Magwaro Matsvene
2 Nifai 12


Chitsauko 12

Isaya anoona temberi yemazuva ekupedzisira, kuunganidzwa kwaIsraeri, nekutonga kwechiuru chemakore nerunyararo—Vanodada nevakaipa vachaderedzwa muKuuya Kwechipiri—Enzanisai naIsaya 2. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati azvarwa.

1 Shoko iro arakaonekwa bnaIsaya mwanakomana waAmozi, riri maererano naJuda neJerusarema:

2 Uye zvichaitika kuti mumazuva ekupedzisira, apo agomo breimba yaIshe richamiswa pamusoro cpemakomo, uye richasimudzirwa pamusoro pezvikomo zvose, uye ose marudzi achayererera kwairi.

3 Uye vanhu vazhinji vachaenda uye vagoti, Uyai imi tiende kugomo raIshe, kumba yaMwari waJakobo; uye vachatidzidzisa nzira dzavo, uye atichafamba munzira dzavo; nokuti muZioni ndimo muchabva bmutemo, neshoko raIshe kubva kuJerusarema.

4 Uye avachatonga pakati pemarudzi, uye vachatsiura vanhu vazhinji: uye vachapfura minondo yavo kuti ive miromo yemagejo, uye mapfumo avo vachaaita ekukwanhurisa miti—rudzi haruzosimudza munondo kubaya rwumwe rudzi, havazodzidza zvehondo zvakare.

5 Imi vemba yaJakobo, uyai imi uye tifambe muchiedza chaIshe; hongu, uyai nokuti mose amarasika, mumwe nomumwe munzira dzake dzakaipa.

6 Naizvozvo, imi Ishe masiya vanhu venyu, imba yaJakobo, nokuti ayakazadzwa nezvekumabvazuva, uye vanoteerera zvinotaurwa nen’anga bsemaFiristia, uye cvanozvifadza nevana vevatorwa.

7 Nyika yavowo izere nesirivha negoridhe, upfumi hwavo hauna magumo; nyika yavo izerewo nemahachi, kana ngoro dzavo hadziperi.

8 Nyika yavo izerewo anezvifananidzo; vanonamata zvavakaumba nemaoko avo, izvo zvakagadzirwa neminwe yavo.

9 Uye uyo munhu akazvidzika ahaakotamise musoro, uye munhu mukuru haazvirereke, saka, musa muregerere.

10 Imi makaipa, pindai mudombo, uye amuzvivige muguruva, nokuti kutya Ishe nokubwinya kweushe hwavo kuchakurovai.

11 Uye zvichaitika kuti kuzvikudza kwemunhu kuchanyadziswa, nekuzvikakanyadza kwevanhu kuchakoromorwa, uye Ishe voga ndivo vachakudzwa muzuva iroro.

12 Nokuti azuva raIshe weHondo richasvika nokukurumidza kumarudzi ose, hongu, pamunhu wose; hongu, pane bvanodada nevanozvikudza, nepane wose akasimudzirwa, achadzikiswa pasi.

13 Hongu, uye zuva raIshe richasvika pamiti yemisida yose yeRebanoni, nokuti yakareba nokukwirira; nepamusoro pemioku yose yeBashani;

14 Uye pamakomo ose marefu, nepazvikomo zvose, nepamarudzi ose akasimudzirwa, nepavanhu vose.

15 Uye nepanharire refu yose, nepashongwe yose yakakomberedzwa.

16 Uye nepangarava dzose adzegungwa, nekungarava dzose dzeTarshisi, uye nepamifananidzo yose inofadza.

17 Uye kuzvikudza kwemunhu kuchaderedzwa pasi, nekuzvikakanyadza kwevanhu kuchaderedzwa; uye Ishe voga ndivo vachakudzwa muzuva airoro.

18 Uye zvifananidzo vachazvipfuudza zvachose.

19 Uye vachaenda mumwena yematombo, nemumapako epasi, nokuti kutya Ishe kuchavabata nekubwinya kweushe hwavo kuchavarova, pavachasimuka kuti vazunze pasi!

20 Muzuva iroro munhu aacharasira zvifananidzo zvake zvesirivha, nezvifananidzo zvake zvegoridhe, zvaakazviitira kuti azvinamate, kunhuta nekumiremwa-remwa;

21 Kupinda mumitswi yematombo, nepamusoro pemabwe akatsemuka, nenzira yekutya kuti Ishe vachauya pamusoro pavo uye ushe hwembiri yavo huchavarova, kana vomuka kuzozunza nyika zvinotyisa.

22 Ibvai akumunhu, ane kufema kuri mumhuno dzake; nokuti ndepapi paachazivikanwawo?