Magwaro Matsvene
1 Nifai 6


Chitsauko 6

Nifai anonyora pamusoro pezvinhu zvaMwari—Chinangwa chaNifai chiri chokunyengetedza vanhu kuti vauye kuna Mwari waAbrahama vaponeswe. Zvingangove makore 600 kusvika ku592 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvino ini Nifai, handipe nhoroondo yekuberekwa kwemadzibaba angu muchikamu achino chezvinyorwa zvangu; uye hapana imwe nguva yandichazorwupa bpamahwendefa andiri kunyora aya; nokuti zviri pazvinyorwa zvakachengetwa cnababa vangu; naizvozvo, handizvinyore mubasa rino.

2 Nokuti ini ndakagutsikana kutaura kuti tiri chizvarwa achaJosefa.

3 Zve hazvindinetse kuti handisi kunyora nyaya yose yezvinhu zvababa vangu, nokuti hazvinganyorwe apamahwendefa aya, nokuti ndinoda nzvimbo yokunyorera zvinhu zvaMwari.

4 Nokuti chido changu chizere ndechokuti andinyengetedze vanhu bvauye kuna Mwari vaAbrahama, naMwari vaIsaka, naMwari vaJakobo, kuti vagoponeswa.

5 Naizvozvo, zvinhu azvinofadza nyika handinyore, asi zvinhu zvinofadza Mwari neavo vasiri venyika.

6 Naizvozvo, ndichapa murairo mbeu yangu, kuti vasazozadza mahwendefa aya nezvinhu zvisingakodzeri kuvana vavanhu.