Magwaro Matsvene
1 Nifai 8


Chitsauko 8

Rihai anoona chiratidzo chemuti weupenyu—Anodya muchero wemuti uyu obva ada kuti mhuri yake iudyewo—Anoona danda resimbi, kanzira kakamanikana uye kakamanika, nebute rerima rinofukidza vanhu—Saria, Nifai, naSemu vanodya muchero, asi Ramani naRemueri vanoramba. Zvingangove makore 600 kusvika ku592 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvakaitika kuti takanga taunganidza mbeu dzakasiyana-siyana dzemarudzi ose, tsanga dzemarudzi ose, nemhodzi dzemichero yemarudzi ose.

2 Uye zvakaitika kuti Baba vangu vachigara murenje vakataura kwatiri vachiti: Tarisai, andarota hope; kana kuti nemamwe mazwi, ndaona bchiratidzo.

3 Uye tarisai, nenzira yechinhu chandaona, ndine chikonzero chekufara munaIshe pamusoro apaNifai nepamusoro paSemuwo; nokuti ndine chikonzero chekufungidzira kuti ivo, nevazhinji vembeu yavo, vachaponeswa.

4 Asi tarisai, aRamani naRemueri, ndinotya zvikuru pamusana penyu; nokuti tarisai, ndinorangarira kuti ndaona muhope dzangu, renje dema rinotyisa.

5 Uye zvakaitika kuti ndakaona murume, uye akange akapfeka ahanzu chena; akauya akamira mberi kwangu.

6 Uye zvakaitika kuti akataura kwandiri, uye akati ndimutevere.

7 Uye zvakaitika kuti zvandaimutevera ndakazviona kuti ndakange ndiri munzvimbo ine rima mugwenga risina chinhu.

8 Uye mushure mekunge ndafamba kwenguva huru ndiri murima, ndakatangisa kunamata kuna Ishe kuti ave anetsitsi neni, maererano nekuwanda kwetsitsi dzake dzakapfava.

9 Uye zvakaitika kuti mushure mekunge ndanamata kuna Ishe ndakaona azimunda guru rakapamhama.

10 Uye zvakaitika kuti ndakaona amuti, waive bnemichero yaifanira kufadza munhu.

11 Uye zvakaitika kuti ndakaenda ndikanodya amuchero iwoyo; uye ndikaona kuti waitapira chaizvo, kupfuura yose yandakambodya. Hongu, uye ndakaona kuti muchero uyu wakange uri muchena, kupfuura bkuchena kwose kwandakamboona.

12 Uye kudya kwandakange ndichiita muchero uyu wakazadza mweya wangu anorufaro rukuru rwusingataurike; nokudaro, ndakatanga bkuda kuti mhuri yangu iudyewo; nokuti ndaiziva kuti cwainaka kupfuura mimwe michero yose.

13 Uye zvandakanga ndichitarisa kuti zvimwe ndingaone mhuri yanguwo, ndakaona arwizi rwemvura; uye rwakange rwuchierera, uye rwaive pedyo nemuti wandaidya michero.

14 Uye ndakatarisa kuti ndione kwarwaibva; ndikaona parwaitangira chinhambwe chidiki-diki; uye parwaitangira ipapo ndakaona amai vako Saria, Semu, uye Nifai; vakanga vamire vachiita sevasingazive kwavari kuenda.

15 Uye zvakaitika kuti ndakavadaidza neruoko; uye ndikatiwo kwavari nezwi guru ngavauye kwandiri, uye vazodya muchero wainaka kupfuura mimwe michero yose.

16 Uye zvakaitika kuti vakauya kwandiri uye vakadyawo muchero.

17 Uye zvakaitika kuti ndakada kuti Ramani naRemueri vauye vazodyawo muchero; nokudaro, ndakakanda maziso kumusoro kwerwizi, kuti zvimwe ndingavaone.

18 Uye zvakaitika kuti ndakavaona, asi ahavana kuda kuuya kwandiri kuti vazodya muchero.

19 Uye ndakaona adanda resimbi, uye rakange rakareba richitevedza rwizi, uye richisvika pamuti pandakanga ndimire.

20 Uye ndakaonawo kanzira akakamanikana uye kakamanika, kaitevedza bango resimbi iri, kusvika pamuti pandakanga ndimire; uye kachibvawo kumusoro kwakatangira rwizi, kachienda bmuzimunda guru rakafara, sekunge raive nyika.

21 Uye ndakaona vanhu vasingaverengeke, vazhinji vavo vaisaidzira mberi, kuti vasvike amukanzira kaienda pamuti pandakanga ndimire.

22 Uye zvakaitika kuti vakauya, vakatangisa kufamba nekanzira kaienda pamuti.

23 Uye zvakaitika kuti kwakasimuka amhute yerima; hongu, kunyangwe kana mhute yerima risingataurike, zvekuti avo vakange vatangisa kufamba mukanzira vakashaya nzira yavo, vakabuda munzira vakarasika.

24 Uye zvakaitika kuti ndakaona vamwe vachisaidzira kuenda mberi, uye vakauya mberi vakabatirira pakaperera danda resimbi; uye vakasaidzira mberi mukati mebute rerima, vakabatirira padanda resimbi, kudakara vauya uye vadya amuchero wemuti uyu.

25 Uye mushure mekunge vadya muchero wemuti vakatarisa-tarisa sekunge vave akunyara.

26 Uye neniwo ndakatarisa-tarisa, uye ndikaona, mhiri kwerwizi rwemvura, zimba guru uye arakapamhama; rimire sekange rakange riri mudenga, pamusoro penyika.

27 Uye rakanga rakazadzwa nevanhu, vakuru nevadiki, varume nevakadzi; uye kupfeka kwavo kwakange kwakanaka zvakapfuuridza; uye vakanga vari amutsika yekushora nekunongedzera kune avo vakanga vauya uye vachidya muchero.

28 Uye mushure mekunge avaraira muchero uyu bvakanyara, nekuda kweavo vainge vachivashora; uye cvakawira munzira dzinorambidzwa uye vakarasika.

29 Uye zvino ini Nifai, handitaure aose mazwi ababa vangu.

30 Asi kuti ndisarebese mukunyora, tarisai, akaona dzimwe mhomho dzichisaidzira pamberi; uye dzikauya uye dzikabatirira padanda resimbi; uye dzikasaidzira pamberi, dzakabatirira nesimba adanda resimbi, kudakara vauya uye ndokuwira pasi ndokurumbidza uye ndokudya muchero wemuti.

31 Uye akaonawo dzimwe amhomho dzichitsvanzvadzira nzira yekuenda kuzimba guru uye rakapamhama riye.

32 Uye zvakaitika kuti vazhinji vakanyura muhwenje ahwedziva; uye vazhinji akasazovaona vave kungofamba-famba munzira dzavasingazive.

33 Uye hakuzi kuwanda kwemhomho yakapinda muzimba rinoshamisa riya. Uye mushure mekunge vapinda muzimba riya vakanongedzera avachinyomba ini neavo vakanga vachidyawo muchero; asi hatina kuvateerera.

34 Aya mazwi ababa vangu: Nokuti avo vazhinji avakavateerera, vakapunzika.

35 Uye aRamani naRemueri havana kudya muchero, vakadaro baba vangu.

36 Uye zvakaitika kuti mushure mekunge baba vangu vataura ose mazwi ehope dzavo kana chiratidzo, ayo akange akawanda, vakati kwatiri, nenzira yezvinhu izvi zvavakaona muchiratidzo, vaityira zvikurusa Ramani naRemueri; hongu, vaitya kuti vangangoraswa vakabviswa pamberi paIshe.

37 Uye vakavakuridzira nepavaigona napo asemubereki akapfava, kuti vateerere mazwi avo, kuti zvimwe Ishe vangavaitire tsitsi, uye vagorega kuvarasa; hongu, baba vangu vakavaparidzira.

38 Uye mushure mekunge vavaparidzira, nekuvaporofita zvinhu zvizhinji, vakavaudza kuti vateerere mirairo yaIshe; uye vakabva vamira kutaura navo.