Magwaro Matsvene
3 Nifai 10


Chitsauko 10

Munyika mune runyararo kwechinhambo chakati kuti—Izwi raKristu rinovimbisa kuunganidza vanhu vake sekuunganidza kunoita huku hukwana dzayo—Vazhinji vevanhu vakachengetedzwa. Zvingangove makore 34 kusvika ku35 shure kwekunge Kristu azvarwa.

1 Uye zvino tarisai, zvakaitika kuti vose vanhu vemunyika vakanzwa zvakataurwa izvi, uye vakazvipupura. Uye mushure mekutaura uku munyika makava norunyararo kwechinguva chakati;

2 Nokuti vanhu vakashamiswa zvikuru kwazvo zvekuti vakamira kunyunyuta nekuuwura pamusana pekurasikirwa nehama dzavo dzakanga dzauraiwa; nokudaro munyika makava norunyararo kwechinguva chakati.

3 Uye zvakaitika kuti kwakauya izwi zvakare kuvanhu, uye vose vanhu vakarinzwa, uye vakazvipupura, richiti:

4 Imi vanhu vemaguta amakuru aya akapunzika, muri vechizvarwa chaJakobo, hongu, muri vemba yaIsraeri, kangani ndichikuvhumbamirai sekuvhumbamira kunoita huku hukwana dzayo, uye bndichikuriritirai.

5 Uye zvakare, akangani ndichikuvhumbamirai sehuku inovhumbamira hukwana dzayo pasi pemapapiro ayo, hongu, imi vanhu vemba yaIsraeri, makapunzika; hongu, imi vanhu vemba yaIsraeri, imi mugere kuJerusarema, semi makapunzika; kangani kandingadai ndakakuvhumbamirai sehuku inovhumbamira hukwana dzayo, asi imi musingade.

6 Imi vemba yaIsraeri avandakaponesa, ndokuvhumbirai kangani sehuku inovhumbamira hukwana dzayo pasi pemapapiro ayo, kuti mutendeuke uye bmudzoke kwandiri cnemwoyo izere nechido.

7 Asi kana zvisiri izvo, imba yaIsraeri, nzvimbo dzenyu dzamugere dzichave matongo kudakara nguva yekuzadzikiswa akwechibvumirano kune madzibaba enyu.

8 Uye zvino zvakaitika kuti mushure mekunge vanhu vanzwa mazwi aya, tarisai, vakatanga kuchema nokuwuura zvakare pamusoro pekurasikirwa kwavo nehama neshamwari.

9 Uye zvakaitika kuti ndiko kupfuura kwakaita mazuva matatu. Uye akanga ari mangwanani, uye arima rikabva pamusoro penyika, uye nyika ikamira kundendemera, uye mabwe akamira kutsemuka, nekugomera kunotyisa kwose kwakamira, neruzha rwose rwekutinhira rwakapfuura.

10 Uye nyika yakabatana zvakare, zvekuti yakamira; kudukura, nokuchema, uye kuhwihwidza kwevanhu vakanga vasiiwa vari vapenyu kwakapera; uye kudukura kwavo kwakave mufaro, uye kunyunyuta kwavo kukave kurumbidza nekutenda Ishe Jesu Kristu, Mununuri wavo.

11 Uye ndipo pakasvika akuzadzikiswa kwemagwaro matsvene akanga ataurwa nemaporofita.

12 Uye vakanga vari avo vanhu vakarurama akupfuura vamwe vakaponeswa, uye ndivo vakagashira vaporofita vakasavatema nematombo; uye ndivo vakanga vasina kudeura ropa revatendi, vasina kuuraiwa—

13 Uye vakaponeswa vakasanyudzwa nokufushirwa muvhu; uye havana kunyudzwa muudzamu hwegungwa; uye havana kupiswa nemoto, kana kuwirwa vakatswanywa vakafa; uye havana kutakurwa nechamupupuri; kana kukundwa neutsi nerima.

14 Uye zvino, uyo anoverenga, ngaanzwisise; uyo ane magwaro matsvene, angaaanzvere, uye atarise aone kana rwose rufu nokuparadzwa uku nemoto, neutsi, nemhepo, nechamupupuri, bnekuzaruka kwepasi kuti kuvagashire, uye zvose zvinhu izvi hazvizi zvekuzadzikisa huporofita hwevaporofita vatsvene vazhinji.

15 Tarisai, ndinoti kwamuri, Hongu, vazhinji vakapupura nezvezvinhu izvi pakuuya kwaKristu, uye avakauraiwa pamusana pekuti vakapupura zvinhu izvi.

16 Hongu, muporofita aZenosi akapupura pamusoro pezvinhu izvi, uye kana Zenoki akataura nezvezvinhu izvi, pamusana pekuti vakapupura kunyanya nezvedu, isu tiri vakasara vembeu yavo.

17 Tarisai, baba vedu Jakobo vakapupurawo pamusoro apevakasara vembeu yaJosefa. Uye tarisai, hatizi isu here vakasara vembeu yaJosefa? Uye zvinhu izvi zvinopupura nezvedu, hazvina kunyorwa here pamahwendefa endarira ayo akauya nababa vedu Rihai vachibva Jerusarema?

18 Uye zvakaitika kuti mukupera kwegore rechimakumi matatu nemana, tarisai, ndichakuratidzai kuti vanhu vaNifai vakapona, neavo vakadaidzwawo kuti maRamani, vakanga vapona, vakaratidzwa kudiwa kukuru, uye maropafadzo makuru akadirwa pamusoro pavo, zvekuti mushure mekunge Kristu aachangokwira kudenga akazviratidza zvechokwadi kwavari—

19 aAchiratidza muviri wake kwavari, nokuvadzidzisa; uye rungano rweushumiri hwake rwuchataurwa pano mushure. Naizvozvo kwenguva ino ndinomira kutaura kwangu.