Magwaro Matsvene
1 Nifai 12


Chitsauko 12

Nifai anoona muchiratidzo nyika yechipikirwa; kururama, huipi, nekupunzika kwevagari vayo; kuuya kweGwayana raMwari pakati pavo; kuti Vadzidzi vaneGumi neVaviri neVaapositori vaneGumi neVaviri vachatonga sei Israeri; nekusemesa neutsvina hweavo vanoderera mukusatenda. Zvingangove makore 600 kusvika ku592 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvakaitika kuti ngirozi yakati kwandiri: Tarisai uye uone mbeu yako, nembeuwo yehama dzako. Uye ndakatarisa ndikaona anyika yechipikirwa; uye ndikaona mhomho dzevanhu, hongu, kana sekuwanda mukuverenga kwakaita kuwanda kwejecha regungwa.

2 Uye zvakaitika kuti ndakaona mhomho dzakaungana pamwechete mukurwa, dzichirwisana; uye ndikaona ahondo, nerunyerekupe rwehondo, nekuurayana nemunondo pakati pevanhu vekwangu.

3 Uye zvakaitika kuti ndakaona zvizvarwa zvizhinji zvichifa, mushure metsika yehondo negakava munyika; uye ndikaona maguta mazhinji, hongu, kana kuverenga handina kuaverenga.

4 Uye zvakaitika kuti ndakaona amhute byerima pauso hwenyika yechipikirwa; uye ndikaona mheni, uye ndikanzwa kutinhira, nekundengendeka kwenyika, nemhere-mhere yose yekunetsekana; uye ndikaona ivhu nemabwe, kuti zvaitsemuka; uye ndikaona makomo achikoromoka; uye ndikaona mapani enyika, kuti akasakadzwa; uye ndikaona maguta mazhinji kuti cakanyudzwa; uye ndikaona mazhinji kuti akapiswa nemoto; uye ndikaona mazhinji aikoromokera pasi, nenzira yekundengendeka kwaivepo.

5 Uye zvakaitika kuti mushure mekunge ndaona zvinhu izvi, ndakaona akunyangarika kwerima, kuti rakabva pauso hwenyika; uye tarisai, ndakaona mhomho dzisina kunge dzapunzika nenzira yekutonga kunotyisa kwaIshe.

6 Uye ndakaona matenga achizuruka, uye aGwayana raMwari richiburuka kubva kudenga; uye rikauya pasi rikazviratidza kwavari.

7 Uye ndakaonawo uye ndikaziva kuti Mweya Mutsvene wakawira pane vamwe agumi nevaviri; uye vakagadzwa naMwari, uye vakasarudzwa.

8 Uye ngirozi yakataura kwandiri ichiti: Ona vanegumi nevaviri vadzidzi veGwayana, vakasarudzwa kuti vaparidze kumbeu yako.

9 Uye ikati kwandiri: Unorangarira here vaapositori veGwayana avanegumi nevaviri? Tarisai ndivo vachatonga marudzi gumi nemaviri aIsraeri; nokudaro, vashumiri gumi nevaviri vembeu yako bvachatongwa navo; nokuti muri vemba yaIsraeri.

10 Uye ava vashumiri agumi nevaviri vauri kuona vachatonga mbeu yako. Uye, tarisai, vakatwasanuka narinhi; nokuti nenzira yerutendo rwavo muGwayana raMwari bnguo dzavo dzaitwa chena muropa rake.

11 Uye ngirozi yakati kwandiri: Tarisa! Uye ndikatarisa, uye ndikaona zvizvarwa azvitatu zvichipfuura zviri mukururama; uye nguo dzavo dzakange dzakachena sedzeGwayana raMwari. Uye ngirozi ikati kwandiri: Ava vakaitwa vachena muropa reGwayana, nenzira yerutendo rwavo maari.

12 Uye ini Nifai, ndakaonawo vazhinji vechizvarwa achechina vakapfuura vari mukururama.

13 Uye zvakaitika kuti ndakaona mhomho dzepasi dzakaungana pamwechete.

14 Uye ngirozi ikati kwandiri: Ona mbeu yako, nembeuwo yehama dzako.

15 Uye zvakaitika kuti ndakatarisa ndikaona vanhu vembeu yangu vakaungana pamwechete vari mhomho avachirwisana nembeu yehama dzangu; uye vakanga vaungana pamwechete kuti varwe.

16 Uye ngirozi yakataura kwandiri ichiti: Tarisai chisipiti chemvura ine atsvina chakaonekwa nababa vako; hongu, kana brwizi rwavakataura; uye kudzika kwarwo ndiko kudzika ckwegehena.

17 Uye amhute yerima ndiyo miedzo yadhiabhorosi, binopofomadza maziso, ichiomesa mwoyo yevana vevanhu, ichivatungamira munzira cdzakapamhama, zvekuti vanofa vachirasika.

18 Uye azimba guru uye dhandanda, iro rakaonekwa nababa vako, bkufungidzira zvinhu zvisipo cnekuzvikudza kwevana vevanhu. Uye dzigomba guru rinotyisa rakavaganhura; hongu, kana izwi rokutonga ekwakarurama kwaMwari Vokusingaperi, naMesia anova ndiye Gwayana raMwari, uyo anopupurirwa neMweya Mutsvene, kubvira pakutanga kwenyika kusvika panguva ino, uye kubvira zvino nekusingaperi.

19 Uye zvakanga ngirozi ichitaura mazwi aya, ndakatarisa ndikaona kuti mbeu yehama dzangu yakange ichirwisana nembeu yangu, maererano nemazwi engirozi; nenzira yekuzvikudza kwembeu yangu, anemiyedzo yadhiabhorosi, ndakaona kuti mbeu yehama dzangu yakange bichikurira vanhu vembeu yangu.

20 Uye zvakaitika kuti ndakatarisa, uye ndikaona vanhu vembeu yehama dzangu kuti vakange vakunda mbeu yangu; uye vakaenda vari mhomho mukati menyika.

21 Uye ndakavaona vakaungana pamwechete vari mhomho; uye ndikaona ahondo nerunyerekupe rwehondo pakati pavo; uye muhondo nerunyerekupe rwehondo ndakaona zvizvarwa zvizhinji zvichipfuura.

22 Uye ngirozi yakati kwandiri: Tarisai ivava avachaderera mukusatenda.

23 Uye zvakaitika kuti ndakaona, kuti mushure mekunge vaderera mukusatenda avakasviba, bvanosemesa, vakave vanhu vane tsvina, vazere cnenungo netsika dzose dzezvinhu zvakaipa.