Magwaro Matsvene
Mosesi 5


Chitsauko 5

(Chikumi—Gumiguru 1830)

Adama naEva vanobereka vana—Adama anopira mupiro uye achishandira Mwari—Kaini naAberi vanozvarwa—Kaini anopanduka, anoda Satani kupfuura Mwari, uye anobva ave Kuraswa—Kuponda nekuipa kwakapararira—Vhangeri rinoparidzwa kubvira pakutanga.

1 Uye zvakaitika kuti mushure ini Ishe Mwari, mekunge ndavatandira kunze, zvakaitika kuti Adama akatanga kurima ivhu, nokuve anesimba pamusoro pedzose mhuka dzesango, nokudya chingwa chake kuburikidza neziya rehuma yake, semarairiro andainge ndamuita, ini Ishe Mwari. Uye Eva, mudzimai wake, naiyewo aishanda naye.

2 Uye Adama akaziva mukadzi wake, uye aakamuzvarira vanakomana bnevanasikana, uye vakatanga ckuwanda nokuzadza nyika.

3 Uye kubvira panguva iyoyo, vanakomana anevanasikana vaAdama vakatanga kupatsanurana vaviri vaviri munyika, nokurima minda nokufudza zvipfuwo, uye naivowo vakabereka vanakomana nevanasikana.

4 Uye Adama naEva, mukadzi wake, vakadaidza zita raIshe, uye vakanzwa izwi raIshe, richibva nekwakadziva nekuBindu areEdeni, richitaura kwavari, uye havana kumuona; nokuti vakanga vavharwa kubva bpamberi pavo.

5 Uye akapa kwavari mirairo, kuti avagonamata Ishe Mwari vavo, uye vagopira zvipfuwo zvavo bzvekutanga, semupiro kuna Ishe. Uye Adama cakaterera kumirairo yaIshe.

6 Uye mushure memazuva mazhinji angirozi yaIshe yakazviratidza kuna Adama, ichiti: Sei uchipira bmipiro kuna Ishe? Uye Adama akati kwairi: Handizive, asi kuti Ishe vakanditaurira kuti ndiite.

7 Uye zvino ngirozi yakataura ichiti: Ichi chinhu achakafanana bnokuzvipira kweMumwechete Akaberekwa waBaba, uyo azere cnenyasha nechokwadi.

8 Nokudaro, uchaita zvose izvo zvaunoita amuzita reMwanakomana, uye buchatendeuka uye cugodaidza Mwari muzita reMwanakomana kudakara narinhi narinhi.

9 Uye muzuva iroro Mweya aMutsvene wakawira pana Adama, uyo unopupura nezvaBaba neMwanakomana uchiti: Ndini bMumwechete Akaberekwa waBaba kubvira pakutanga, kusvika zvino narinhi, kuti sezvo iwe cwakapunzika dungangonunurwa, nerudzi rwevanhu rwose, kunyangwe sevazhinji vachada.

10 Uye muzuva iroro Adama akaropafadza Mwari uye aakazadzwa uye akatanga bkuporofita pamusoro pemhuri dzose dzepasi, achiti: Ngariropafadzwe zita raMwari, nokuti pamusana pekutadza kwangu maziso angu akazaruka, uye muupenyu huno ndichawana crufaro, uye zvakare dmunyama ndichaona Mwari.

11 Uye aEva, mukadzi wake, akanzwa zvose zvinhu izvi uye akafara, achiti: Dai pasina kutadza kwedu tingadai tisina kana kuzoita bmbeu, uye tingadai tisina kuzoziva chakanaka nechakaipa, nerufaro rwekununurwa kwedu, noupenyu hwokusingapere uhwo Mwari hwavanopa kune vose vanoteerera.

12 Uye Adama naEva vakaropafadza zita raMwari, uye vakaita kuti zvose zvinhu azviziikanwe kuvanakomana vavo nekuvanasikana vavo.

13 Uye aSatani akauya pakati pavo, achiti: Ini ndiri Mwanawo waMwari; uye akavaudza, achiti: Musazvitende; uye bvakasazvitenda, uye cvakada Satani kupfuura Mwari. Uye vanhu vakatanga kubva panguva iyoyo kuve dvenyama, nekuzvifadza, nokuita zvadhiabhorosi.

14 Uye Ishe Mwari vakaidaidza vanhu neMweya aMutsvene kwose kwose uye vakavaraira kuti vanofanira kutendeuka;

15 Uye vose vazhinji avanotenda muMwanakomana, uye vakatendeuka kuzvivi zvavo, vanofanirwa bkuponeswa; uye nevazhinji vose vasinakutenda nevasinakutendeuka, vanofanira ckutongwa; uye mazwi aya akaenda achibva mumuromo maMwari muchirevo chakasimba, nokudaro anofanira kuzadzikiswa.

16 Uye Adama naEva, mukadzi wake, havana kuregera kudaidza kuna Mwari. Uye Adama akaziva Eva, mukadzi wake, uye akabata pamuviri uye akazvara aKaini, uye akati: Ndawana murume kubva kuna Ishe; nokudaro haangarambe mazwi avo. Asi tarisai, Kaini haana kuteerera, achiti: Ndiani Ishe avo vandinofanira kuziva?

17 Uye akabata pamuviri zvakare uye akazvara munin’ina wake aAberi. Uye Aberi bakanzwa izwi raIshe. Uye Aberi aiva mufudzi wehwai, asi Kaini aiva murimi wevhu.

18 Uye Kaini aakada Satani kupfuura Mwari. Uye Satani akamuraira achiti: bIta mupiro kuna Ishe.

19 Uye nemukufamba kwenguva zvakaitika kuti Kaini akaunza michero yevhu kumupiro wekuna Ishe.

20 Uye Aberi, naiyewo akaunza matangwe edanga rake, nemafuta adzo. Uye Ishe vakaremekedza Aberi, anemupiro wake;

21 Asi kuna Kaini, uye akumupiro wake, haana kuugashira. Zvino Satani aizviziva izvi, uye zvakamufadza. Uye Kaini akashatirwa zvikuru, uye husu hwake hukadonha.

22 Uye Ishe vakati kuna Kaini: Ko washatirwa nei? Sei husu hwako hwadonha?

23 Kana ukaita zvakanaka, auchatambirwa. Uye kana ukasaita zvakanaka, chivi chirere pamusuwo, uye Satani anoda kuti uve wake; uye kunze kwekunge wateerera kumirairo yangu, ndichakuisa kwaari, uye zvichave kwauri kuita maererano nezvaanoda. Uye uchamutonga;

24 Nokuti kubvira panguva ino iwe uchave baba wemanyepo ake; uchadaidzwa kunzi aKuraswa; nokuti newewo wakanga uripo nyika isati.

25 Uye zvichanzi munguva dzichauya—Kuti akuipa kwose kwakabva kuna Kaini; nokuti akaramba kurairwa kukuru kwakabva kunaMwari; uye uku kutukwa kwandichaisa pauri, kunze kwekunge watendeuka.

26 Uye Kaini akashatirwa, akasazoteerera zvakare kuzwi raIshe, kana kuna Aberi, munin’ina wake, uyo aifamba muhutsvene pamberi paIshe.

27 Uye Adama nemukadzi wake vakachema pamberi paIshe, pamusana paKaini nehama dzake.

28 Uye zvakaitika kuti Kaini akatora mumwe wevanasikana vemunin’ina wake kuti ave mukadzi wake, uye avakada Satani kupfuura Mwari.

29 Uye Satani akati kuna Kaini: Pika kwandiri, nehuro yako uye kana ukazvitaura uchafa; uye pikisa hama dzako nemisoro yadzo, naMwari vapenyu, kuti vasazvitaure; nokuti kana vakazvitaura, chokwadi vachafa; uye izvi kuti baba vako vasazive nhasi ndichaisa munin’ina wako Aberi mumaoko ako.

30 Uye Satani akapika kuna Kaini kuti iye achaita maererano nemirairo yake. Uye zvose izvi zvinhu zvakaitwa muruvande.

31 Uye Kaini akati: Chokwadi ndini Mahani, muridzi weichi chikuru chakavandika, kuti andinoponda uye ndigowana. Nokudaro Kaini akadaidzwa kuti vaTenzi bMahani, uye akazvikudza muhuipi hwake.

32 Uye Kaini akaenda musango, uye Kaini akataura naAberi, munin’ina wake. Uye zvakaitika kuti pavakanga vari musango, Kaini akamukira Aberi, munin’ina wake, uye akamuuraya.

33 Uye Kaini aakazvikudza mune zvaakanga aita, achiti: Ndasununguka; chokwadi zvipfuwo zvemunin’ina wangu zvave mumaoko angu.

34 Uye Ishe vakati kuna Kaini: Ko arikupi Aberi munin’ina wako? Uye iye akati: Handizive. Ndini amuchengeti weminin’ina wangu here?

35 Uye Ishe vakati: Chii chawaita? Izwi reropa remunin’ina wako ririkuchema kwandiri kubva muvhu.

36 Uye iwe uchatukwa kubva muvhu iro rashama muromo waro kutambira ropa remunin’ina wako kubva mumaoko ako.

37 Paunorima ivhu, kubvira zvino harichakupa simba raro. Uchave amutizi uye mudzungairi pano panyika.

38 Uye akati kuna Ishe: Satani aakandiyedza pamusana pezvipfuwo zvemunin’ina wangu. Uye ini ndakanga ndakashatirwawo; nokuti mupiro wake makautambira kwete wangu; kurangwa kwangu kwakakura kupfuura zvandinogona kutakura.

39 Tarisai mandibvisa nhasi uno pahuso hwaIshe, uye huso hwenyu ndichauhwanda; uye ndichave mutizi uye nemudzungairi pano panyika; uye zvichaitika, kuti uyo achandiwana achandiuraya, pamusana pekuipa kwangu, nokuti zvinhu izvi hazvina kuvanzika kuna Ishe.

40 Uye ini Ishe ndakati kwaari: Anizvake anokuuraya, achatsividzwa kanokwana kanomwe. Uye ini Ishe ndakaisa achiratidzo pana Kaini, potse ani zvake anomuwana anga muuraye.

41 Uye Kaini akapfigirwa kunze kubva apamberi Ishe, nemukadzi wake nevazhinji vehama dzake vakagara munyika yeNodhi, kumabvazuva kweEdeni.

42 Uye Kaini akaziva mukadzi wake, uye akabata pamuviri uye akazvara Enoki, uye iyewo akabereka vanakomana vazhinji uye nevanasikana. Uye akavaka aguta, uye akadaidza zita reguta pazita remwanakomana wake, Enoki.

43 Uye kuna Enoki kwakazvarwa Iradi, nevamwe vanakomama nevanasikana. Uye Iradi akabereka Mahujaeri, nevamwe vanakomana nevanasikana. Uye Mahujaeri akabereka Metushaeri nevamwe vanakomana nevanasikana. Uye Metushaeri akabereka Rameki.

44 Uye Rameki akazvitorera vakadzi vaviri; zita remumwe rainzi Ada, uye zita remumwe richinzi, Zira.

45 Uye Ada akazvara Jabari; aive baba weavo vaigara mumatende, uye vaive vafudzi vemombe; uye zita remunin’ina wake Jubari, aive baba weavo vose vanoridza mbira nemarimba.

46 Uye Zira, naiyewo akazvara Tubari Kaini, mudzidzisi wevose vaipfura dare nesimbi. Uye hanzvadzi yaTubari Kaini yainzi Naama.

47 Uye Rameki akati kuvakadzi vake, Ada naZira: Inzwai izwi rangu, imi vakadzi vaRameki, teererai kutaura kwangu; nokuti ndauraya murume, zvandikuvadza kwangu, uye murume wechidiki zvichandirwadza.

48 Kana Kaini achitsiviwa zvakapetwa kanomwe, chokwadi Rameki achatsiviwa zvakapetwa amakumi manomwe nekanomwe.

49 Nokuti Rameki ari akanga apinda amuchibvumirano naSatani, mushure metsika yaKaini, iyo yakaita kuti ave Tenzi Mahani, muridzi wechiya chakavandika chikuru chakapihwa kuna Kaini naSatani; uye Iradi, mwanakomana waEnoki, aziva chakavanda chavo, akatanga kuchitaura kuvanakomana vaAdama;

50 Nokudaro Rameki, nokushatirwa, akamuuraya, kwete sezvakaita Kaini, kumunin’ina wake Aberi, pamusoro pekuda kuwana, asi akamuuraya pamusana pemhiko.

51 Nokuti, kubvira kumazuva aKaini, kwaive nehurongwa ahwemuruvande, uye mabasa avo aiive emurima, uye vaiziva munhu ega ega munin’ina wake.

52 Nokudaro Ishe vakatuka Rameki, nemba yake nevose avo vakanga vabvumirana naSatani; nokuti havana kuchengeta mirairo yaMwari, uye hazvina kufadza Mwari, uye havana kuzovadzidzisa, uye mabasa avo aive kunyangadza, uye akatanga kupararira kune vose avanakomana vevanhu. Uye akave mukati mevana vevanhu.

53 Uye mukati mevasikana vevanhu izvi zvinhu zvakanga zvisingataurwe, nokuti Rameki akanga ataura chakavandika kuvakadzi vake, uye vakabva vamupandukira, uye vakataura zvinhu izvi zvikasvika kure, uye havana kunge vaine tsitsi;

54 Nokudaro Rameki akashorwa, uye akatandirwa kunze, uye akasauya pakati pevanakomana vevanhu, nokuti aizofa.

55 Uye mabasa aerima akatanga kukura pakati pevose vanakomana vevanhu.

56 Uye Mwari vakatuka nyika nekutuka kunorwadza, uye vakashatirirwa vakaipa, nevanakomana vevanhu vavakanga vasika;

57 Nokuti vakanga vasingateerere kuzwi ravo, kana kutenda kune wavo Mwanakomana aMumwechete Akaberekwa, kunyangwe iye wavakataura kuti achauya pakati nepakati penguva, akanga akagadzirira kubvira hwaro hwenyika husati hwavepo.

58 Uye ndiko kutanga kwakaita kuparidzwa akweVhangeri, kubvira pakutanga, richitaurwa bnengirozi tsvene dzaitumwa kubva kuna Mwari, uye nezwi ravo pachavo, uye cnechipo cheMweya Mutsvene.

59 Uye ndiko kusimbiswa kwakaitwa zvinhu zvose kuna Adama, nechisungo chitsvene, neVhangeri rikaparidzwa, uye chisumo chikatumirwa, kuti rive munyika, kudakara kuguma kwayo; uye ndozvazvakaita. Ameni.