Magwaro Matsvene
3 Nifai 28


Chitsauko 28

Vapfumbamwe vevaneGumi neVaviri vanokumbira uye vanovimbiswa nhaka muumambo hwaKristu kana vachinge vafa—MaNifai Vatatu vane chido vanopiwa simba pamusoro porufu kuti varambe vari panyika kusvikira Jesu auya zvakare—Vanoshandurwa nokuona zvinhu zvisingatenderwi kutaurwa, zvino vari kushumira pakati pavanhu. Zvingangove makore 34 kusvika ku35 shure kwekunge Kristu azvarwa.

1 Uye zvakaitika kuti apo Jesu akanga ataura mazwi aya, akataura kuvadzidzi vake, mumwe nomumwe, achiti kwavari: Chiiko chamunoda kwandiri, shure kwokunge ndaenda kuna Baba?

2 Uye vose vakataura, kunze kwavatatu, vachiti: Tine chido chokuti kana tasvika pakukura kwomunhu, kuti hupirisita hwedu, uwo wamakatidaidzira, ugume, kuti tiuye nokukurumidza muumambo hwenyu.

3 Uye akati kwavari: Makakomborerwa imi nokuti munoda zvinhu izvi kubva kwandiri; naizvozvo, kana mave nemakore makumi manomwe nemaviri muchauya kwandiri munyika youmambo hwangu; uye neni muchawana azororo.

4 Uye apo akange ataura kwavari, akatendeukira kuvatatu vaye, akati kwavari: Munoda kuti ndikuitirei, kana ndichinge ndaenda kuna Baba?

5 Uye vakarwadziwa mumwoyo yavo, nokuti vakatya kutaura kwaari chinhu chavaida.

6 Uye akati kwavari: Tarisai, andinoziva zvamunofunga, munoda chinhu icho bJohane, wandinoda, uyo akanga aneni muufundisi hwangu, ndisati ndaroverwa namaJuda, aida kwandiri.

7 Nokudaro, makakomborerwa zvakanyanya, nokuti ahamuchazoziva brufu; asi muchararama mogoona mabasa aBaba kuvana vevanhu, kusvikira zvinhu zvose zvazadzikiswa maererano nokuda kwaBaba, pandichauya muumambo hwangu cnemasimba okudenga.

8 Uye hamuchazombozivi kurwadza kworufu; asi pandichauya muumambo hwangu muchashandurwa nekubwaira kweziso kubva mukuve vanhu avanofa kuenda mukuve vanhu bvasingafe; ndipo pamuchakomborerwa muumambo hwaBaba vangu.

9 Uye zvakare, hamuzonzwi kurwadziwa apo munenge muchirarama munyama, kana kusuwa kunze kwokunge kuri kusuwira zvivi zvenyika; izvi zvose ndichazviita nokuda kwechinhu chamada kwandiri; nokuti mada kuti amuunze mweya yevanhu kwandiri, nyika ichararama.

10 Uye nokuda kwechikonzero ichi muchava nomufaro auzere; muchagara pasi munyika youmambo hwaBaba vangu; hongu, rufaro rwenyu rwuchave ruzere, sekupiwa kwandakaitwa ini rufaro ruzere naBaba; muchave seni, ini ndakaita saBaba; uye Baba Neni tiri bvamwechete;

11 Uye aMweya Mutsvene unopupura pamusana paBaba neni; Baba vanopa Mweya Mutsvene kuvana vevanhu, nokuda kwangu.

12 Uye zvakaitika kuti Jesu ataura mazwi aya, akabata mumwe nomumwe wavo nemunwe wake kunze kweavo vatatu vaizorarama, ndokubva aenda.

13 Uye tarisai, matenga akazarurwa, avakapinda kudenga, vakaona nokunzwa zvinhu zvisingataurike.

14 Uye avakarambidzwa kuti vazvitaure; uye havana kupiwa simba rokuti vataure zvinhu zvavakaona nekunzwa;

15 Uye kuti vakange vari mumiviri kana kuti kunze kwemiviri, vakatadza kuziva; nokuti kwavari zvakaita sekunge akushandurwa kwavo, kuti vakashandurwa kubva pamuviri uno wenyama kuenda kumuviri usingafe, kuti vaone zvinhu zvaMwari.

16 Asi zvakaitika kuti vakazoparidza zvakare panyika, asi zvavo havana kuparidza pamusana pezvinhu zvavakanzwa nokuona, nokuda kwomutemo wavakapiwa kudenga.

17 Uye zvino, kana vaive vanofa kana vasingafi, kubvira pazuva rokushandurwa kwavo, handizivi;

18 Asi ndinoziva izvi, maererano nezvinyorwa izvo zvakapiwa—vakafamba panyika, vakaparidza kuvanhu vose, vachibatanidza avo vose muchechi vaitenda mune zvavaiparidza; vachivabhabhatidza, zve vose vakabhabhatidzwa vakagamuchira Mweya Mutsvene.

19 Uye vakaiswa mutirongo neavo vakanga vasiri vechechi. Uye amatorongo akatadza kuvachengeta, nokuti akatsemurwa nepakati.

20 Uye vakakandwa mumakomba; asi vakarova pasi neshoko raMwari zvokuti, anesimba ravo vakaburitswa kubva muudzamu hwepasi; nokudaro havaikwanisa kuchera makomba aigona kuvachengeta.

21 Uye katatu vakakandwa amuchoto vakasakuvara.

22 Uye kaviri vakakandwa amugomba remhuka dzemusango; asi tarisai vakatamba nemhuka dzesango somwana ane hwayana iri kuyamwa, vakasakuvara.

23 Uye zvakaitika kuti ndiko kupinda kwavakaita mukati mavanhu vose vaNifai, vakaparidza avhangeri raKristu kuvanhu vose panyika; vakauya kuna Ishe, vakabatanidzwa muchechi yaKristu, zve vanhu vechizvarwa bichocho vakakomborerwa, maererano neshoko raJesu.

24 Uye zvino ini, Mormoni, ndinombomira kutaura pamusoro pezvinhu izvi kwechinguva.

25 Tarisai, ndanga ndava kuda kunyora amazita eavo vaisazoziva rufu, asi Ishe vandirambidza; naizvozvo handianyori, nokuti akavigwa kunyika.

26 Asi tarisai, ndakavaona, uye vakaparidza kwandiri.

27 Zve tarisai vachazove pakati pamaJentairi, maJentairi vakasavaziva.

28 Vachazova zve pakati pemaJuda, maJuda akasavaziva.

29 Uye zvichaitika kuti kana Ishe vaona muruzivo rwavo kuti nguva yacho yakwana vachaparidza kumarudzi ose aakapararira eIsraeri, nekunyika dzose, marudzi, ndimi navanhu, uye vachaunza kubva mavari vakawanda kuna Jesu, kuti zvido zvavo zvigozadzikiswa, uye nokuda kwesimba rinopwisa raMwari riri mavari.

30 Uye vakaita asengirozi dzaMwari, kana vakanamata kuna Baba muzita raJesu vanokwanisa kuzviratidza kune munhu wose wavada.

31 Naizvozvo, vachaita mabasa makuru anoshamisa, zuva aguru raanouya risati rasvika apo vanhu vose vachafanirwa kumira pamberi pechigaro cheutongi hwaKristu;

32 Hongu kunyange kumaJentairi vachaita basa aguru rinoshamisa, zuva rokutongwa risati rauya.

33 Uye kana manga muine zvinyorwa zvose zvinotaura nezvemabasa anoshamisa aKristu, mungadai, maererano namazwi aKristu, muchiziva kuti zvechokwadi zvinhu izvi zvichauya.

34 Uye nhamo kune uyo aacharamba kuteerera kumazwi aJesu, nekune bavowo vaakasarudza akavatuma mukati mavo; nokuti uyo asingagamuchire mazwi aJesu nemazwi eavo vaakatuma haamugamuchire; naizvozvo haazovagamuchira nezuva rokupedzisira;

35 Uye zvingadai zvakave nani kwavari dai vanga vasina kuberekwa. Nokuti munofunga here kuti mungabvise kutonga kwaMwari vanenge vatadzirwa, avo avatsikwa-tsikwa netsoka dzevanhu, kuti ruponeso rwuuye?

36 Zve zvino tarisai, ndichitaura pamusoro peavo vakasarudzwa naIshe, hongu, vatatu vakapinda kudenga, vandisingazive kuti vakacheneswa kubva mukuva vanofa kunova vasingafe—

37 Asi tarisai, kubvira kunyora, kwandakaita, ndakabvunza kuna Ishe, vakaita kuti ndione kuti panofanirwa kunge paine kushandurwa kwakaitwa miviri yavo, kana kuti vaizofanirwa kuziva rufu;

38 Naizvozvo, kuti vasazoziva rufu pakave anokushandurwa kwemiviri yavo, kuti vasazorwadziwa kana kutambudzika kunze kwekunge kuri kwekuda kwezvivi zvenyika yose.

39 Zvino kushanduka uku hakuna kuenzana nokuchaitika musi wokupedzisira; asi pakave nokushanduka pavari, zvekuti Satani akatadza kuvakurira, kuti aasavaedza; bvakatveneswa munyama, zvokuti vakava cvatsvene, nokuti masimba enyika akatadza kuvabata.

40 Uye vaizogara vakadaro kusvika zuva rokutonga raKristu; zve pazuva iroro vaizogamuchira rushanduko rwukuru, nokuzogamuchirwa muumambo hwaBaba uye nokusazoenda kunze zvakare, asi kuzogara naMwari nokusingaperi kumatenga.