Magwaro Matsvene
3 Nifai 6


Chitsauko 6

MaNifai vanobudirira—Kuzvida, hupfumi, norusarura zvinobva zvabuda—Chechi rinotsemurwa mukusawirirana pamusana pevanobva mariri—Satani anotungamira vanhu mukupanduka kuri pachena—Vaporofita vazhinji vanodaidzira kutendeuka vobva vauraiwa—Vapondi vavo vanorangana kutora hurumende. Zvingangove makore 26 kusvika ku30 shure kwekunge Kristu azvarwa.

1 Uye zvino zvakaitika kuti vanhu vaNifai vakadzokera vose kunyika dzavo mugore rechimakumi maviri nematanhatu, wose munhu, nemhuri yake, matanga ake, mahachi ake nemombe dzake, nezvinhu zvose zvainge zviri zvavo.

2 Uye zvakaitika kuti vakanga vasina kupedza mbuva dzavo dzose; naizvozvo vakatora zvose zvavakanga vasina kudya vakaenda nazvo, ose marudzi embeu dzavo, negoridhe ravo, nesirivha yavo, nezvinhu zvavo zvose zvinokosha, uye vakadzokera kunyika dzavo nezvinhu zvavo, kwose kuchamhembe nokumaodzanyemba, kwose kunyika yaive kuchamhembe neyaive kumaodzanyemba.

3 Uye vakapa avo vemakororo aya vakanga vaita chibvumirano kuti vanozochengetedza runyararo rwenyika, vachida kuramba vari maRamani, minda, maererano nekuwanda kwavo, kuti vawane, nokushanda kwavo, pekuzviriritira napo; uye ndiko kudzika kwavakaita runyararo munyika yose.

4 Uye vakatanga zvakare kubudirira nokukura; uye gore rechimakumi maviri nematanhatu nere makumi maviri nemanomwe akapfuura, uye nyika yakanga yakagadzikana; uye vakanga vaita mitemo yavo maererano nokuenzanisa nokutonga kwakanaka.

5 Uye zvino makanga musina chimwe chinhu munyika yose chaikanganisa kuti vasarambe vachibudirira, kunze kwekunge vawira mukutadza.

6 Uye zvino akanga ari Gidhigidhonai, nemutongi, Rakoniasi, uye neavo vakanga vaitwa vatungamiri, vakanga vadzika runyararo rwukuru urwu munyika.

7 Uye zvakaitika kuti kwaive nemaguta mazhinji akavakwa patsva, uye kwaive nemaguta matsaru akagadziriswa.

8 Uye kwaive nemigwagwa mikuru yakagadzirwa, nenzira dzakaitwa, dzaibva nokuenda guta neguta, uye nyika nenyika, uye nzvimbo nenzvimbo.

9 Uye ndiko kupfuura kwakaita gore rechimakumi maviri nemasere, uye vanhu vaingove murunyararo.

10 Asi zvakaitika kuti mugore rechimakumi maviri nemapfumbamwe kwakatanga kuitiranwa nharo muvanhu; uye vamwe vakazvikudza anokudada pamusana pepfuma yavo yakawanda, hongu, kana kusvika pakunetsa vamwe zvikuru.

11 Nokuti munyika maive nevatengesi vazhinji, nemagweta akawandawo, nemakurukota akawanda.

12 Uye vanhu vakatanga kuzivikanwa nezvavari, maererano aneupfumi hwavo nekuwana kwavo mukana wekudzidza; hongu, vamwe vakanga vasina kudzidza pamusana peurombo hwavo, uye vamwe vakagashira kudzidza kukuru pamusana pekupfuma kwavo.

13 Vamwe vakasimudzwa mukudada, uye vamwe vakanga vakapfava zvikuru; vamwe vaidzorera kutuka nekutuka, asi vamwe vaigashira kutukwa anekunetswa nokutambudzwa kwose, uye havaipinduka bvachitukawo, asi vakanga vakapfava uye vakatyoka pamberi paMwari.

14 Uye saka munyika makave nekusaenzana kukuru, zvekuti chechi yakatanga kuparara; hongu, zvekuti mugore rechigumi nematatu chechi yakanga yaparara munyika yose kunze kwekumaRamani vakanga vapindukira kurutendo rwechokwadi; uye vakaramba kubva marwuri, nokuti vakanga vakatakamara, uye vakasimba, uye vasingazungunuke, vachida anesimba ravo rose kuchengeta mirau yaIshe.

15 Zvino chikonzero chekutadza kwevanhu uku chaive ichi—Satani aive nesimba guru, raimutsa vanhu kuti vaite zvitadzo zvemarudzi ose, nokuvazadza nokudada, nokuvaedza kuti vatsvake simba nemvumo, nokutonga, neupfumi, nezvinhu zvisina maturo zvenyika.

16 Uye ndiko kunyengedza kwakaita Satani mwoyo yevanhu kuti vaite zvakaipa zvakasiyana-siyana; naizvozvo vakanga vamboita runyararo kwemakore mashoma chete.

17 Uye saka, mukutanga kwegore rechimakumi matatu—vanhu vachibvumirwa kwenguva huru kuti vatakurwe amuzviedzo zvadhiabhorosi achivaendesa kwose kwaainge achida kuti vaende—uye saka mukutanga kwaro, gore iri rechimakumi matatu, vakanga vari mukati mekutadza kunotyisa.

18 Zvino havana kunge vachiita zvitema avasingazive, nokuti vaiziva chido chaMwari maererano navo, nokuti chakanga chakadzidziswa kwavari; naizvozvo bvakapandukira Mwari nokuda.

19 Uye zvino zvaive mumazuva aRakoniasi, mwanakomana waRakoniasi, nokuti Rakoniasi akanga atora chigaro chababa vake uye akatonga vanhu mugore iroro.

20 Uye kwakatanga kuve nevanhu vakanga avafemerwa kubva kudenga uye vakatumwa, vachimira mukati mevanhu munyika yose, vachiparidza nokupupura vasingatye nezvezvitema nezvitadzo zvevanhu, uye vachipupura maererano nerununuro rwuchaitwa naIshe kuvanhu vake, kana nemamwe mazwi, kumuka kuvakafa kwaKristu; uye vakapupura pasina kutya bnezverufu nekutambudzika kwake.

21 Zvino kwaive nevamwe vevanhu vakawanda vakashatirwa zvikuru pamusana peavo vaipupura zvinhu izvi; uye vakanga vakashatirwa vazhinji vavo vaive vatongi vakuru, neavo avaive vapirisita vepamusoro nemagweta; hongu, vose avo vaive magweta vakashatiriswa neavo vaipupura zvinhu izvi.

22 Zvino hakuna gweta kana mutongi kana mupirisita wepamusoro aive nesimba rokutongera munhu kufa kunze kwekunge kutongwa kwavo kwanyorwa nagavhuna wenyika.

23 Zvino kwaive nevazhinji veavo vaipupura pamusoro pezvinhu zvaKristu vaipupura vasina chavanotya, vakatorwa uye vakauraiwa mukavere-vere nevatongi, zvekuti ruzivo rwekufa kwavo harwuna kusvika kuna gavhuna wenyika kudakara vatouraiwa kare.

24 Zvino tarisai, izvi zvakanga zvisiri maererano nemitemo yenyika, kuti ani zvake auraiwe kunze kwekunge vane simba ragavhuna wenyika—

25 Naizvozvo chichemo chakauya munyika yeZarahemura, kuna gavhuna wenyika, pamusoro pevatongi ava vakanga vatongera vaporofita vaIshe kufa, zvisiri mumutemo.

26 Zvino zvakaitika kuti vakatorwa vakaendwa navo pamberi pemutongi, kuti vatongwe nemhosva yavakanga vaita, maererano anemutemo wakanga wapiwa nevanhu.

27 Zvino zvakaitika kuti vatongi ava vaive neshamwari zhinji nehama; uye vakasara, hongu, kana kunge ose magweta nevapirisita vepamusoro, vakaungana pamwechete, vakabatana nehama dzevatongi avo vakanga vachitongwa maererano nemutemo.

28 Uye vakapinda amuchibvumirano pachavo, hongu, kana chibvumirano chiya chavakaita kare, chiri chibvumirano chakanga chaitwa bnadhiabhorosi, kuti vabatane mukurwisana nevakarurama vose.

29 Naizvozvo vakabatana vachirwisana nevanhu vaIshe, uye ndokupinda muchibvumirano chekuvaparadza, nokubvisa avo vaive nemhosva yekuponda kuti vasarangwe, chiri chinhu chakange chave kuda kuitwa maererano nemutemo.

30 Uye vakashora mutemo nekodzero dzenyika yavo; uye vakarangana kuti vaparadze gavhuna wenyika, nekuti vaise amambo anotonga nyika, kuti nyika ichirega kuve yakasununguka asi kuti ive pasi pemadzimambo.