Muregei aakurumidze, basa rake richimbidzike, kuti btirione; uye regai kuraira kwoMutsvene waIsraeri kusebere pedyo uye kuuye, kuti tigozviziva.

20 Nhamo kune avo avanoti zvakaipa zvakanaka, uye vachitiwo zvakanaka zvakaipa, asi vachiisa brima muchiedza, uye vachiisa chiedza murima, vanoisa kuvava panotapira, nokuisa kutapira panovava!

21 Nhamo kune avo vanozviona asevakachenjera neavo vanozviona sevakangwara mumaziso avo!

22 Nhamo kumagamba ekunwa doro, nevarume vane simba mukusanganisa doro rinodhaka;

23 Vanoreverera wakaipa nemubairo, uye avachitorera wakarurama kururama kwake!

24 Naizvozvo, sekupiswa kunoitwa amashanga bnemoto, uye rimi rinopisa cmarara, midzi yavo ichave yakaora, neruva ravo richapupurutswa seguruva; nokuti vakarasa murau waIshe veHondo, uye dvakashora shoko reMutsvene waIsraeri.

25 Naizvozvo, ahasha dzaIshe dzabatira kuvanhu vavo, uye vatambanudza ruoko rwavo kwavari, uye vakavarova; uye makomo akandengendeka, uye zvitunha zvavo zvaiputikira pakati pemigwagwa. Kana dai zvakadaro kushatirwa kwavo hakuna kubviswa, asi ruoko rwavo rwuchiri rwakatambanudzwa.

26 Uye vachisimudzira amureza kumarudzi anobva kure, uye bvacharidzira vari kumagumo kwenyika; uye tarisai, cvachauya nokukurumidza vachimhanya; hapana achaneta kana anopunzika pakati pavo.

27 Hapana achabatwa nehope kana anokotsira; kana mabhanhire emuchiuno haasunungurwe, kana tambo dzeshangu dzavo hadzidamburwe;

28 Vane miseve inopinza, uye hwose uta hwavo hwakakombama, uye matsimba emabhiza avo achaonekwa segwenya, uye mavhiri avo achaita sechinyamupupuri, uye kutinhira kwavo kuchaita sekweshumba.

29 Vachadzvova aseshumba dzichiri diki; hongu, vachadzvova, uye vagobata nyama yavo, uye vagoitakura vachienda nayo zvitsvene, uye hapana anoinunura.

30 Uye muzuva iroro vachavadzvovera sekutinhira kwegungwa; uye kana vakatarisa munyika, tarisai, rima nekusuwa, uye chiedza chichadzimwa kumatenga.