Magwaro Matsvene
3 Nifai 22


Chitsauko 22

Mumazuva ekupedzisira, Zioni nematunhu ayo zvichamiswa, uye Israeri ichaunganidzwa netsitsi nerudo—Vachakunda—Enzanisa naIsaya 54. Zvingangove makore 34 shure kwekunge Kristu azvarwa.

1 Uye zvino izvo zvose zvakanyorwa zvichaitika: Imba, iwe ngomwa, iwe usina kubereka; pinda amukuimba, uchemese, iwe usina kumborwadziwa nenhumbu; nokuti vazhinji vana vemhandye kupfuura vemadzimai akaroorwa, vanodaro Ishe.

2 Kudza nzvimbo yetende yako, utambanudze machira epaunogara; usarega, asi urebese tambo dzako usimbise ambambo dzako;

3 Nokuti uchatyoka kuruoko rworudyi nokuruboshwe, uye vana vako vachatora amaJentairi vagoita kuti maguta akanga ava matongo agarwe nevanhu.

4 Usatya hako, nokuti hauchazonyari; kana kushaiswa chokuita; nokuti hauchazoiswa amukunyara; nokuti uchakanganwa kunyara kwokukura kwako, hauzorangariri kuzvidzwa kwokukura kwako; uye hauzofa wakarangarira kuzvidzwa kwohushirikadzi kwako.

5 Nokuti musiki wako, murume wako, Ishe veHondo ndiro zita rake; neMununuri wako, Mutsvene weIsraeri—Iye achanzi Mwari wenyika yose.

6 Nokuti Ishe akakudana somukadzi wakasiiwa, akasuwa pamweya, somudzimai achiri muduku, pawakarambwa, vanodaro Mwari vako.

7 Ndakakusiya kwenguva duku, asi ndichakutora zve netsitsi huru.

8 Muhasha shoma ndavanza chiso changu kwauri kwechinguvana, asi ndichakunzwira atsitsi dzisingaperi, vanodaro Ishe Mununuri vako.

9 Nokuti aidzi, bmvura dzaNoa kwandiri, nokuti sezvandakapika kuti mvura yaNoa haichazofukidzizve nyika, naizvozvo ndakapika kuti handichazokutsamwirai.

10 Nokuti amakomo achaenda nezvikomo zvichabviswa, asi nyasha dzangu bhadzingabvi pauri, kunyange chibvumirano cherunyararo rwangu hachibviswi, vanodaro Ishe vane tsitsi newe.

11 Haiwa iwe unotambudzika, unokandwa uku nekuku nedutu remhepo, usina kunyaradzwa! Tarisai, ndichaisa amabwe ako mavara akanaka, ndichateya nheyo dzako namabwe esafiri.

12 Uye ndichaita mafafitera ako namabwe anovaima, namasuwo ako namabwe anopenya, nomiganhu yako yose namabwe akanaka.

13 Uye vana vako avose vachadzidziswa naIshe; rugare rwavana vako rwuchava rwukuru.

14 Uchasimbiswa amukururama; uchavakure nokudzvinyirirwa, nokuti hauzotya, uye kure nekutya nokuti hakuna chingasvika pedyo newe.

15 Tarisai, vachaungana zvechokwadi kuti vakurwise, zvisingabve kwandiri; ani nani anokuvamba achaparadzwa nokuda kwako.

16 Tarisai, ndini ndakasika mhizha inopfutidza moto wamazimbe, anouya nesimbi yebasa rake; ndakasika anorasa kuti aparadze.

17 Hakuna chombo chinoitirwa kuzokurwisa chingashande; uye rurimi rwose rwunotaura zvakaipa nezvako mukutonga rwuchakundwa newe. Ndiyo nhaka yavaranda vaJehova, nokururama kwavo kunobva kwandiri, ndizvo vanodaro Ishe.