Magwaro Matsvene
1 Nifai 2


Chitsauko 2

Rihai anoenda nemhuri yake murenje riri pedyo neGungwa Dzvuku—Vanosiya pfuma yavo—Rihai anopira kuna Ishe nokudzidzisa vanakomana vake kuti vachengetedze mirairo—Ramani naRemueri vanotsutsumwa pamusana pababa vavo—Nifai anoteerera nokunamata nokutenda; Ishe vanotaura kwaari, uye anosarudzwa kuti atonge vakoma vake. Zvingangove makore 600 Kristu asati azvarwa.

1 Zvino tarisai, zvakaitika kuti Ishe vakataura kuna baba vangu, hongu, kana muhope, vakati kwavari: Wakakomborerwa iwe Rihai, nokuda kwezvinhu zvawakaita; uye nokuti wakava wakatendeseka nokutaurira vanhu zvinhu izvo ndakakuraira iwe, tarisai, vanotsvaka kuti avaparadze upenyu hwako.

2 Uye zvakaitika kuti Ishe avakaraira baba vangu, bmuhope, kuti anofanirwa ckutora mhuri yake aende murenje.

3 Uye zvakaitika kuti avakateerera mazwi aIshe, naizvozvo vakaita sokurairwa kwavakange vaitwa naIshe.

4 Uye zvakaitika kuti vakasimuka vakaenda murenje. Uye vakasiya imba yavo, nenyika yamadzitateguru avo, negoridhe yavo nesirivha yavo, nezvinhu zvavo zvinokosha, vakaenda vasina chinhu, kunze kwemhuri yavo, nezvekudya, namatende, avakaenda murenje.

5 Uye vakasvika munyasi ameGungwa Dzvuku; vakafamba murenje pedyo nenzvimbo dziri munyasi meGungwa Dzvuku; vakafamba murenje nemhuri yavo, iyo yaiti amai vangu, Saria, navakoma vangu, vaiva bRamani, Remueri naSemu.

6 Uye zvakaitika kuti vafamba mazuva matatu murenje, vakamisa tende yavo amunhika yakange iri pedyo norwizi rwemvura.

7 Uye zvakaitika kuti vakavaka aarita byamatombo, vakapira kuna Ishe, cvakatenda Ishe Mwari vedu.

8 Uye zvakaitika kuti vakadaidza rwizi urwu kuti, Ramani, uye rwairasira muGungwa Dzvuku; uye nhika iyi yaive pedyo nepaidira rwizi urwu mugungwa.

9 Uye apo baba vangu vakaona kuti rwizi urwu rwairasira muchidziva cheGungwa Dzvuku, vakataura kuna Ramani, vachiti: Dai ukaita serwizi urwu, uchimhanya nguva dzose kupinda mumavambo outsvene!

10 Uye vakataurawo kuna Remueri: Dai ukaita senhika iyi, wakatakamara, wakasimba, uye usingazungunuke pakuchengetedza mirairo yaIshe!

11 Zvino vakataura izvi nokuda kweukukutu hwemwoyo waRamani naRemueri; nokuti tarisai avakatsutsumwa muzvinhu zvakawanda pamusana pokuita bkwababa vavo, nokuti vakanga vari munhu canorotswa, uye vakanga vavatungamirira kubva munyika yeJerusarema, kusiya nyika yavo yenhaka, negoridhe yavo, nesirivha yavo, nezvimwe zvinhu zvinokosha kwavari, kuti vafire murenje. Vakati vakaita izvi pamusana pemwoyo wavo unofunga zvinhu zvisina maturo.

12 Saka uku ndiko kutaura nekutsutsumwa kwaRamani naRemueri, sevana vakuru vababa wavo. Vaitsutsumwa nokuti vakanga avasingazive kuita kwaMwari avo vakavasika.

13 Havaitendazve kuti Jerusarema, guta riye guru, araizoparadzwa maererano namazwi avaporofita. Zve vakanga vave samaJuda vakanga vari muJerusarema, avo vakatsvaga kuparadza upenyu hwababa vangu.

14 Uye zvakaitika kuti baba vangu vakataura kwavari munhika raRemueri, anesimba, vakazadzwa noMweya, kusvikira miviri yavo byadedera pamberi pavo. Vakavakanganisa, zvokuti havana kukwanisa kutaura chimwe chinhu pamusoro pavo; saka naizvozvo, vakaita sezvavakavaudza.

15 Baba vangu vaigara mutende.

16 Uye zvakaitika kuti ini Nifai, sezvo ndakanga ndiri muduku chaizvo, asi ndakanga ndakakura pamumhu, uye zvakare ndakanga ndine chido chokuziva azvakavanzika zvaMwari, naizvozvo, ndakachema kuna Ishe; naizvozvo bvakandishanyira, vakava cvanonyevenutsa mwoyo wangu nokudaro dndikatenda mazwi ose akataurwa enababa vangu; saka, handina kuvapandukira sezvakaita vakoma vangu.

17 Uye ndakataura kuna Semu, ndichimuzivisa zvinhu izvo Ishe vakange vandiratidza noMweya Mutsvene wavo. Uye zvakaitika kuti akatenda mazwi angu.

18 Asi, tarisai, Ramani naRemueri havana kuteerera mazwi angu; uye anokusuwiswa nokuda kwokuoma kwomwoyo yavo ndakavachemera kuna Ishe.

19 Uye zvakaitika kuti Ishe vakataura kwandiri, vachiti: Wakakomborerwa iwe, Nifai, nokuda akwokutenda kwako, nokuti wakanditsvaga nechido nesimba, nokuzvirereka kwomwoyo.

20 Uye mukuteerera nokuchengeta mirairo yangu, auchabudirira, uye uchatungamirwa bkunyika yechipikirwa; hongu, kunyange nyika iyo yandakakugadzirira iwe; hongu, nyika yakanaka kupinda dzimwe dzose.

21 Uye vakoma vako vose vakakupandukira, avachabviswa pamberi paIshe.

22 Uye mukuchengeta mirairo yangu, uchazoitwa amutongi nomudzidzisi pamusoro pavakoma vako.

23 Zvino tarisai, nezuva iro ravachandipandukira, andichavatuka nekutuka kunorwadza, zve havachazove nesimba pamusoro pembeu yako nokuti vakadaro vanenge vatopandukira iniwo.

24 Uye kana kuri kudaro kuti vapandukira ini, vachazove atyava kumbeu yako, bzvinozoita kuti varangarire.