Magwaro Matsvene
1 Nifai 11


Chitsauko 11

Nifai anoona Mweya waIshe uye anoratidzwa muchiratidzo muti weupenyu—Anoona amai veMwanakomana waMwari uye anodzidza nekuzvidzikisira kwaMwari—Anoona rubhabhatidzo, ushumiri, nekuroverwa kweGwayana raMwari—Anoonawo kudaidzwa neushumiri hweVaapositori veGwayana vaneGumi neVaviri. Zvingangove makore 600 kusvika ku592 Kristu asati azvarwa.

1 Nokuti zvakaitika kuti mushure mekunge ndada kuziva zvinhu zvakanga zvaonekwa nababa vangu, nokutenda kuti Ishe vaikwanisa kuita kuti ndizvizive, zvandakanga ndigere andichifungisisa mumwoyo mangu bndakatorwa neMweya waIshe, hongu, ndikaenda cmugomo rakareba zvakanyanya, randakanga ndisina kumbenge ndakaona, uye randakanga ndisina kumbenge ndakatsika netsoka dzangu.

2 Uye Mweya ukati kwandiri: Tarisai, unodei?

3 Uye ndikati: Ndinoda kuona zvinhu azvakaonekwa nababa vangu.

4 Uye Mweya ukati kwandiri: Unotenda here kuti baba vako vakaona amuti wavakataura nezvawo?

5 Uye ndikati: Hongu, munoziva kuti andinotenda ose mazwi ababa vangu.

6 Uye ndataura mazwi aya, Mweya wakachema nezwi guru, uchiti: Hosana kuna Ishe, vakuru-kuru Mwari; nokuti ndiMwari avepasi pose, hongu, kana pamusoro pezvose. Uye iwe wakakomborerwa Nifai, nokuti bunotenda muMwanakomana waMwari mukuru; nokudaro, uchaona zvinhu zvawada kuona.

7 Uye tarisai chinhu ichi chichapiwa kwauri asechiratidzo, kuti mumashure mekunge waona muti wakabereka muchero wakadyiwa nababa vako, uchaonawo murume achiburuka kubva kudenga, uye iyeyo uchamupupurira; uye mushure mekunge wamuona buchataura kuti Mwanakomana waMwari.

8 Uye zvakaitika kuti Mweya wakati kwandiri: Tarisa! Uye ndakatarisa ndikaona muti; uye wakange wakaita asemuti wakanga waonekwa nababa vangu; uye kunaka kwawo kwakange kwakapfuuridza, hongu, kudarika runako rwose; uye bkuchena kwawo nokudaro kwakange kwakapfuura kuchena kwechando chamatsutso.

9 Uye zvakaitika kuti mushure mekunge ndaona muti uya, ndakati kuMweya: Ndinoona kuti waratidza kwandiri muti aunokosha kupfuura mimwe yose.

10 Uye akati kwandiri: Unodei?

11 Uye ndikati kwaari: Kuziva azvazvinoreva—nokuti ndaitaura naye sekutaura kunoita munhu; nokuti ndakaona kuti akange ane bchimiro chemunhu; asi kana zvainge zvakadaro, ndaiziva kuti waive Mweya waIshe; uye akataura neni sezvinoita munhu kana achitaura kune mumwe.

12 Uye zvakaitika kuti akati kwandiri: Tarisa! Uye ndikatarisa sekunge ndiri kutarisa kwaari, uye handina kumuona; nokuti akange abva pandiri.

13 Uye zvakaitika kuti ndakatarisa ndikaona guta guru reJerusarema, nemamwewo maguta. Uye ndakaona guta reNazareta; uye muguta areNazareta ndakaona bmhandara, uye yakanga yakanaka iri chena zvisingataurike.

14 Uye zvakaitika kuti ndakaona amatenga achizuruka; uye ngirozi ikadzika uye ikamira pamberi pangu; ikati kwandiri: Nifai, uri kuonei?

15 Uye ndikati kwairi: Mhandara, yakanakiswa kupfuura dzimwe mhandara dzose.

16 Uye ikati kwandiri: Unoziva here kuzvideredza kwaMwari?

17 Uye ndikati kwairi: Ndinoziva kuti vanoda vana vavo; asi zvisinei, handizive zvinoreva zvinhu zvose.

18 Uye ikati kwandiri: Tarisai, amhandara yauri kuona ndiyo bamai veMwanakomana waMwari, mutsika yezvenyama.

19 Uye zvakaitika kuti ndakaona achitakurwa muMweya; uye mushure mekunge atakurwa amuMweya kwechinguva chakati ngirozi yakataura kwandiri, ichiti: Tarisa!

20 Uye ndakatarisa uye ndikaona mhandara iya zvakare, yakatakura amwana mumaoko ayo.

21 Uye ngirozi ikati kwandiri: Ona aGwayana raMwari, hongu, bMwanakomana cwaBaba Vokusingaperi! Unoziva here zvinoreva dmuti wakaonekwa nababa vako?

22 Uye ndakaipindura ndichiti: Hongu, arudo rwaMwari, rwunopararira rwega mumwoyo yevana vevanhu; nokudaro, ndirwo rwunodiwa kupfuura zvinhu zvose.

23 Uye yakataura kwandiri ichiti: Hongu, uye ndirwo rwunonyanya akufadza kumweya.

24 Uye mushure mekunge yataura mazwi aya, yakati kwandiri: Tarisa! Uye ndakatarisa, uye ndikaona Mwanakomana waMwari aachienda mukati mevana vevanhu; uye ndikaona vazhinji vachiwira pasi patsoka dzake uye vachimunamata.

25 Uye zvakaitika kuti ndakaona kuti adanda resimbi, riya rakaonekwa nababa vangu, raive izwi raMwari, raienda kuchisipiti chemvura byeupenyu, kana ckumuti weupenyu; mvura iyi iri chiratidzo cherudo rwaMwari; uye ndakaonawo kuti muti weupenyu waive chiratidzo cherudo rwaMwari.

26 Uye ngirozi yakati kwandiri zvakare: Tarisai uone akuzvideredza kwaMwari!

27 Uye ndakatarisa uye andikaona Mununuri wenyika, uyo akanga ataurwa nababa vangu; uye ndikaonawo bmuporofita aizogadzira nzira yake asati auya. Uye Gwayana raMwari rakaenda uye crikabhabhatidzwa naye; uye mushure mekunge abhabhatidzwa, ndakaona matenga achizaruka, uye Mweya Mutsvene uchiuya uchibva kudenga uye uchigara paari uine chimiro dchenjiva.

28 Uye ndakaona kuti akaenda akanoparidzira vanhu, amusimba nemukurumbira mukuru; uye mhomho dzevanhu dzakaungana pamwechete kuti vamunzwe; uye ndikaona kuti vakamutanda pakati pavo.

29 Uye ndakaonawo vamwe agumi nevaviri vachimutevera. Uye zvakaitika kuti vakatakurwa muMweya pameso pangu, uye handina kuzovaona.

30 Uye zvakaitika kuti ngirozi yakataura kwandiri zvakare ichiti: Tarisa! Uye ndakatarisa, uye ndikaona matenga achizuruka zvakare, uye ndikaona angirozi dzichidzika pavana vevanhu; uye dzikashumira kwavari.

31 Uye yakataura kwandiri zvakare ichiti: Tarisa! Uye ndakatarisa, uye ndikaona Gwayana raMwari richienda pakati pevana vevanhu. Uye ndikaona mhomho yevanhu vakanga vachirwara, nevakange vaine zvirwere zvakasiyana-siyana, anemadhimoni nemweya bisina kuchena; uye ngirozi yakataura ikaratidza zvose zvinhu izvi kwandiri. Uye cvakarapwa nesimba reGwayana raMwari; uye madhimoni nemweya yetsvina yakabviswa.

32 Uye zvakaitika kuti ngirozi yakataura kwandiri zvakare ichiti: Tarisa! Uye ndakatarisa ndikaona Gwayana raMwari, kuti rakatorwa nevanhu; hongu, Mwanakomana waMwari asingaperi aakatongwa nevenyika; uye ndakazviona uye ndineumboo.

33 Uye ini Nifai, ndakaona kuti akaturikwa apamuchinjikwa bakaurairwa zvitadzo zvenyika.

34 Uye mushure mekunge auraiwa ndakaona mhomho dzepasi, kuti dzakaungana pamwechete kurwisa vaapositori veGwayana; nokuti vanegumi nevaviri ndiko kudaidzwa kwavaiitwa nengirozi yaIshe.

35 Uye mhomho dzepasi dzakange dzakaungana pamwechete; uye ndikaona kuti dzakange dziri amuzimba guru uye dhandanda, rakafanana nezimba rakaonekwa nababa vangu. Uye ngirozi yaIshe yakataura zvakare kwandiri ichiti: Ona nyika neungwaru hurimo; hongu, tarisai imba yaIsraeri yaungana pamwechete kuti irwise vaapositori veGwayana vanegumi nevaviri.

36 Uye zvakaitika kuti ndakaona ndikaziva kuti, zimba guru uye dhandanda kwaive akuzvikudza kwenyika; uye yakapunzika, uye kupunzika kwacho kwakange kuri kukuru zvisingataurike. Uye ngirozi yaIshe yakataura kwandiri zvakare ichiti: Ndookuparadzwa kuchaitwa nyika dzose, marudzi, ndimi, navanhu, avo vacharwisa vaapositori veGwayana vanegumi nevaviri.