Magwaro Matsvene
1 Nifai 22


Chitsauko 22

Israeri ichapararira nepasi pose—MaJentairi vacharera nokuriritira Israeri nevhangeri mumazuva ekupedzisira—Israeri achaunganidzwa agoponeswa, uye vakaipa vachatsva semashanga—Umambo hwadhiabhorosi huchaparadzwa, uye Satani achasungwa. Zvingangove makore 588 kusvika ku570 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvino zvakaitika kuti mushure mekunge ini Nifai, ndaverenga zvinhu izvi zvakanga zvakanyorwa apamahwendefa endarira, hama dzangu dzakauya kwandiri uye dzikati kwandiri: Zvinhu zvawaverenga izvi zvinorevei? Tarisai, zvinonzwikwa sezvinhu zviri maererano nemweya here, zvichazoonekwa maererano nemweya uye kwete kunyama?

2 Uye ini Nifai, ndakati kwavari: Tarisai azvakaiswa pachena kumuporofita nezwi reMweya; nokuti bneMweya zvose zvinhu zvinoziviswa ckumaporofita, zvichazoitika kuvana vevanhu maererano nezvenyama.

3 Nokudaro, zvinhu zvandaverenga zvinhu zvirimaererano anezvenyama uye nezvemweya; nokuti zvinoratidzika kuti imba yaIsraeri, mushure mechinguva, bichapararira pasi pose, nemumarudzi ose.

4 Uye tarisai, kune vazhinji vakatorasika vasisazivikanwe neavo vari Jerusarema. Hongu, rwuzhinji arwemarudzi rwakatorwa brwukaendwa narwo; uye vakapararira kwose-kwose cmuzvitsuwa zvegungwa; uye kuti varipi hakuna mumwe wedu anoziva, kunze kwekuti tinoziva kuti vakatorwa vakaendwa navo.

5 Uye kubvira nguva yavakatorwa, zvinhu izvi zvange zvichingunoporofitwa pamusoro pavo, nemaereranowo neavo vose vachaparadzirwa uye vagovhiringwa, nenzira yeMutsvene waIsraeri; nokuti vachaomesa mwoyo yavo nekusamuda; nokudaro vachaparadzirwa mumarudzi ose uye avagovengwa nevanhu vose.

6 Zvakadaro, mushure mekunge avarerwa bnemaJentairi, uye Ishe vasimudzira ruoko rwavo maJentairi avamisa serupawo, uye cvana vavo vatakurwa mumaoko avo, uye vanasikana vavo vatakurwa pamapfudzi avo, tarisai zvinhu zviri kutaurwa izvi ndezvenyama; nokuti ndizvo zvakaita zvibvumirano zvaIshe nemadzibaba edu; uye zvinoreva isu mumazuva ari kuuya, nehama dzedu dzose dziri dzemba yaIsraeri.

7 Uye zvinoreva kuti nguva ichasvika yekuti mushure imba yose yaIsraeri yaparadzirwa uye yavhiringwa, kuti Ishe Mwari vachamisa rudzi rwukuru pakati apemaJentairi, hongu, kana pamusoro penyika ino; naivo mbeu yedu bichaparadzirwa.

8 Uye mushure mekuparadzirwa kwembeu yedu Ishe Mwari vachaita rimwe basa arinoshamisa kwazvo pakati bpemaJentairi, richave crinokosha kwazvo kumbeu yedu; nokudaro, zvinofananidzwa nokuriritirwa nemaJentairi nokunge vakatakurwa mumaoko avo nepamapfudzi avo.

9 Uye richave arinokoshawo kumaJentairi; uye kwete kumaJentairi chete asi bnekumba yose yaIsraeri, nemukuziviswa ckwezvibvumirano zvababa vedenga kuna Abrahama, zvichinzi: dMumbeu yako ose marudzi epasi eacharopafadzwa.

10 Uye ndingade, hama dzangu, kuti muzive kuti ose marudzi epasi haangaropafadzwe kunze kwekunge aaratidza simba ravo mumaziso emarudzi.

11 Nokudaro, Ishe Mwari vacharatidza simba ravo mumaziso emarudzi ose, mukuunza zvibvumirano zvavo nevhangeri ravo kune avo vemba yaIsraeri.

12 Nokudaro, achavaburitsa zvakare muutapwa, uye avachaunganidzwa pamwechete munyika dzenhaka yavo; uye vachaburitswa mukudzikatirwa uye bmurima; uye vachaziva kuti cIshe ndivo dMuponesi wavo neMununuri wavo, eAnesimba weIsraeri.

13 Uye ropa rechechi iya huru ainonyangadza, rinove ndiro pfambi repasi pose, richavapindukira pamusoro pavo; nokuti bvacharwisana pakati pavo, uye munondo uri cmumaoko uchawira pamusoro pavo, uye vachararadza neropa ravo.

14 Uye rwose arudzi rwucharwisana newe, iwe imba yaIsraeri, vachapindukirana pachavo, uye bvachawira mugomba ravachera kuteya vanhu vaIshe. Uye vose avo cvanorwisana neZioni vachaparadzwa, nepfambi guru riya, rakaipisa nzira dzaIshe, hongu, chechi iya huru inonyangadza, richawira pasi dmuguruva uye kuwa kwaro kuchave kukuru.

15 Nokuti tarisai, anodaro muporofita, nguva iri kuuya nokukurumidza yokuti Satani haachazove nesimba mumwoyo yevana vevanhu; nokuti zuva riri kusvika iye zvino rekuti vose vanodada neavo vanoita zvakaipa vachave asemashanga; uye zuva riri kusvika rekuti bvapiswe.

16 Nokuti nguva iri kusvika zvino zvino yekuti kuzara akwehasha dzaMwari kuchadirwa pane vose vana vevanhu; nokuti havazobvumira kuti vakaipa vaparadze vakarurama.

17 Nokudaro, avachachengetedza bvakarurama nesimba ravo, kana dai zvazvo kuzara kwehasha dzavo kukauya, vakarurama vachengetedzwe, kana dai vavengi vavo vachiparadzwa nemoto. Nokudaro, vakarurama havafanire kutya; nokuti ndiko kutaura kwemuporofita, vachaponeswa, kana dai ungave moto.

18 Tarisai hama dzangu, ndinoti kwamuri, zvinhu izvi zvinofanira kuitika muchinguva chiri kuuya zvino zvino, hongu, kana ropa, nemoto, nemweya weutsi zvakafanira kuuya; uye zvakafanira kunge zviri pamusoro penyika ino; uye zvinouya kuvanhu maererano nenyama kana zvaitika kuti vaomesa mwoyo yavo kuMutsvene waIsraeri.

19 Nokuti tarisai, vakarurama havazofi; nokuti nguva chokwadi yakafanira kusvika yekuti avo vose vanorwisana neZioni vachadimurwa.

20 Uye Ishe chokwadi vachagadzirira vanhu vavo nzira, mukuzadzikisa kwemazwi aMosesi, aakataura, achiti: Ishe Mwari venyu vachakumutsirai amuporofita, sezvandakaita ini; iyeyo ndiye amuchanzwa muzvinhu zvose zvaachataura kwamuri. Uye zvichaitika kuti vose avo vacharamba kunzwa muporofita iyeyo bvachabviswa kubva muvanhu.

21 Uye zvino ini Nifai, ndinotaura kwamuri, kuti amuporofita uyu akataurwa nezvake naMosesi aive Mutsvene waIsraeri; nokudaro, bachatonga mukururama.

22 Uye vakarurama havafanire kutya, nokuti ndivo vaye vasingavhiringwe. Asi umambo hwadhiabhorosi, huchavakwa mukati mevana vevanhu, huri umambo hwakaiswa pakati pavo avo venyama—

23 Nokuti nguva ichasvika nokukurumidza yekuti dzose achechi dzakavakirwa kuwana, uye dzose idzo dzakavakirwa kuwana simba renyama, neidzo dzose dzakavakirwa kuita bmbiri mumaziso enyika, neidzo dzinotsvaka kufadza nyama nezvinhu zvenyika, nokuita zvakasiyana-siyana zvakaipa; hongu, muchidimbu, avo vose vemuumambo hwadhiabhorosi ndivo vanofanira kutya, uye vadedere, uye cvandengendeke; ndivo vaya vachadzikiswa muguruva; ndivo vaya dvachatsva semashanga; uye izvi zviri maererano nemazwi emuporofita.

24 Uye nguva iri kuuya nokukurumidza yekuti vakarurama vatungamirwe asemhuru dziri kuiswa mudanga, uye Mutsvene waIsraeri agotonga nyika, nesimba, nokubwinya kukuru.

25 Uye aanounganidza vana vake kubva kumativi mana ose enyika; uye anoverenga hwai dzake, uye dzinomuziva; uye kuchave nedanga rimwechete bnemufudzi mumwechete; uye achafudza hwai dzake, uye maari dzichawana cmafuro.

26 Uye nenzira yekururama kwevanhu vake, aSatani haana simba; nokudaro, haangapfutunurwe kwemakore bakawanda; nokuti haana simba mumwoyo yevanhu, nokuti vagere mukururama, uye Mutsvene waIsraeri canotonga.

27 Uye zvino tarisai, ini Nifai, ndinoti kwamuri zvose zvinhu izvi zvakafanira kuuya maererano nezvenyama.

28 Asi tarisai, nyika dzose, marudzi, ndimi, navanhu vachagara zvakanaka muMutsvene vaIsraeri kana zvaitika kuti avatendeuka.

29 Uye zvino ini Nifai, ndinopedza; nokuti handifanire kupfuura zvandataura kwazvino maererano nezvinhu izvi.

30 Nokudaro hama dzangu, ndingade kuti muzive kuti zvinhu zvakanyorwa apamahwendefa endarira ndezvechokwadi; uye zvinopupura kuti munhu akafanira kuteerera mirau yaMwari.

31 Nokudaro, hamufanire kufunga kuti ini nababa vangu ndisu chete tazvipupura, nekuzvidzidzisa. Nokudaro, kana mukave munoteerera amirairo, uye mugoshingirira kusvika kumagumo, muchaponeswa muzuva rekupedzisira. Uye ndizvo zvazviri. Ameni.