Magwaro Matsvene
3 Nifai 17


Chitsauko 17

Jesu anotaurira vanhu kuti vafungisise pamusoro pamazwi ake nokunamata kuti vanzwisise—Anoporesa varwere vavo—Anonamatira vanhu, achishandisa mutauro usinganyoreki—Ngirozi dzinoparidzira uye moto unokomberedza vaduku vavo. Zvingangove makore 34 shure kwekunge Kristu azvarwa.

1 Tarisai, zvino zvakaitika kuti apo Jesu akanga ataura mazwi aya akatarisa zvakare kugungano, ndokuti kwavari: Tarisai, anguva yangu yasvika.

2 Ndinoona kuti makaneta, kuti ahamunzwisise mazwi angu ose ayo andakarairwa naBaba kuti nditaure kwamuri panguva ino.

3 Naizvozvo, endai kudzimba dzenyu, amufungisise pamusoro pezvinhu zvandataura, mukumbire Baba, muzita rangu, kuti muve munonzwisisa, bmugogadzirira pfungwa dzenyu czvamangwana, ndichauya kwamuri zvakare.

4 Asi iye zvino andinoenda kuna Baba, bnokunozviratidzawo kumarudzi eIsraeri cakarasika, nokuti havana kurasika kuna Baba, nokuti vanoziva kwavakavaendesa.

5 Uye zvakaitika kuti Jesu ataura kudaro, akatarisa zvakare kugungano, akaona vaine misodzi, vakaramba vakamutarisa kunge vachamukumbira kuti agare navo kwechinguvana.

6 Uye akati kwavari: Tarisai, ura hwangu huzere anetsitsi kwamuri.

7 Ko mune vanorwara here pakati penyu? Vaunzei kwandiri. Mune zvirema here, kana mapofu, kana vanokamhina, kana vakaremadzwa, kana vane maperemadzai, kana avo vakakokonyara, kana vasinganzwi, kana avo vanorwadziwa nedzimwe nzira? Vaunzei kwandiri ndichavaporesa, nokuti ndine tsitsi nemi; ura hwangu huzere netsitsi.

8 Nokuti ndinoona kuti muri kuda kuti ndikuratidzei zvandakaita kuhama dzenyu kuJerusarema, nokuti ndinoona kuti akutenda kwenyu bkwakakwana kuti ndikuporesei.

9 Uye zvakaitika kuti ataura kudaro, gungano rose, riri pamwechete, vakaenda nevarwere vavo vairwadziwa, nezvirema zvavo, namapofu avo, neavo vasingataure, neavo vose vairwadziwa zvakasiyana-siyana; vose aakavaporesa apo vaiunzwa kwaari.

10 Uye vose, vose vakange vaporeswa neavo vakange vakanaka, vakapfugama patsoka dzake, vakamunamata; uye avo vakakwanisa vegungano vakauya avakatsvoda tsoka dzake, zvekuti vakashambidza tsoka dzake nemisodzi yavo.

11 Uye zvakaitika kuti akaraira kuti vana vavo avaduku vaunzwe kwaari.

12 Saka vakaunza vana vavo vaduku vakavagadzika pasi vakamutenderedza, uye Jesu akamira pakati pavo; gungano rakapeura nzira kusvikira vose vaunzwa kwaari.

13 Uye zvakaitika kuti apo vose vakange vaunzwa kwaari, Jesu akamira pakati, akaraira gungano kuti aripfugame pasi.

14 Uye zvakaitika kuti apo vakanga vapfugama pasi, Jesu akagomera nechemumwoyo, akati: Baba, ndiri akutambudzika pamusana pokuipa kwavanhu vemba yaIsraeri.

15 Uye ataura mazwi aya, iyewo pachake akapfugama pasi; tarisai akanamata kunaBaba, zvinhu zvaakanamatira hazvinganyorwe, avo vakanzwa vakapupura.

16 Uye mutsika iyoyi vanopupura vachiti: aZiso harisati ramboona, kana nzeve haisati yambonzwa, zvinhu zvikuru zvinoshamisa zvatakaona nokunzwa Jesu achitaura kuna Baba;

17 Zve hakuna arurimi rwungataure, zve hakuna munhu anga zvinyore, zve hakuna mwoyo yavanhu ingafunge zvinhu zvikuru zvinoshamisa zvatakaona tikanzwa Jesu achitaura; zve hapana munhu angazive rufaro rwakazadza mweya yedu panguva yatakanzwa achitinamatira kuna Baba.

18 Uye zvakaitika kuti apo Jesu akanga apedza kunamata kuna Baba; akasimuka; asi arufaro rwevanhu rwakatura zvekuti havana kukwanisa kusimuka.

19 Uye zvakaitika kuti Jesu akataura kwavari, akavati vasimuke.

20 Uye vakasimuka kubva pasi, akati kwavari: Makakomborerwa imi nokuda kwokutenda kwenyu. Zvino tarisai, kufara kwangu kwazadzikiswa.

21 Uye apo akanga ataura mazwi aya, aakachema, gungano rikazvipupura, zve akatora vana vaduku vavo, mumwe nomumwe, bakavakomborera, akanamata kuna Baba pamusana pavo.

22 Uye apo akanga aita izvi akachema zvakare;

23 Uye akataura kugungano, akati kwavari: Tarisai vaduku venyu.

24 Uye apo vakatarisa vakaisa maziso avo kudenga, vakaona matenga achizaruka, vakaona ngirozi dzichiburuka kubva kudenga dzichiita kunge dziri pakati pomoto; dzakauya adzikakomberedza vaduku vose, vakakomberedzwa nomoto; ngirozi dzikaparidza kwavari.

25 Uye gungano rakaona nokunzwa rikapupura; zve vanoziva kuti kupupura kwavo ndekwechokwadi nokuti vose vakaona nokunzwa, munhu wose pachake; mukuverenga vaikwana zviuru zviviri namazana mashanu emweya; kusanganisa varume, vakadzi navana.