Magwaro Matsvene
1 Nifai 3


Chitsauko 3

Vanakomana vaRihai vanodzokera kuJerusarema kuti vandotora mahwendefa endarira—Rabhani anoramba kuvapa mahwendefa—Nifai anokurudzira nokusimbisa vakoma vake—Rabhani anoba zvinhu zvavo oedza kuvauraya—Ramani naRemueri vanorova Nifai naSemu zve vanopopoterwa nengirozi. Zvingangove makore 600 kusvika ku592 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvakaitika kuti mushure mokutaura naIshe, ini Nifai, ndakadzokera kutende yababa vangu.

2 Uye zvakaitika kuti vakataura neni, vachiti: Tarisai, ndarotswa ahope, ndichinzi naIshe iwe nevakoma vako muchadzokera kuJerusarema.

3 Nokuti tarisai, Rabhani ane zvinyorwa zvamaJuda uye anenhoroondo yekuzvarwa kwamadzitateguru angu, zve zvakanyorwa pamahwendefa endarira.

4 Nokudaro, Ishe vandiraira kuti iwe navakoma vako muende kuimba yaRabhani, munotsvaga zvinyorwa, muuye nazvo muno murenje.

5 Uye zvino tarisai, vakoma vako vanotsutsumwa, vachiti chinhu chakaoma chandavati vaite; asi tarisai handina kuti vazviite, asi kuti murairo waIshe.

6 Naizvozvo enda, mwanakomana wangu, uye uchadiwa naIshe, nokuti ahauna kutsutsumwa.

7 Uye zvakaitika kuti ini Nifai, ndakati kuna baba vangu: aNdichaenda ndonoita zvinhu izvo Ishe araira, nokuti ndinoziva kuti Ishe havape bmirairo kuvana vavanhu, kunze kwokunge cvachivagadzirira nzira yokuti vagozobudirira pazvinhu zvavanenge vavaraira.

8 Uye zvakaitika kuti baba vangu pavakanga vanzwa mazwi aya vakava nokufara kukuru, nokuti vaiziva kuti ndakanga ndakomborerwa naIshe.

9 Uye ini Nifai, navakoma vangu takasimuka kubva murenje, nematende edu, tikaenda parwendo rwedu rwekunyika yeJerusarema.

10 Uye zvakaitika kuti apo takanga taenda kunzvimbo yeJerusarema, ini pamwe navakoma vangu takabvunzana mazano kubva kune mumwe nomumwe.

11 Uye atakakanda mijenya—kuti ndiani anofanirwa kuenda muimba yaRabhani. Uye zvakaitika kuti mijenya yakarova ikandowira pana Ramani; zvino Ramani akaenda muimba yaRabhani, saka akataura naye agere mumba make.

12 Uye akakumbira Rabhani zvinyorwa zvakanga zviri pamahwendefa endarira, akange aine anenhoroondo yekuzvarwa kwababa vangu.

13 Uye tarisai, zvakaitika kuti Rabhani akashatirwa, akamutandira kunze kubva paari; akaramba kuti atore zvinyorwa. Naizvozvo, akati kwaari: Tarisai uri gororo, uye ndichakuuraya.

14 Asi Ramani akatiza, akazotiudza zvinhu zvakanga zvaitwa naRabhani, kwatiri. Takavamba kuva nokusuwa kukuru, uye vakoma vangu vakange voda kudzokera murenje umo maiva nababa.

15 Asi tarisai ndakati kwavari: Kana Ishe vachirarama, isu tichirarama, hatisi kuzodzokera kuna baba vedu murenje kana tisina kunge tabudirira pazvinhu izvo Ishe vakatituma.

16 Naizvozvo, ngativei tinotendeka mukuchengeta mirairo yaIshe; saka ngatidzike kunzvimbo ayechizvarwa chamadzibaba edu, nokuti tarisai vakasiya goridhe nesirivha, nehumwewo upfumi hwakasiyana-siyana. Izvi zvose vakazviita nokuda bkwemirairo yaIshe.

17 Nokuti aiziva kuti Jerusarema inofanira akuparadzwa, nenzira yokuipa kwavanhu.

18 Nokuti tarisai, avaramba mazwi amaporofita. Naizvozvo, kana baba vangu vagara munzvimbo iyi shure kwokunge bvaudzwa kuti vatize kubva mairi, tarisai, vachaparadzwawo. Naizvozvo, zvinofanirwa kuti vatize kubva munzvimbo iyi.

19 Uye tarisai, ungwaru munaMwari kuti titore azvinyorwa izvi, kuti tive tinochengetedzera vana vedu rurimi rwemadzibaba edu;

20 Uye kuti zvakare ativachengetere mazwi ayo akataurwa nemiromo yaavo vose vaporofita vatsvene, avo vakatumidzirwa kwavari noMweya uye nesimba raMwari, kubvira pakutanga kwenyika, kusvikira nhasi uno.

21 Uye zvakaitika kuti mukutaura nemazwi akadai ndakanyengetedza vakoma vangu, kuti vave nokutendeka mukuchengetedza mirau yaMwari.

22 Uye zvakaitika kuti takaenda kunyika yechizvarwa chedu, tikaunganidza pamwe agoridhe, nesirivha yedu, nezvimwewo zvinhu zvinokosha zvedu.

23 Uye shure kwokunge taunganidza zvinhu izvi pamwechete, takaenda zvakare kuimba yaRabhani.

24 Uye zvakaitika kuti takaenda kuna Rabhani, tikamukumbira kuti atipe zvinyorwa zvakange zvakanyorwa apamahwendefa endarira, isu tichimupawo goridhe yedu, nesirivha yedu, nezvose zvinokosha zvedu.

25 Uye zvakaitika kuti Rabhani akati aona zvinhu zvedu, nokuwanda kwazvo aakazvichiva, zvokuti akatitanda mumba make, akatumira varanda vake kuti vatiuraye, kuti agowana matorero ezvinhu zvedu.

26 Uye zvakaitika kuti takatiza varanda vaRabhani, tikamanikidzwa kusiya zvinhu zvedu, zvikawira mumaoko aRabhani.

27 Uye takatizira murenje, saka varanda vaRabhani havana kutibata, tikahwanda mubako.

28 Uye zvakaitika kuti Ramani akanga ashatirirwa ini nababa vangu; kana Remueriwo, nokuti aiteerera mazwi aRamani. Naizvozvo, Ramani naRemueri vakataura mazwi aakaoma zvikuru kunesu, vanun’una vavo, vakatirova nemubhadha.

29 Uye zvakaitika kuti pavakange vachitirova nemubhadha, tarisai, angirozi yaIshe yakauya ikamira pamberi pavo, ikati kwavari: Ko sei muchirova munun’una wenyu nemubhadha? Hamuzive here kuti Ishe vakamusarudza kuti ave bmutongi pamusoro penyu, nenzira yezvitadzo zvenyu? Tarisai muchaenda kuJerusarema zvekare, uye Ishe vachaisa Rabhani mumaoko enyu.

30 Uye shure kwokunge angirozi yataura nesu, yakaenda.

31 Uye shure kwokunge ngirozi yaenda, Ramani naRemueri vakatangisa zvakare akutsutsumwa vachiti: Ko zvingabvire sei kuti Ishe vangazviite kuti vaise Rabhani mumaoko edu? Tarisai, munhu ane masimba ose, uye anokwanisa kutuma makumi mashanu, hongu, uye zvakare anokwanisa kuuraya makumi mashanu; ko zvino isu angatitadze nei?