Magwaro Matsvene
1 Nifai 15


Chitsauko 15

Mbeu yaRihai ichatambira vhangeri kubva kumaJentairi mumazuva ekupedzisira—Chizvarwa chaIsraeri chinofananidzwa nemuti wemuorivi une mapazi achabatanidzwa pakare—Nifai anodudzira chiratidzo chemuti weupenyu uye anotaura nezvekuenzanisa kwaMwari mukubvisa vatadzi muvakarurama. Zvingangove makore 600 kusvika ku592 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvakaitika kuti ini Nifai, ndakanga ndatakurwa mumweya, uye ndaona zvose zvinhu izvi, ndakadzokera kutende kwababa vangu.

2 Uye zvakaitika kuti ndakaona hama dzangu, uye dzakanga dzichiitirana nharo maererano nezvinhu zvakanga zvataurwa nababa vangu kwavari.

3 Nokuti chokwadi vakataura zvinhu zvikuru zvakawanda kwavari, zvakange zvakaoma akunzwisiswa, kunze kwekunge munhu abvunza Mwari; uye ivo vari vakukutu mumwoyo, saka havana kutarisa kuna Ishe sezvavaifanira kuita.

4 Uye zvino ini Nifai, ndakasuwa pamusana pekuoma kwemwoyo yavo, uyewo, nenzira yezvinhu zvandakanga ndaona, nekuziva kuti zvaitozoitika chete nenzira yekuipa kukuru kwevana vevanhu.

5 Uye zvakaitika kuti ndakakurirwa nenzira yekutambudzwa kwangu, nokuti ndaiti akutambudzika kwangu kwaive kukuru kupfuura zvose, nenzira byekuparadzwa kwevanhu vekwangu, nokuti ndakanga ndaona kupunzika kwavo.

6 Uye zvakaitika kuti mushure mekunge ndatambira asimba ndakataura kuhama dzangu, ndichida kuziva kwavari chikonzero chenharo dzavo.

7 Uye vakati: Tarisai, hatinzwisise mazwi ataurwa nababa vedu nezvemapazi emuti wemuorivi, uye nezvemaJentairi.

8 Uye ndikati kwavari: aMabvunza Ishe here?

9 Uye vakati kwandiri: Hatina; nokuti Ishe havaite kuti tizive chinhu chakadaro.

10 Tarisai, ndakadaro kwavari: Sei musingachengete mirau yaIshe? Sei muchizofa, nenzira ayeukukutu hwemwoyo yenyu?

11 Hamuyeuke here zvinhu izvo zvakataurwa naIshe?—Kana mukasaomesa mwoyo yenyu, uye amukandikumbira murutendo, muchitenda kuti muchagashira, nekusimba mukuchengeta mirairo yangu, chokwadi zvinhu izvi zvichaziviswa kwamuri.

12 Tarisai, ndinoti kwamuri, imba yaIsraeri yakaenzaniswa nemuti wemuorivi, neMweya waIshe wakanga uri munababa vedu; uye tarisai hatina kupazuka here kubva mumba yaIsraeri, uye hatizi abazi remba yaIsraeri here?

13 Uye zvino, chinhu chinoreva baba vedu maererano nekupinzaniswa kwemapazi epo chaiwo kuburikidza nekuzara kwemaJentairi kuti, mumazuva ekupedzisira, kana mbeu yedu ayaderera mukusatenda, hongu, kwemakore mazhinji, uye zvizvarwa zvizhinji mushure mekunge bMesia azviratidza nemuviri wake kuvana vevanhu, ndipo pachauya kuzara ckwevhangeri raMesia kumaJentairi, uye robva dkumaJentairi richienda kune vakasara vembeu yedu—

14 Uye muzuva iroro vakasara avembeu yedu ndipo pavachaziva kuti ndevemba yaIsraeri, nokuti ndivo vanhu bvechibvumirano chaIshe; uye ndipo pavachaziva nokuuya cmuruzivo rwemadzitateguru avo, nekuruzivowo rwevhangeri reMununuri wavo, rakaparidzwa kumadzibaba avo naiye; nokudaro, vachauya mukuziva Mununuri wavo nezvinangwa chaizvo zvedzidziso yake, kuti vagoziva kuti vangauye sei kwaari uye vagoponeswa.

15 Uye muzuva iroro havazofara here vachirumbidza Mwari vavo vasingaperi, adombo ravo neruponeso rwavo? Hongu, muzuva iroro, havazogashira here simba nekudya kunosimbisa kubva bkumudzambiringa wechokwadi? Hongu, havazouya here mudanga rechokwadi raMwari?

16 Tarisai, ndinoti kwamuri, Hongu; vacharangarirwa zvakare kune vemba yaIsraeri; avachabatanidzwa, vari bazi repo remuti wemuorivi, vachiiswa mumuti wemuorivi wechokwadi.

17 Uye izvi ndizvo zviri kureva baba vedu; uye vari kureva kuti izvi hazvizoitika kudzamara vati vaparadzwa nemaJentairi; uye vanoreva kuti zvichaitika nekumaJentairi, kuti Ishe aratidze simba rake kumaJentairi, nechikonzero chichaita kuti aarambwe nemaJuda, kana vemba yaIsraeri.

18 Nokudaro, baba vedu havana kutaura nezvembeu yedu yega, asiwo nezvemba yose yaIsraeri, achinongedza kuchibvumirano chichazadzikiswa mumazuva ekupedzisira; chiri chibvumirano chakaitwa naIshe kuna baba vedu Abrahama vachiti: aMumbeu yako hama dzose dzepasi dzicharopafadzwa.

19 Uye zvakaitika kuti ini Nifai, ndakataura kwavari zvizhinji maererano nezvinhu izvi; hongu, ndakataura kwavari anezvekudzorerwa kwemaJuda mumazuva ekupedzisira.

20 Uye ndakadzokorora mazwi aaIsaya kwavari, akataura nezvekudzorerwa pakare, kwemaJuda, kana kwemba yaIsraeri; uye mushure mekunge vadzorerwa havachazonyadziswa, havazoparadzwa zvakare. Uye zvakaitika kuti ndakataura mazwi akawanda kwazvo kuhama dzangu, zvekuti vakapfava uye bvakazvirereka pamberi paIshe.

21 Uye zvakaitika kuti vakataura kwandiri zvakare, vachiti: Chinorevei chinhu ichi chakaonekwa nababa vedu kuhope? Unorevei amuti wavakaona?

22 Uye ndakati kwavari: Chaive chiratidzo achemuti weupenyu.

23 Uye vakati kwandiri: Rinorevei adanda resimbi rakaonekwa nababa vedu, raienda pamuti?

24 Uye ndakati kwavari raive aizwi raMwari; uye avo vachateerera kuzwi raMwari, uye bvachibatirira nesimba kwariri, havazofi; hakuna czviedzo uye kana dmiseve inotyisa eyemuvengi ingavakurire ikavapinza muupofu, kuti vatungamirirwe kunoparadzwa.

25 Nokudaro, ini Nifai, ndakavakuridzira kuti avachenjerere mazwi aIshe; hongu, ndakavakuridzira nesimba remweya wangu rose, nehugwaru hwose hwandinawo, kuti vachenjerere izwi raMwari uye vagorangarira kuchengeta mirairo yavo nguva dzose muzvinhu zvose.

26 Uye vakati kwandiri: Ko! rwunorevei arwizi rwemvura rwakaonekwa nababa vedu?

27 Uye ndakati kwavari amvura yakaonekwa nababa vangu yaive butsvina; uye mwoyo wavo wakanga wakanyura mune zvimwe zvinhu zvekuti havana kuona utsvina hwemvura.

28 Uye ndakati kwavari yaive amvura yakaipa, inoganhura vakaipa kubva pamuti weupenyu, nekubvawo kuvatendi vaMwari.

29 Uye ndikati kwavari chaive chiratidzo achegehena riye rinotyisa, rakanzi kwandiri nengirozi rakagadzirirwa vakaipa.

30 Uye ndakati kwavari baba vedu vakaonawo kuti akutonga kwakanaka kwaMwari kunoitawo kuti vatsvene vabve muvatadzi; uye kupenya kwacho kwakange kwakaita sechiedza chemoto uri kubvira, uyo unokwira kuna Mwari narinhi narinhi, uye usina magumo.

31 Uye vakati kwandiri: Chinhu ichi chinoreva here kunetswa kwemuviri mumazuva aekuedzwa, kana kuti zvekupedzisira zvinenge zvakaita mweya mushure bmekufa kwenyama, kana kuti chiri kutaura here nezvezvinhu zvenyama?

32 Uye zvakaitika kuti ndakati kwavari chiratidzo chezvinhu zvose zvenyama nezvemweya; nokuti zuva rakafanira kusvika rekuti vatongwe anemabasa avo, hongu, kana mabasa ayo akaitwa nemuviri wenyama mumazuva avo ekuedzwa.

33 Nokudaro, kana avakafa vari mukuipa kwavo vakafanira bkuraswawo, muzvinhu zvemweya, izvo zviri zvinhu zviri muururami; nokudaro, vakafanira kuunzwa kuti vazomira pamberi paMwari, kuti cvatongwe dnemabasa avo; uye kana mabasa avo anga ari etsvina ivo vakafanira kuve evakasviba; uye kana vakasviba hazvingagone kuti fvangagare muumambo hwaMwari; kana zvakadaro, umambo hwaMwari hwakafanira kunge hwakasvibawo.

34 Asi tarisai, ndinoti kwamuri, umambo hwaMwari hauna akusviba, uye hakuna chinhu chisina kuchena chingapinde muumambo hwaMwari; nokudaro pakafanira kuve nenzvimbo yeutsvina yakagadzirirwa izvo zvakasviba.

35 Uye kune nzvimbo yakagadzirwa, hongu, riya agehena rinotyisa randataura nezvaro, uye bdhiabhorosi ndiye mugadziri waro; nokudaro nzvimbo yekupedzisira yemweya yevanhu kugara muumambo hwaMwari, kana kurasirwa kunze nenzira cyekuenzanisa kuye kwandambotaura.

36 Nokudaro, vakaipa vanorambwa kubva muvakarurama, nekubvawo akumuti uye weupenyu, une muchero unokosha bnekudiwa kupfuura mimwe michero yose; hongu, uye ndicho cchipo dchikuru chaMwari kupfuura zvose. Uye ndiko kutaura kwandakaita kuhama dzangu. Ameni.