Magwaro Matsvene
3 Nifai 27


Chitsauko 27

Jesu anovaraira kuti vadaidze Chechi muzita rake—Basa rake nomupiro wake wokudzikinura ndiro shoko rake—Vanhu vanorairwa kuti vatendeuke nokubhabhatidzwa kuti vagotsveneswa neMweya Mutsvene—Vakafanira kuva saJesu. Zvingangove makore 34 kusvika ku35 shure kwekunge Kristu azvarwa.

1 Uye zvakaitika kuti vadzidzi vaJesu zvavaifamba vachiparidza zvinhu zvavakanzwa nokuona, vachibhabhatidza muzita raJesu, zvakaitika kuti vadzidzi vakaungana pamwechete avakabatana mumunamato mukuru bnokutsanya.

2 Uye Jesu aakazviratidza zvakare kwavari, nokuti vainamata kuna Baba muzita rake; Jesu akauya akamira pakati pavo, akati kwavari; Ko imi munoda kuti ndikupei chii?

3 Uye ivo vakati kwaari: Ishe, tinoda kuti mutitaurire zita ratingadaidze nayo chechi ino; nokuti pane kupesana muvanhu pamusana penyaya iyoyi.

4 Uye Ishe akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, sei vanhu vachitsutsumwa nokuitirana nharo pamusoro pechinhu ichi?

5 Ko havana here kuverenga magwaro, anoti munofanira kutakura azita raKristu, rinova zita rangu? Nokuti nezita irori muchadaidzwa nezuva rokupedzisira;

6 Uye uyo wose achatora zita rangu paari, aagoshinga kusvika kumagumo, iyeye achaponeswa musi wokugumisira.

7 Naizvozvo, zvose zvamuchaita, muchazviita muzita rangu; naizvozvo muchadaidza chechi muzita rangu; uye muchadaidza Baba muzita rangu kuti varopafadze chechi pamusana pangu.

8 Uye ko ingave achechi byangu sei kunze kwokuti ridaidzwe nezita rangu? Nokuti chechi ikadaidzwa nezita raMosesi ichechi yaMosesi; kana kuti ikadaidzwa nezita romunhu ichechi yomunhu; asi ikadaidzwa nezita rangu ichechi yangu, kana yakavakwa pamusoro peshoko rangu.

9 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, makavakwa pamusoro pevhangeri rangu; naizvozvo muchadaidza zvamunenge muchidaidza, muzita rangu; naizvozvo mukadaidza kuna Baba, chechi iyi, kana iri muzita rangu Baba vachakunzwai;

10 Zve kana zvirizvo kuti chechi yakavakwa pamusoro pevhangeri rangu Baba vacharatidza mabasa avo mariri.

11 Asi kana isina kuvakwa pamusoro pevhangeri rangu, yakavakwa pamusoro pamabasa avanhu, kana kuti pamusoro pemabasa adhiabhorosi, zvirokwazvo ndinoti kwamuri vane rufaro mumabasa avo kwenguvana, uye mukufamba kwenguva vanosvika kumagumo, avanozotemwa vokandwa mumoto, mavasingakwanisi kubuda.

12 Nokuti mabasa avo aanovatevera, nokuti mabasa avo anoita kuti vatemwe; naizvozvo yeukai zvinhu zvandakutaurirai.

13 Tarisai ndakakupai avhangeri rangu, zve iri ndiro shoko randakupai—kuti ndakauya panyika kuzoita bkuda kwaBaba vangu, nokuti Baba vangu vakandituma.

14 Uye Baba vangu vakandituma kuti andizoturikwa pamuchinjikwa; kuti shure kwokunge ndaturikwa pamuchinjikwa, bndozounza vanhu vose kwandiri, kuti sezvo ndakasimudzwa nomunhu kana munhu agosimudzwa naBaba, kuti amire pamberi pangu, kuti cvazotongwa namabasa avo; kuti anga akanaka here kana kuti anga akaipa—

15 Uye nokuda kwaizvozvo andakasimudzwa; naizvozvo, maererano nesimba raBaba ndichakwevera vanhu vose kwandiri, kuti vazotongwa maererano nemabasa avo.

16 Uye zvichaitika, kuti avo vanenge avatendeuka uye bobhabhatidzwa muzita rangu achazadzwa; uye kana cakashingirira kusvika kumagumo, tarisai, ndichamuita munhu asina mhosva pamberi paBaba vangu pazuva randichamira ndichitonga nyika.

17 Uye uyo asingashingirire kusvika kumagumo, iyeye achatemwa ogokandwa mumoto, umo maasingazodzoki zvakare, nokuda akwokutonga kwaBaba.

18 Uye iri ndiro shoko ravakapa kuvana vevanhu. Uye nokuda kwaizvozvo vanozadzikisa mazwi ayo vakapa, uye havataure nhema, asi vanozadzikisa mazwi avo.

19 Uye ahakuna chinhu chine tsvina chingapinde muumambo hwake; naizvozvo hakuna chinopinda bmukuzorora kwake kunze kweavo cvashambidza nguwo dzavo neropa rangu, nokuda kwokutenda kwavo, nokutendeuka kubva pazvivi zvavo zvose, nokutendeseka kwavo kusvika kumagumo.

20 Zvino uyu ndiwo murairo: aTendeukai, imi mativi ose enyika, muuye kwandiri bmugobhabhatidzwa muzita rangu, kuti mugoitwa kuti cmutsveneswe nokutambira Mweya Mutsvene, kuti mugomira dmusina kavara pamberi pangu nezuva rokupedzisira.

21 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, iri ndiro vhangeri rangu; uye munoziva zvinhu zvamunofanira kuita muchechi yangu; nokuti mabasa amakandiona ndichiita nemiwo munofanira kuaita; nokuti zvose zvamakandiona ndichiita nemiwo munofanira kuita:

22 Naizvozvo, mukaita zvinhu izvi makakomborerwa imi, nokuti muchasimudzwa pazuva rokupedzisira.

23 Nyorai zvinhu zvamaona nezvamanzwa, kunze kweizvo azvinorambidzwa.

24 Nyorai mabasa evanhu ava, ayo achava, kunyange ayo akanyorwa, pane zvakanga zviripo.

25 Nokuti tarisai, kubva pamabhuku akanyorwa, neachanyorwa, vanhu ava avachatongwa, nokuti naiwaya mabhuku bmabasa avo achazivikanwa navanhu.

26 Uye tarisai, zvinhu zvose azvakanyorwa naBaba; naizvozvo kubva kumabhuku achanyorwa nyika ichatongwa.

27 Uye zivai kuti amuchazova vatongi vevanhu ava, maererano nokutonga kwandichakupai, kunenge kwakarurama. Naizvozvo, makafanira kuve vanhu bvakaita seiko? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, csezvandakaita ini.

28 Uye zvino andinoenda kunaBaba. Zve zvirokwazvo ndinoti kwamuri, chiri chose chinhu chamuchakumbira Baba muzita rangu vachakupai.

29 Naizvozvo akumbirai, muchagamuchira; gogodzai, muchazarurirwa; nokuti uyo anokumbira, achagamuchira; nouyo anogogodza, achazarurirwa.

30 Uye zvino, tarisai, rufaro rwangu rwukuru, zvekuzara, nokuda kwenyu, nechizvarwa chino; hongu, kunyange Baba vanofara, uye nengirozi dzose tsvene, nokuda kwenyu nechizvarwa chino; nokuti ahakuna akarasika.

31 Tarisai, ndinoda kuti munzwisise; nokuti ndinoreva avo vapenyu azvino pachizvarwa bchino; hakuna mumwe wavo akarasika; mavari ndine crufaro ruzere.

32 Asi tarisai, zvinondisuwisa ini nokuti chizvarwa achechina kubva pane chino, nokuti vanotungamirwa muusungwa naye kana sezvakanga zvakaitwa mwanakomana wekuraswa; nokuti vachanditengesa nesirivha negoridhe, neicho bzvipfukuto zvinopfukuta icho mbavha dzinopaza nokuba. Uye pazuva iroro ndichavashanyira, uye kunyange kuisa mabasa avo pamusoro pavo.

33 Uye zvakaitika kuti apo Jesu akanga apedza kutaura kwake akati kuvadzidzi vake: Pindai nepasuwo arakamanikana; nokuti suwo rakamanikana, uye nzira yakamanika inoenda kuupenyu, zve vashoma vachaiwana; asi suwo rakapamhama, nenzira yakapamhama inoenda kurufu, uye vakawanda vachafamba nayo, kusvika usiku hwauya, uhwo husina munhu angashande mahwuri.