Magwaro Matsvene
2 Nifai 8


Chitsauko 8

Mumazuva ekupedzisira, Ishe vachanyaradza Zioni uye vagounganidza Israeri—Vakanunurwa vachauya kuZioni pakati pemufaro mukuru—Enzanisai naIsaya 51 uye 52:1–2. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati azvarwa.

1 Teererai kwandiri, imi munotevedza kururama. Tarisai kudombo ramakabva, nekumwena wegomba ramakacherwa.

2 Tarisai kuna Abrahama, baba wenyu, nekuna Sara, uyo akakuberekai, nokuti ndakamudaidza ari ega, ndikamuropafadza.

3 Nokuti Ishe achanyaradza Zioni, achanyaradza nenzvimbo dzake dzose dzakaparadzwa; uye achaita kuti renje rake rive seEdeni, uye gwenga rake riite sebindu raIshe. Mufaro nokuseka kuchawanikwamo, kutenda nezwi rinoimba zvinotapira.

4 Teererai kwandiri vanhu vangu; uye mundipe nzeve, imi verudzi rwangu; nokuti mutemo uchabva kwandiri, uye ndichaita kuti kutonga kwangu kumbomira kuti kuve nechiedza kuvanhu.

5 Kururama kwangu kwave pedyo; ruponeso rwangu rwakaenda, uye ruoko rwangu rwuchatonga vanhu. Zvitsuwa zvichatarisira kwandiri, uye zvichavimba neruoko rwangu.

6 Simudzirai maziso enyu kumatenga, uye mugotarisa panyika iri pasi; nokuti matenga achanyangadika seutsi, uye nyika ichasakara sejira; uye avo vanogaramo vachafa netsika imwecheteyo. Asi ruponeso rwangu harwuperi narinhi, uye kururama kwangu hakuzoparadzwa.

7 Teererai kwandiri, imi munoziva kururama, vanhu vane mumwoyo mandakanyora murau wangu, musatye kusvika kwevanhu, zve musatye kukutukai kwavo.

8 Nokuti shaveshave richavadya sejira, uye makonye achavadya sewuru. Asi kururama kwangu ndokwarinhi, uye ruponeso rwangu nderwezvizvarwa nezvizvarwa.

9 Mukai! Mukai! Itai simba, imi ruoko rwaIshe; mukai semakare-kare. Hamuzimi here makacheka Rakabi, mukaremadza chikara?

10 Hamuzimi here makaomesa gungwa, mvura yemakadzama zvikuru; makaita udzame hwegungwa nzira yevakatsikinurwa kuti vapfuure?

11 Nokudaro, vakanunurwa vaIshe vachadzoka, uye vouya nekuimba kuZioni; uye rufaro rwusingaperi neutsvene zvichave pamisoro yavo; uye vachawana rufaro nokufara; kusuwa nekuchema zvichatiza.

12 Ndini iye; hongu, ndini iye anokunyaradzai. Tarisai, ndimi vana ani, vanotya vanhu, avo vachafa, uye mwanakomana wemunhu, vachaitwa seuswa?

13 Uye munokanganwa here Ishe musiki venyu, vakatatamura matenga, uye vakaita hwaro hwenyika, uye vari vanotya mazuva ose, nenzira yehasha dzemudzvinyiriri, sekunge ange agadzirira kuparadza? Uye dziripi hasha dzemudzvinyiriri?

14 Nhapwa inokurumidza, kuti isunungurwe, uye nokuti isafire mugomba, uye nokuti isashaye kudya.

15 Asi ndini Ishe Mwari wenyu, vane masai-sai akatinhira; Ishe veHondo ndiro zita rangu.

16 Uye ndaisa mazwi angu mumuromo wako, uye ndikakuputira nemumvuri weruoko rwangu, kuti ndidyare denga nokuisa hwaro hwenyika, uye ndoti kuna Zioni: Tarisai, muri vanhu vangu.

17 Mukai, mukai, simukai, imi Jerusarema, makanwa muruoko rwaIshe mukombe wehasha dzake—makanwa masose anodzedzerekesa emukombe wakasvinwa—

18 Uye hapana wekumutungamirira pakati pevana vake vose vaakabereka; kana wekumubata ruoko, pavana vose vaakabereka.

19 Ava vanakomana vaviri vauya kwauri, ndiani achakunzwira tsitsi—kusuwa kwako nekuparadzwa, uye nzara nemunondo—uye ndinokunyaradza nani?

20 Vanakomana vako vakapfizuka, kunze kweava vaviri; vavete pakatangira migwagwa pose; segono remhuka yesango yabatwa mumambure, vazere nehasha dzaIshe, kutuka kwaMwari vako.

21 Naizvozvo zvino inzwai izvi, imi munotambudzwa, makararadza, uye kwete newaini:

22 Ndiko kutaura kwaIshe vako, Ishe uye Mwari vako vanochemera nyaya dzevanhu vavo; tarisai, ndabvisa muruoko rwako mukombe wekundendemera, masose emumukombe wehasha dzangu; hauchazounwa zvakare.

23 Asi ndichauisa mumaoko eavo vanokutambudza; vakati kumweya wako: Kotama, kuti tiende nepamusoro pako—uye wakarara pasi ukave nzira yeavo vakaenda nepamusoro pako.

24 Muka, muka, pfeka simba rako iwe Zioni; pfeka nhumbi dzako dzinoyevedza iwe Jerusarema, guta dzvene; nokuti kubvira zvino mauri hamuchazouya vasina kudzingiswa uye kana vasina kuchena.

25 Zvizunze kubva muguruva; simuka, gara pasi iwe Jerusarema; zvisunungure mumajoto ari muhuro mako, iwe nhapwa mwanasikana weZioni.