Magwaro Matsvene
3 Nifai 2


Chitsauko 2

Uipi noruvengo zvinowanda muvanhu—MaNifai nemaRamani vanobatana kuti vazvidzivirire kumakororo aGadhiandoni—MaRamani akapinduka anove vachena uye vobva vadaidzwa kuti maNifai. Zvingangove makore 5 kusvika ku16 shure kwekunge Kristu azvarwa.

1 Uye zvakaitika kuti ndiko kupfuura kwakaita gore rechimakumi mapfumbamwe nemashanuwo, uye vanhu vakatanga kukanganwa zviya zviratidzo neminana zvavakanga vanzwa, vakatanga kusashamiswa zvakanyanya nechiratidzo kana munana wabva kudenga, zvekuti vakatanga kuoma mumwoyo yavo, nekupofomara mupfungwa, uye vakatanga kusatenda zvose zvavakanga vanzwa nezvavakaona—

2 Vachifunga zvinhu zvisina maturo mumwoyo yavo, kuti zvakaunzwa nevanhu nesimba radhiabhorosi, kutora anokunyengedza mwoyo yevanhu; uye ndikwo kutora kwakaita Satani mwoyo yevanhu zvakare, zvekuti akavapofomadza maziso uye akavatungamirira mukudaira kuti dzidziso yaKristu ndeyeurema uye isina maturo.

3 Uye zvakaitika kuti vanhu vakatanga kusimba muuipi noruvengo; uye vakasatenda kuti kuchaita zviratidzo kana minana zvichapiwa; uye Satani aakafamba-famba, achitora mwoyo yevanhu, achivaedza nokuita kuti vaite uipi hwakanyanya munyika.

4 Uye saka ndiko kupfuura kwakaita gore rechimakumi mapfumbamwe nematanhatu; uye rechimakumi mapfumbamwe nemanomwewo; uye kana rechimakumi mapfumbamwe nemasere; nairowo rechimakumi mapfumbamwe nemapfumbamwe;

5 Uye zvakare kwakanga kwaperawo zana remakore kubvira kumazuva aaMosaya, akanga ari mambo wevanhu vemaNifai.

6 Uye mazana matanhatu emakore ane makore mapfumbamwe akanga apfuura kubvira nguva yakabva Rihai kuJerusarema.

7 Uye kwakanga kwapfuura makore mapfumbamwe kubvira panguva yakapiwa chiratidzo, icho chakanga chataurwa nezvacho nemaporofita, kuti Kristu achauya panyika.

8 Zvino maNifai akatanga kuverenga nguva kubvira panguva iyoyo pakapiwa chiratidzo, kana kubvira pakuuya kwaKristu; naizvozvo, makore mapfumbamwe akanga apfuura.

9 Uye Nifai, akanga ari baba waNifai, akanga akachengeta zvinyorwa, ahaana kudzokera kunyika yeZarahemura, uye akanga asisawanikwe kupi zvakwo munyika yose.

10 Uye zvakaitika kuti vanhu vakaramba vari mukuipa, zvisinei nekuparidzirwa nekuporofitwa kwakanyanya kwakanga kwatumirwa mukati mavo; uye ndikwo kupfuura kwakaita gore rechigumiwo; uye kana rechigumi nerimwechete rakapfuurawo muuipi.

11 Uye zvakaitika kuti mugore regumi nematatu kwakatanga kuve nehondo nekupesana munyika; nokuti makororo aGadhiandoni akanga awanda zvikuru, uye akauraya vanhu vakawanda, uye akaparadza maguta mazhinji, uye akaparadzira rufu nokuponda kukuru munyika yose, zvekuti zvakaonekwa kuti zvinofanira kuti vose vanhu, vose maNifai nemaRamani, vakafanira kutora zvombo kuti vaarwise.

12 Naizvozvo, vose maRamani vakanga vapindukira kunaIshe vakabatana nehama dzavo, maNifai, uye vakamanikidzwa, nokuda kwekudzivirira upenyu hwavo nehwemadzimai avo nevana vavo, kuti vatore zvombo varwise vaya makororo aGadhiandoni, hongu, uye nokuti vachengetedze kodzero dzavo, dzechechi yavo nokunamata kwavo, anerusununguko rwavo bnokuzvitonga kwavo.

13 Uye zvakaitika kuti gore iri rechigumi nematatu risati rapfuura maNifai vakanga vovhundutsirwa nokuparadzwa zvachose nehondo iyi, yakanga yatoipa chaizvo.

14 Uye zvakaitika kuti ayo maRamani akanga abatana nemaNifai akanga ave kuverengerwa kumaNifai;

15 Uye akutukwa kwavo kwakabviswa pavari, uye ganda ravo rikave bjena seremaNifai;

16 Uye majaya avo nevanasikana vavo vakaita runako rwakachena zvikuru, uye vakaverengerwa kumaNifai, uye vakadaidzwa kunzi maNifai. Uye ndiko kupera kwakaita gore regumi nematatu.

17 Uye zvakaitika kuti mukutanga kwegore rechigumi nemana, hondo yaive pakati pemakororo nevanhu vaNifai yakaenderera uye ikave inorwadza zvikuru; zvisinei, vanhu vaNifai vakawana simba kupfuura remakororo, zvekuti vakaatandanisa munyika mavo vakaatinhira kumakomo nekunzvimbo dzao dzeruvande.

18 Uye ndiko kupera kwakaita gore regumi nemana. Uye mugore rechigumi nemashanu vakauya kuzorwisa vanhu vaNifai; uye pamusana peuipi hwevanhu vaNifai, nokupesana kwavo kwakawanda nokupanduka, makororo aGadhiandoni akavakurira kwazvo.

19 Uye ndikwo kupera kwakaita gore rechigumi nemashanu, uye saka vanhu vakanga vari mukati mekurwadziswa kwakanyanya; uye amunondo wekuparadzwa wakanga uchirembera pamusoro pavo, zvekuti vakanga vave pedyo pekubaiwa nawo, uye izvi zvichikonzerwa nekutadza kwavo.