Magwaro Matsvene
3 Nifai 13


Chitsauko 13

Jesu anodzidzisa maNifai munamato waIshe—Vanofanira kuisa upfumi hwavo kudenga—VaneGumi neVaviri muushumiri hwavo vanorairwa kuti vasafunge zvezvinhu zvenyama—Enzanisa naMateo 6. Zvingangove makore 34 shure kwekunge Kristu azvarwa.

1 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti dai amuchipa kuvarombo; asi chenjererai kuti musaita zvinhu izvi kuti muonekwe navanhu; nokuti mukadaro hamuna mubairo kuna Baba venyu vokudenga.

2 Naizvozvo, kana mopa musaridze hwamanda yenyu, sezvinoita vanyengeri mumasinagogo nomunzira, kuti avakudzwe nevanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, vane mubairo wavo.

3 Asi kana muchipa musaite kuti ruoko rwenyu rworuboshwe rwuzive chinoitwa noruoko rwenyu rworudyi.

4 Kuti kupa kwenyu kuve muruvande; Baba venyu avo vanoona muruvande, ivavo vachakupai mubairo pachena.

5 Uye kana amuchinamata musava savanyengeri, nokuti vanofarira kunamata, vakamira mumasinagogo nepamharadzano dzenzira, kuti vaonekwe nevanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, vane mubairo wavo.

6 Asi iwe, kana uchinamata pinda mumba yako yomukati, kana wapfiga musuo wako, wonamata kuna Baba vako vari pakavanda, uye Baba vako vanoona pakavanda vachakupa mubairo pachena.

7 Asi kana muchinamata, musadzokerere zvisina maturo, samaJentairi, nokuti vanofunga kuti vachanzwika nokutaurisa kwavo.

8 Naizvozvo musafanana navo; nokuti Baba venyu avanoziva zvamunoda musati mavakumbira.

9 Naizvozvo amutsika iyi imi bnamatai: cBaba vedu muri kudenga, zita renyu ngarikudzwe.

10 Kuda kwenyu kuitwe panyika sezvinoitwa kudenga.

11 Uye mutiregerere zvikwereti zvedu sekuregerera kwatinoita vane zvikwereti nesu.

12 Uye amusatitungamirire mukuedzwa, asi mutisunungure pane zvakaipa.

13 Nokuti umambo ndohwenyu, nemasimba; nokubwinya, nokusingaperi. Ameni.

14 Nokuti, kana amukaregerera vanhu kukutadzirai kwavo, Baba venyu vekudenga vachakuregereraiwo;

15 Asi mukasaregerera vanhu kukutadzirai kwavo, Baba venyu havangakuregerereiwo kutadza kwenyu.

16 Zvakare, kana amuchitsanya regai kuva savanyengeri nechiso chakasuwa, nokuti vanoipisa zviso zvavo kuti vagoonekwa navanhu kuti vari kutsanya. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, vane mubairo wavo.

17 Asi iwe, kana uchitsanya, zora musoro wako ugeze kumeso kwako;

18 Kuti urege kuonekwa navanhu kuti uri kutsanya, asi kuna naBaba vako, vari apakavanda; uye Baba vako, vanoona pakavanda, vachakupa mubairo pachena.

19 Regai kuzviunganidzira pfuma panyika, padzinoparadzwa nezvipfukuto kana ngura, uye mbavha dzinopaza dzichiba;

20 Asi muzviunganidzire apfuma kudenga, kusina zvipfukuto kana ngura zvinoparadza, uye kusina mbavha dzinopaza kana kuba.

21 Nokuti pane pfuma yako, nomwoyo wako uchavapowo.

22 aMwenje womuviri iziso; kana, naizvozvo, ziso rako rakatarisa chinhu chimwechete, muviri wako wose uchazara nechiedza.

23 Asi kana ziso rako rakaipa, muviri wako wose uchazara nerima. Naizvozvo, kana chiedza chiri mauri riri rima, irima rakakura sei iroro!

24 Hapana munhu aangashandire vatenzi vaviri; nokuti achavenga mumwe ogoda mumwe, kana kuti achavimbika kune mumwe ogozvidza mumwe. Hamugoni kushandira Mwari nePfuma.

25 Uye zvino zvakaitika kuti apo Jesu akanga ataura mazwi aya akatarisa kune vanegumi navaviri vaakanga asarudza, akati kwavari: Rangarirai mazwi andataura. Nokuti tarisai, ndimi vandasarudza kuti amushumire kuvanhu ava. Naizvozvo ndinoti kwamuri, bmusafunge pamusana poupenyu hwenyu, chamuchadya, kana chamuchanwa; kana pamusoro pomuviri wenyu, zvamuchapfeka. Upenyu haupfuuri zvokudya here, kana muviri haupfuuri zvokupfeka here?

26 Tarisai shiri dzedenga, nokuti hadzidyari, hadzikohwe kana kututira mumatura; asi Baba venyu vekudenga vanodzipa zvokudya. Imi hamusi nani chaizvo kwadziri here?

27 Ndianiko pamuri angawedzere kubiti imwechete yekureba kwake nokufunga chete?

28 Uye munofungireiko pamusana pezvokupfeka? Fungai maruva omusango kukura kwaanoita; haashandi, haaruki;

29 Asi ini ndinoti kwamuri, kunyange Soromoni, nembiri yake yose, haana kunge akashongedzwa serimwe rawo.

30 Naizvozvo, kana Mwari vachipfekedza uswa hwesango kudai, huripo nhasi, mangwana huchikandwa muchoto, nezvo vachakupfekedzai, kana kutenda kwenyu kusiri kushoma.

31 Naizvozvo musafunge, muchiti: Tichadyei? kana, Tichanwei? kana, Tichapfekeiko?

32 Nokuti Baba venyu vekudenga vanoziva kuti izvozvi zvose munozvida.

33 Asi tangai kutsvaka aumambo hwaMwari nokururama kwavo, zvose izvozvi muchazvipamhidzirwa.

34 Naizvozvo musafunge pamusoro pezvamangwana, nokuti mangwana anozvifungira zvawo. Zuva rimwe nerimwe rinokwanirana nenhamo dzaro.