Magwaro Matsvene
peji yemusoro wenyaya yeBhuku raMormoni


Bhuku raMormoni

Nhoroondo Yakanyorwa
Noruoko rwaMormoni
paMahwendefa
Yakatorwa kubva paMahwendefa aNifai

Saka naizvozvo, kunova kupfupikiswa kwezvinyorwa zvevanhu vaNifai, uye zvakare nevamaRamani—Zvakanyorerwa maRamani, avo vanova vakasara veimba yaIsiraeri; uye zvakare kumuJudha nemuJentairi—Zvakanyorwa pamusana pemurairo, uye zvakare nomweya wechiporofita newekuzarurirwa—Zvakanyorwa ndokusunganidzwa, ndokubva zvavigwa kuna Ishe, kuti zvisazoparadzwa—Kuti zvizouya nechipo nesimba raMwari kuti zvidudzirwe—Zvakasimbiswa noruoko rwaMoronai, zvikavigwa kuna Ishe, kuti zvizouya munguva yakafanira kuburikidza namaJentairi—Kududzirwa kwazvo kunoitwa nechipo chaMwari.

Kupfupikiswa kwakatorwawo kubva muBhuku raEta, rinotaura nezvevanhu vaJaredhi, avo vakanga vaparadzaniswa apo Ishe pavakashandura mutauro wevanhu, apo vaivaka shongwe kuti vaende kudenga—Kuitira kuratidza kune vakasara vemba yaIsiraeri kuti Ishe vakaita zvinhu zvakakura sei kumadzibaba avo; kuti vave vangazive vimbiso dzaIshe, kuti havana kuraswa nokusingaperi—Uye zvakare nokupwisa vaJudha namaJentairi kuti Jesu ndiye Kristu, Mwari Wokusingaperi, achizviratidza kumarudzi ose—Uye zvino, kana paine zvisiriizvo kukanganisa kwavanhu; naizvozvo, musaramba zvinhu zvaMwari, kuti muzoonekwa musina tsvina pachigaro chokutonga chaKristu.

Kududzira kwekutanga kubva pamahwendefa kuchiiswa muChirungu
naJoseph Smith, Mwana

Chinyorwa cheKutanga cheChirungu chakashambadzwa
muPalmyra, New York, USA, muna 1830.