Magwaro Matsvene
3 Nifai 30


Chitsauko 30

MaJentairi vamazuva ekupedzisira vanotaurirwa kuti vatendeuke, nokuuya kuna Kristu, vazoverengerwa kune vemba yaIsraeri. Zvingangove makore 34 kusvika ku35 shure kwekunge Kristu azvarwa.

1 Teererai, imi maJentairi, munzwe mazwi aJesu Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu, aaakandiraira kuti nditaure pamusana penyu, nokuti, tarisai andiraira kuti ndinyore, ndichiti:

2 Tendeukai, imi amaJentairi mose, kubva munzira dzenyu dzakaipa; bmutendeuke kubva mukuita zvakaipa kwenyu, munhema dzenyu nomukunyengedza, noupombwe hwenyu, nekutadza kwenyu kuri muchivande, nokunamata zvifananidzo kwenyu, noumhondi hwenyu, noufundisi husakarurama hwenyu, nokuchiva kwenyu, nekukakavadzana kwenyu, mubve mune kuipa kwenyu kwose nezvakaipa zvenyu zvose, muuye kwandiri, mubhabhatidzwe muzita rangu, kuti mukanganwirwe zvivi zvenyu, muzadzwe neMweya Mutsvene, kuti cmuzoverengerwa kuvanhu vangu vanova vemba yaIsraeri.