Magwaro Matsvene
3 Nifai 20


Chitsauko 20

Jesu anoita chishamiso pakuvapa chingwa newaini uye zvakare anopa sakaramende kuvanhu—Zvizvarwa zvaJakobo zvakasara zvichasvika pakuziva Ishe Mwari wavo vozogara mumaAmerica—Jesu muporofita saMosesi, zve maNifai vana vavaporofita—Vamwe vevanhu vaIshe vachaungana kuJerusarema. Zvingangove makore 34 shure kwekunge Kristu azvarwa.

1 Uye zvakaitika kuti akaraira gungano kuti rimire kunamata, uye nevadzidzi vake. Uye akavaraira kuti vasamire akunamata mumwoyo yavo.

2 Uye akavaraira kuti vasimuke vamire namakumbo avo. Zve vakasimuka vakamira namakumbo avo.

3 Uye zvakaitika kuti akamedura chingwa zvakare akachiropafadza, akapa kuvadzidzi kuti vadye.

4 Uye shure kwokunge vadya akavaraira kuti vamedure chingwa, vape kugungano.

5 Uye shure kwokunge vapa gungano akavapa zvakare waini kuti vanwe, akavaraira kuti vape kugungano.

6 Zvino, pakanga pasina achingwa, kana waini, zvakanga zvaunzwa navadzidzi, kana negungano;

7 Asi zvechokwadi aakapa kwavari chingwa chokudya, uye newaini yokunwa.

8 Uye akati kwavari: Uyo aanodya chingwa ichi anodya muviri wangu pamweya wake; zve uyo anonwa waini iyi ari kunwa ropa rangu pamusoro pomweya wake; zve mweya wake hauzoiti nzara kana nyota, asi kuti uchazadzwa.

9 Zvino, gungano rose zvarakanga radya nokunwa, tarisai, vakazadzwa nomweya; vakachema nezwi rimwechete, vakapa mbiri kuna Jesu, uyo wavakaona nokunzwa.

10 Uye zvakaitika kuti apo vose vakanga vapa mbiri kuna Jesu, akati kwavari: Tarisai ndapedza murairo wandakarairwa naBaba kuti ndiite kuvanhu, vanova vakasara vemba yaIsraeri.

11 Mucharangarira kuti ndakataura nemi, ndichiti kana amazwi baIsaya ave kuzadzikiswa—tarisai akanyorwa, munawo pamberi penyu, naizvozvo anzverei—

12 Uye zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, kana achinge ava kuzadzikiswa ndipo pachave nekuzadzikiswa akwechibvumirano icho Baba vakaita kuvanhu vavo, imba yaIsraeri.

13 Uye zvino avakasara avo, bvachapararira kwose-kwose munyika, cvachaunganidzwa kubva kumabvazuva nokumadokero, nokuchamhembe nokumaodzanyemba; zve vachazounzwa dmukuziva Ishe Mwari vavo, uyo akavanunura.

14 Uye Baba vakandiraira kuti ndinofanira kukupai anyika ino, kuti ive nhaka yenyu.

15 Uye ndinoti kwamuri, kana maJentairi avakasatendeuka shure kwamakomborero avachawana, shure kwokunge vaparadza vanhu vangu—

16 Ndipo imi, vakasara vemba yaJakobo, muchaenda mukati mavo; muchazova pakati pavo ivo vakawanda; muchazova pakati pavo seshumba iri pakati pemhuka dzesango, uye aseshumba diki mukati mamatanga amakwai, iyo, kana ichinge iri mukati mawo binoatsikirira ichiabvanzura kuita zvidimbu-zvidimbu, hapana angaanunure.

17 Ruoko rwako rwuchasimudzwa pavavengi vako, uye mhandu dzako dzose dzicharaswa.

18 Uye andichaunganidza vanhu vangu pamwechete somunhu anounganidza uswa pauriri.

19 Nokuti ndichaita vanhu vangu avo Baba vakaita navo chibvumirano, hongu, ndichaita anyanga yako ive simbi, ndigoita matsimba ako ave ndarira. Uye uchazodimbura-dimbura vanhu vazhinji; zve ndichaisa zvinhu zvavo kuna Ishe, nezvavanazvo kuna Ishe venyika yose. Zve tarisai, ndini ndinozviita.

20 Uye zvichaitika, Baba vanodaro, kuti amunondo wokuranga kwangu uchaturikwa pamusoro pavo zuva iroro; uye kunze kwokunge vatendeuka uchadonhedzerwa pamusoro pavo, Baba vanodaro, hongu, kunyange pamusoro pamarudzi ose emaJentairi.

21 Uye zvichaitika kuti ndichamisa avanhu vangu, imba yaIsraeri.

22 Uye tarisai, vanhu ava ndichavaisa munyika ino, mukuzadzikisa achibvumirano chandakaita nababa venyu Jakobo; richazova Jerusarema bIdzva. Zve masimba ekudenga achazova pakati pavanhu ava; hongu, kunyange cini ndinenge ndiri pakati penyu.

23 Tarisai, ndini uyo aitaurwa naMosesi, achiti: Ishe Mwari venyu achakumutsirai amuporofita werudzi rwenyu, akaita seni; mumuteerere muzvinhu zvose zvaachataura kwamuri. Ichasvika nguva apo mweya yose isinganzwe muporofita uyu ichabviswa pakati pavanhu.

24 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, hongu, vaporofita avose kubva panguva yaSamueri neavo vakazotevera, neavo vakawanda vakataura, vakapupura pamusana pangu.

25 Uye tarisai, muri vana vevaporofita; uye muri vemba yaIsraeri; muri avechibvumirano chakaitwa naBaba namadzibaba enyu, vachiti kuna Abrahama: Uye bmumbeu yako ndudzi dzose dzenyika dzichakomborerwa.

26 Baba vandimutsira kwamuri kutanga, vakandituma kuti ndikuropafadzei amukubvisa mumwe nomumwe wenyu mukuipa kwake; izvi nokuda kwokuti muri vana vechibvumirano—

27 Uye mushure mekunge maropafadzwa ndipo Baba vanozadzikisa chibvumirano icho vakaita naAbrahama, vachiti: aMumbeu yako marudzi ose enyika acharopafadzwa—mukudurura Mweya Mutsvene nemandiri kumaJentairi, kuropafadzwa bkwamaJentairi uku kuchavaita kuti vave vanhu vane mukurumbira pamusoro pevamwe vose, vachiparadza vanhu vangu, imba yaIsraeri.

28 Uye vachazove aseshamhu kune vanhu venyika ino. Zvisinei, kana vachinge vagamuchira kuzara kwevhangeri rangu, kana zvino vakazoomesa mwoyo yavo kwandiri ndichadzorera kuipa kwavo pamusoro pavo, Baba vanodaro.

29 Uye andicharangarira chibvumirano icho ndakaita nevanhu vangu; ndakabvumirana navo kuti bndichavaunganidza pamwechete munguva yangu, kuti ndichavapa zve cnyika yemadzibaba senhaka yavo, inova nyika dyeJerusarema, inova nyika yechipikirwa kwavari nokusingaperi, Baba vanodaro.

30 Uye zvichaitika kuti nguva ichasvika, apo kuzara kwevhangeri rangu kuchaparidzwa kwavari;

31 Uye avachatenda mandiri, kuti ndini Jesu Kristu, Mwanakomana waMwari, uye vachanamata kuna Baba muzita rangu.

32 Ndipo avachengeti vavo vachazosimudza mazwi avo, nezwi pamwechete vachaimba; nokuti vachawirirana.

33 Zvino Baba vachavaunganidza zvakare pamwechete, vovapa Jerusarema senyika yenhaka yavo.

34 Ndipo pavachapinda murufaro—aVoimba pamwechete, imi nzvimbo dzisina maturo dzeJerusarema; nokuti Baba akanyaradza vanhu vake, akanunura Jerusarema.

35 Baba vaisa ruoko rwavo rwutsvene pachena mumaziso emarudzi ose; nemativi enyika dzose achaona ruponeso rwaBaba; uye Baba neni tiri vamwechete.

36 Uye zvino zvakanyorwa zvichaitwa; aMukai, mukai zvakare, mupfeke simba renyu, Zioni; pfekai nguwo dzenyu dzakanaka, Jerusarema, guta dzvene, nokuti kubvira zvino hakuna kunyange mumwe zvake achauya kwauri asina kudzingiswa aine tsvina.

37 Zvizunze kubva muguruva; simuka, gara pasi, Jerusarema; zvisunungure patambo dziri muhuro mako, murandakadzi akasungwa weZioni.

38 Nokuti Ishe vanoti: Makazvitengesa pasina, zve muchazonunurwa pasina mari.

39 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, vanhu vangu vachaziva zita rangu; hongu, nezuva iroro vachaziva kuti ndini iye ari kutaura.

40 Uye ndipo ivo pavachati: Makumbo ake akanaka asei pamakomo evyo anounza zvinhu zvakanaka kwavari, banoshambadza runyararo; anounza nhau dzakanaka kune vakanaka, idzo dzinoshambadza ruponeso; anoti kuZioni: Mwari venyu vanotonga!

41 Zve ndipo pachabuda kuchema; aEndai imi, endai imi, budai kubva umo, musabate bchisina kuchena; ibvai maari; ivai cmakachena imi makatakura midziyo yaIshe.

42 Nokuti ahamuende muchikurumidza kana kuenda muchitiza; nokuti Ishe achaenda pamberi penyu, uye Mwari vaIsraeri achatsigira shure kwenyu.

43 Tarisai, muranda wangu achaita zvakangwara; achakwidziridzwa nokuva anoiswa pamusoro-soro.

44 Vazhinji vakashamiswa nemi—chiso chake chakakanganisika kupfuura chaani zvake munhu, chimiro chake chakanga chakapfuura vanakomana vevanhu—

45 Saka aachamwaya marudzi akawanda; madzimambo achavhara miromo yavo kwaari, nokuti izvo zvisina kunge zvakataurwa kwavari vachazviona; zve izvo zvavasina kunge vakanzwa vachazvifunga.

46 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, zvechokwadi zvinhu zvose izvi zvichauya, sokurairwa kwazvakaitwa kwandiri naBaba. Ndipo chibvumirano icho Baba vakabvumirana nevanhu vavo chichazadzikiswa; ndipo aJerusarema ichagarwa nevanhu vangu, zvakare ichazova nyika yenhaka yavo.