Magwaro Matsvene
3 Nifai 26


Chitsauko 26

Jesu anotsanangura zvinhu zvose kubva kumavambo kusvika kumagumo—Vacheche navaduku vanotaura zvinhu zvinoshamisa izvo zvisinganyoreke—Avo vari muChechi yaKristu zvinhu zvose zvavainazvo ndezvavo vose. Zvingangove makore 34 shure kwekunge Kristu azvarwa.

1 Uye zvakaitika kuti apo Jesu ataura zvinhu izvi akazvitsanangura kugungano; akavatsanangurira zvinhu zvose, zvikuru nezviduku.

2 Uye akati: Magwaro aaya, amanga musina, Baba vakandiraira kuti ndikupei; nokuti hwanga huri uchenjeri mavari kuti azopiwa kuzvizvarwa zvaitevera.

3 Uye akavatsanangurira zvinhu zvose, kunyange kubva pakutanga kusvikira panguva yaachauya anokubwinya kwake—hongu, kunyange zvinhu zvose zvichauya pamusoro penyika, kunyange kusvika bzvinhu zvichanyungudutswa nokupisa kukuru, nyika cichapetwa serukukwe, uye denga nenyika zvichapfuura.

4 Uye kunyange pazuva aguru rokupedzisira, apo vanhu vose, marudzi ose, nenyika dzose nendimi bdzichamira pamberi paMwari, kuti vatongwe namabasa avo, kana dai akanaka kana akaipa—

5 Kana vakanaka, avanomutswa kuvakafa muupenyu husingaperi; kana vakaipa, vanomutswa kuvakafa muupenyu hwedambudziko; somunhu ari panzira dzakaererana, mumwe kune rumwe ruoko mumwewo kune rumwe ruoko, maererano netsitsi, bnokururama, noutsvene huri munaKristu, akanga aripo nyika cisati yatangisa.

6 Uye zvino hazvinganyorwe mubhuku rino kunyange chikamu chimwechete achezana pazvinhu zvakadzidziswa zvechokwadi naJesu kuvanhu.

7 Asi tarisai amahwendefa aNifai ane zvinhu zvakawanda zvaakadzidzisa vanhu.

8 Uye zvinhu izvi zvandakanyora, zvinova zvishoma pane zvaakadzidzisa vanhu; ndakava ndinozvinyora nokuda kuti zvizounzwa zvakare kuvanhu, akubva kumaJentairi, maererano nemazwi akataurwa naJesu.

9 Uye kana vachinge vagamuchira izvi, zvinova zvavanofanira kuwana pakutanga, kuyedza kutenda kwavo, kana zvichinge zvakadaro vakatenda zvinhu izvi zvino zvinhu azvikuru zvichaitwa kuti zvive zvinoratidzwa kwavari.

10 Uye kana zvakadaro vakasatenda zvinhu izvi, zvino zvinhu zvikuru ahazvizoratidzwa kwavari, ivo vachibva varaswa.

11 Tarisai, ndanga ndava kuda kuzvinyora, zvose zvanga zvakanyorwa pamahwendefa aNifai, asi Ishe vakandirambidza, vachiti: aNdichayedza kutenda kwevanhu vangu.

12 Naizvozvo ini Mormoni, ndinonyora zvinhu zvandakarairwa naIshe. Uye zvino ini Mormoni, ndinogumisa kutaura kwangu, ndoenderera mberi nokunyora zvinhu zvandakarairwa.

13 Naizvozvo, ndinoda kuti muone kuti zvechokwadi Ishe vakadzidzisa vanhu, kwenguva yakaita samazuva matatu; shure kwaizvozvo aakazviratidza kwavari nguva nenguva, achimedura bchingwa nguva nenguva, achichiropafadza, achivapa.

14 Uye zvakaitika kuti akadzidzisa akaparidza akuvana vegungano iro rataurwa nezvaro, bakasunungura rurimi rwavo, vakataura kumadzibaba avo zvinhu zvikuru zvinoshamisa, zvinhu zvikuru kupfuura zvaakange azarurira vanhu; uye akasunungura rurimi rwavo kuti vataure.

15 Uye zvakaitika kuti shure kwokunge akwira kudenga—nguva yechipiri apo akanga azviratidza kwavari, aenda kuna Baba, shure kwokunge aaporesa varwere vavo vose, vaikamhina, akazarura maziso emapofu avo, akabvisa kusanzwa pamatsi, uye akaita kuporesa kwose kunoitwa pakati pavo, akamutsa munhu muvakafa, akaratidza simba rake kwavari, akakwira kuna Baba—

16 Tarisai, zvakaitika kuti remangwana gungano rakaungana pamwechete, vose vakaona nokunzwa vana ava; hongu, kunyange avacheche vakazarura miromo yavo vakataura zvinhu zvinoshamisa; uye zvinhu zvavakataura zvakarambidzwa kuti pasazove nomunhu kana mumwechete zvake angazvinyore.

17 Uye zvakaitika kuti avadzidzi avo Jesu akanga asarudza kubva panguva iyoyo vakatangisa bkubhabhatidza nokudzidzisa vakawanda vakauya kwavari; avo vakawanda vakabhabhatidzwa muzita raJesu vose vakazadzwa noMweya Mutsvene.

18 Uye vazhinji vavo vakaona nokunzwa zvinhu zvisingatauriki, azvisingakodzeri kuti zvinyorwe.

19 Uye vakadzidzisa, nokuparidzirana; vakave nezvinhu azvose bzvakafanana pakati pavo, wose munhu achiita zvakarurama, umwe kune mumwe.

20 Uye zvakaitika kuti vakaita zvinhu zvose sekurairwa kwavakange vaitwa naJesu.

21 Uye avo vakanga vabhabhatidzwa muzita raJesu vakadaidzwa kuti achechi yaKristu.