Magwaro Matsvene
1 Nifai 4


Chitsauko 4

Nifai anouraya Rabhani atumwa naIshe uye obva atora mahwendefa endarira nenjere—Zoramu anosarudza kubatana nemhuri yaRihai murenje. Zvingangove makore 600 kusvika ku592 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvakaitika kuti ndakataura navakoma vangu, ndichiti: Ngatiendei zvakare kuJerusarema, uye ngative anokutendeka mukuchengeta mirairo yaIshe; nokuti tarisai vane bsimba kupinda pasi rose, ko zvino angatadze sei kukunda Rabhani namakumi mashanu ake, hongu, kana makumi ezviuru zvake?

2 Naizvozvo ngatiende; ngativei anesimba bsaMosesi; zvechokwadi akataurira mvura cyeGungwa Dzvuku zve ikapatsanuka napakati, naizvozvo madzibaba edu vakapfuura, kubva muusungwa, nepakaoma, mauto aFarao akatevera asi akanyura muGungwa Dzvuku.

3 Zvino tarisai munoziva kuti izvi ndezvechokwadi; uye zvakare munoziva kuti angirozi yataura nemi; saka mungave nokukahadzika here? Ngatiendei; Ishe anokwanisa kutiponesa, sekuponesa kwaakaita madzibaba edu, nokuparadza Rabhani, sezvaakaita maEgipita.

4 Zvino zvandakange ndataura mazwi aya, vakaramba vakashatirwa, uye vakaramba vachitsutsumwa; asi zvisinei vakanditevera kusvikira tasvika kunze kwemasvingo eJerusarema.

5 Uye hwakanga hwave usiku; saka ndakavaita kuti vahwande kunze kwemasvingo. Shure kwokunge vahwanda, ini Nifai, ndakaverevedza ndikapinda muguta ndikaenda kumba kwaRabhani.

6 Uye andakatungamirirwa noMweya, ndisati bndavakuziva zvinhu zvandaifanira kuita.

7 Zvisinei ndakaramba ndichienda, ndava pedyo nemba yaRabhani ndakaona murume, uye akanga akapunzika pamberi pangu, nokuti akanga akararadza nedoro.

8 Uye zvandakasvika paari ndakaona kuti ndiRabhani.

9 Uye ndakaona amunondo wake, ndikawubvisa muhara saizvozvo; mubato wawo wakanga uri wegoridhe chaiyo, uye nomugadzirirwo wawo wairatidza umhizha, ndakaona kuti munondo uyu wakanga uri wesimbi inokosha.

10 Uye zvakaitika kuti andakatunhwa noMweya kuti ndinofanira kuti ndiuraye Rabhani; asi ndakati mumwoyo mangu: Handina kumbobvira pane ipi nguva zvayo ndadeura ropa romunhu. Ndakadududza ndikati dai ndarega kumuuraya.

11 Uye Mweya wakati kwandiri zvakare: Tarisai aIshe vamuisa mumaoko ako. Hongu, ini ndikazivawo kuti akambenge atsvaga kundiuraya; haana kuteerera mirairo yaIshe; uye kuti akanga batora zvinhu zvedu.

12 Uye zvakaitika kuti Mweya wakati kwandiri zvakare: Muuraye, nokuti Ishe vamuisa mumaoko ako;

13 Tarisai Ishe avanouraya bvakaipa kuti vaunze zvinhu zvakarurama. Zviri cnani kuti munhu mumwechete afe pane kuti nyika iderere nokufira mukusatenda.

14 Uye zvino, pandakanga ini, Nifai, ndanzwa mazwi aya, ndakarangarira mazwi aIshe avakanga vandiudza murenje, vachiti: aKana mbeu yako ikachengeta bmirairo yangu, cichabudirira dmunyika yechipikirwa.

15 Hongu, zvakare ndakafunga kuti havaizokwanisa kuchengeta mirairo yaIshe maererano nemitemo yaMosesi, kunze kwekunge vainawo mutemo.

16 Uye zvakare ndakaziva kuti amutemo wakanga wakanyorwa pamahwendefa endarira.

17 Uye zvakare, ndakaziva kuti Ishe vakanga vaisa Rabhani mumaoko angu nokuda kwechikonzero ichi—kuti ndikwanise kutora zvinyorwa izvi maererano nokuraira kwavo.

18 Naizvozvo ndakateerera izwi roMweya, ndikabata Rabhani nebvudzi remusoro, ndikadimura musoro wake anemunondo wake.

19 Uye shure kwokunge ndadimura musoro wake nemunondo wake, ndakatora mbatya dzaRabhani ndikadzipfeka pamuviri pangu; hongu, nezvimwe zvose; ndikatora nguwo dzake dzehondo ndikasungira muchiuno changu.

20 Uye shure kwokunge ndaita izvi, ndakaenda uko kwaichengeterwa upfumi hwaRabhani. Ndichienda kwaichengeterwa upfumi hwaRabhani, tarisai, ndakaona amuranda waRabhani akange ane makii ekwaichengeterwa upfumi. Ndakamuudza nezwi seraRabhani, kuti aende neni kwaichengeterwa upfumi uku.

21 Uye akafunga kuti ndini tenzi wake Rabhani, nokuti akaona mbatya nemunondo wakange uri muchiuno changu.

22 Uye akataura kwandiri pamusana pavatungamiri vamaJuda, nokuti aiziva kuti tenzi wake, Rabhani, akanga ari kunze navo usiku.

23 Uye ndakataura naye sendakanga ndiri Rabhani.

24 Uye ndakataura naye zvakare kuti ndaifanira kutakura zvinyorwa izvi, izvo zvakanga zviri apamahwendefa endarira, kune vakoma vangu, vakanga vari kunze kwerusvingo.

25 Uye ndakamuti anditevere.

26 Uye iye, nokufungidzira kuti ndaitaura pamusana penhengo dzechechi, uye kuti zvechokwadi ndakanga ndiri Rabhani uyo wandakanga ndauraya, nokudaro akanditevera.

27 Uye akataura kwandiri kazhinji kwazvo pamusana pavatungamiri vamaJuda, tichienda kuvakoma vangu, avo vakanga vari kunze kwemasvingo.

28 Uye zvakaitika kuti apo Ramani akandiona akava nokutya kukuru, uye pamwe naRemueri naSemu. Saka vakanditiza; nokuti vakafunga kuti ndiRabhani, uye akanga andiuraya zvino akange ave kutsvaga kuvaurayawo.

29 Uye zvakaitika kuti ndakashevedzera vakandinzwa; naizvozvo vakabva varega kunditiza.

30 Uye zvakaitika kuti muranda waRabhani zvaakaona vakoma vangu akatangisa kubvunda, uye akanga ava kuda kutiza kuti adzokere muguta reJerusarema.

31 Uye zvino ini Nifai, somunhu akanga ari mukuru pamhumhu, uye somunhu akanga apiwa asimba rakawanda raIshe, ndakakwanisa kubata muranda waRabhani, kuti asatiza.

32 Uye zvakaitika kuti ndakataura naye, kuti akateerera kumazwi angu, kuti sezvo Ishe vachirarama, uye sezvo ini ndichirarama, naiye akava anoteerera kumazwi edu, hataimuuraya.

33 Uye ndakataura naye, kunyange anekupika kuti asatye; nokuti kana ainge abvuma kuenda nesu murenje aizenge akasununguka sesu.

34 Uyezve ndakataura naye, ndichiti: Chokwadi Ishe avatiudza kuti tiite chinhu ichi; zvino torega here kusimba mukuchengeta mitemo yaIshe? Saka, ukaenda murenje kuna baba vangu uchawana nzvimbo pamwechete nesu.

35 Uye zvakaitika kuti aZoramu akapiwa kushinga nemazwi andakataura. Zvino Zoramu ndiro rakanga riri zita romuranda uyu; akavimbisa kuti aizoenda nesu murenje kuna baba vedu. Hongu, akavimbisawo kuti aizogara nesu kubva panguva iyoyo.

36 Zvino takada kuti agare nesu nechikonzero ichi, kuti maJuda asazokwanisa kuziva nezvekutiza kwedu tichienda murenje, nokuti vaizotitsvaga vakatiparadza.

37 Uye zvakaitika kuti apakapika Zoramu achitipa ruvimbiso rwake, kutya kwedu pamusoro pake kwakapera.

38 Uye zvakaitika kuti takatora mahwendefa endarira pamwe nomuranda waRabhani, tikaenda murenje, tikafamba rwendo kuenda kutende yababa vedu.