Magwaro Matsvene
3 Nifai 7


Chitsauko 7

Mutongi mukuru anopondwa, hurumende inoparadzwa, uye vanhu vanokamurana mumarudzi avo—Jakobho, munhu asingade Kristu, anove mambo wechikwata chemuruvande—Nifai anoparidza kutendeuka norutendo munaKristu—Ngirozi dzinomudzidzisa mazuva ose, uye anomutsa munin’ina wake kubva kuvakafa—Vazhinji vanotendeuka uye vachibva vabhabhatidzwa. Zvingangove makore 30 kusvika ku33 shure kwekunge Kristu azvarwa.

1 Zvino tarisai, ndichakuratidzai kuti havana kuisa mambo wekutonga nyika; asi mugore irori, hongu, gore rechigumi nematatu, vakaparadza chigaro chekutonga, hongu, vakaponda mutongi mukuru wenyika.

2 Uye vanhu vakamukirana, uye vakaparadzana nemarudzi, wose munhu maererano nemhuri yake nehama dzake neshamwari; uye ndiko kuparadza kwavakaita hurumende yenyika.

3 Uye rwose rudzi rwakaisa ishe kana mutungamiri pamusoro pavo; uye saka vakave marudzi nevatungamiri vemarudzi.

4 Zvino tarisai, hakuna munhu pakati pavo akanga asina mhuri huru nehama dzakawanda neshamwari; naizvozvo marudzi avo akakura zvikuru.

5 Zvino zvose izvi zvakaitwa, uye kwakanga kusati kwave nehondo pakati pavo; uye kwose kuipa uku kwakauya kuvanhu pamusana pekuti avaizvipira kusimba raSatani.

6 Uye zvisungo zvehurumende zvakaparadzwa, pamusana pechikwata achemuruvande cheshamwari nehama dzeavo vaiponda maporofita.

7 Uye vakakonzera kupesana kukuru munyika, zvekuti vazhinji vevanhu vakanga vakarurama vakanga vada kuva vose vakaipa; hongu, makange mave nevakarurama vashoma pakati pavo.

8 Uye saka kwakange kusati kwapfuura makore matanhatu kubvira panguva vanhu vazhinji vakabva mukururama kwavo, sembwa inodzokera akumarutsi ayo, kana kuti sedunzvi renguruve rinonoumburuka mumatope.

9 Zvino chikwata ichi chemuruvande, chakanga chaunza kutadza kukuru muvanhu, chakaunganidzana pamwechete, uye chakaisa pamusoro pacho murume wachaiti Jakobho;

10 Uye vakamudaidza kuti mambo wavo; naizvozvo akave mambo wechikwata chine uipi ichi; uye aive mumwe weavo vakataura zvikuru kwazvo kurwisa vaporofita vaipupura nezvaJesu.

11 Uye zvakaitika kuti vakanga vasina kusimba muuwandu semarudzi evanhu, vakanga vakabatana pamwechete kunze kwevatungamiri vavo vakaisa mitemo yavo, wose maererano nerudzi rwake; zvakadaro vaiva mhandu; kana dai zvazvo vakanga vasiri vanhu vakarurama, asi vakanga vakabatana muruvengo rweavo vakanga vaine chibvumirano chekuparadza hurumende.

12 Naizvozvo, Jakobho achiona kuti vavengi vavo vakanga vakawanda kupfuura ivo, iye samambo wechikwata ichi, naizvozvo akaudza vanhu vake kuti vatizire kumusoro-soro kwenyika yekuchamhembe, uye ikoko vagovaka aumambo hwavo, kusvika vatorana nevanopanduka (nokuti aivanyepera kuti kuchapanduka vazhinji) uye vobva vave vakasimba zvakakwana zvekuti varwisane nemarudzi evanhu; uye ndizvo zvavakaita.

13 Uye vakafamba nokukurumidza zvekuti hakuna chaikwanisa kuvakanganisa kudakara vave kure zvekusabatwa nevanhu. Uye ndikwo kupera kwakaita gore rechimakumi matatu; uye ndizvo zvakanga zvakaita zvinhu zvevanhu vaNifai.

14 Uye zvakaitika kuti mugore rechimakumi matatu nerimwechete vakakamurana mumarudzi, wose munhu maererano nemhuri yake, hama neshamwari; zvakadaro vakanga vakabvumirana kuti ivo pachavo havafanire kuti varwisane; asi vakanga vasina kubatana kumitemo yavo, netsika yehurumende dzavo, nokuti dzaiitwa maererano nepfungwa dzeavo vaive vakuru nevatungamiri vavo. Asi vakanga vakaisa mitemo yakaoma yekuti rudzi harwaibvumirwa kupinda kwevamwe, zvekuti zvakaita kuti munyika muve nerunyararo; zvakadaro, mwoyo yavo yakabva kuna Ishe Mwari vavo, vakatema maporofita nematombo vakavatandanisa pakati pavo.

15 Uye zvakaitika kuti aNifai—ashanyirwa nengirozi nezwi raIshewo, naizvozvo aona ngirozi, uye aine umbowo hwekuona nemaziso ake, uye aine simba raakanga apiwa kuti azive neufundisi hwaKristu, uye ari akaonawo kukurumidza kwavo kubva mukururama vachienda mukuipa kwavo neruvengo rwavo;

16 Naizvozvo, nokusuwiswa pamusana pekuoma kwemwoyo yavo neupofu hwepfungwa dzavo—akaenda pakati pavo mugore rimwechete iroro, uye akatanga kupupura, asingatye, kutendeuka nokuregererwa kwezvitema mukutenda muna Ishe Jesu Kristu.

17 Uye akavadzidzisa zvinhu zvizhinji; uye zvose hazvinganyorwe, uye chidimu chazvo hachingakwane, naizvozvo hazvina kunyorwa mubhuku rino. Uye Nifai akadzidzisa anesimba nemvumo huru.

18 Uye zvakaitika kuti vakamushatirirwa, pamusana pekuti aive nesimba kupfuura ravo, nokuti ahazvaiitika kuti vasatende mazwi ake, nokuti rutendo rwake muna Ishe Jesu Kristu rwaive rwukuru zvekuti ngirozi dzaimudzidzisa mazuva ose.

19 Uye muzita raJesu aitandanisa vana dhiabhorosi nemweya ayetsvina; uye kana munin’ina wake akamumutsa kuvakafa, mushure mekunge atemwa nematombo akauraiwa nevanhu.

20 Uye vanhu vakazviona, uye vakapa umbowo hwazvo, uye vakamushatirirwa pamusoro pesimba rake; uye akaita zvimwe zvishamiso azvizhinji zvakare, mumaziso evanhu, muzita raJesu.

21 Uye zvakaitika kuti gore rechimakumi matatu nerimwechete rakapfuura, uye pakanga paine vashoma vakanga vapindukira kuna Ishe; asi ivavo vakapinduka vakaratidza zvechokwadi kuvanhu kuti vakashanyirwa nesimba neMweya waMwari, waive muna Jesu Kristu, wavaitenda maari.

22 Uye vose vakabviswa vana dhiabhorosi mavari, uye vakarapwa zvirwere zvavo nekuremara kwavo, vakaratidza zvechokwadi kuvanhu kuti zvakaitwa neMweya waMwari, uye vakarapwa; uye vakaratidza zviratidzo naivowo uye vakaita zvishamiso muvanhu.

23 Ndiko kupfurawo kwakaita gore rechimakumi matatu nemaviri. Uye Nifai akachema kuvanhu mukutanga kwegore rechimakumi matatu nematatu; uye akaparidza kwavari kutendeuka nokuregererwa kwezvitema.

24 Zvino ndingade kuti dai marangarira zvakare, kuti hakuna vakatendeuka vásina akubhabhatidzwa nemvura.

25 Naizvozvo, vakagadzwa naNifai, varume muhupirisita uhu, kuti avo vose vachauya kwavari vakafanira kunge vari vavakabhabhatidza nemvura, uye izvi umbowo neuchapupu kuna Mwari, nokuvanhu, kuti vakatendeuka vakawana akuregererwa kwezvitadzo zvavo.

26 Uye kwakanga kuine vazhinji mukutanga kwegore iri vakabhabhatidzwa mukutendeuka; uye ndiko kupfuura kwakaita chikamu chikuru chegore.