Magwaro Matsvene
2 Nifai 23


Chitsauko 23

Kuparadzwa kweBabironi kunofanana nekuparadzwa kuchavepo muKuuya Kwechipiri—Richave zuva rehasha nekudzorera—Babironi (nyika) ichapunzika zvachose—Enzanisa naIsaya 13. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati azvarwa.

1 Mutoro weBabironi wakaonekwa naIsaya mwanakomana waAmozi.

2 Sumudzai mureza pamusoro pegomo refu, movadaidzira, zunzai ruoko, kuti vapinde mumasuo evakuru-vakuru.

3 Ndaraira avo vakaitwa vatsvene vangu, ndadaidzawo magamba angu, nokuti hasha dzangu hadzisi kune avo vanofadzwa neukuru hwangu.

4 Ruzha rwevanhu vazhinji mumakomo rwunenge rwemhomho yevanhu, zhowe-zhowe reumambo hwemarudzi aungana pamwechete, Ishe veHondo vanogadzirira varwi vavo kunorwa.

5 Vanobva kunyika iri kure, kwakaperera denga, hongu, Ishe, nezvombo zvekushatirwa kwavo, kuti vaparadze nyika yose.

6 Chemai imi, nokuti zuva raIshe rave pedyo; richauya semharadzi inobva kuna Samasimba.

7 Naizvozvo ose maoko achaneta, mwoyo wemunhu wose uchanyangadika;

8 Uye vachatya; vacharwadziwa nekusuwa kugovabata; vachashamiswa nevamwe vavo pachavo, uso hwavo huchaita semarimi emoto.

9 Tarisai, zuva raIshe riri kuuya, rakaipa rine hutsinye nekutsamwa kunotyisa, kunoparadza nyika; uye vachaparadza vatadzi varimo.

10 Nokuti nyenyedzi dzedenga nezvose zvirimo hadzizopa chiedza chadzo; zuva richasvibiswa mukufamba kwaro, nemwedzi uchaita kuti chiedza chawo chisavheneke.

11 Uye ndicharanga nyika nenzira yekutadza, nevatadzi vacharangwa nokutadza kwavo; ndichaita kuti kuzvida kweunodada kupere, uye ndichabvisa kuzvikudza kweanotyisa.

12 Ndichaita kuti munhu akoshe kupfuura goridhe; akoshe kunyange kupfuura goridhe reOfiri.

13 Naizvozvo, ndichaita kuti denga rizunguzike, uye nyika ichabva munzvimbo mayo, mukushatirwa kwaIshe veHondo, uye muzuva rehasha dzavo dzinotyisa.

14 Uye vachaita semhara iri kutandaniswa, uye sehwai dzisina muridzi; uye vachati munhu ega-ega adzokere kuvanhu vekwake, uye vagotizira mumwe nomumwe kunyika kwake.

15 Mumwe nomumwe anodada achabaiwa; hongu, uye wose uyo akabatana nevakaipa achapunzika nemunondo.

16 Vana vavo vachapazurwa-pazurwa pamberi pavo vakatarisa; dzimba dzavo dzicharozvwa uye vakadzi vavo vagobatwa chibharo.

17 Tarisai, ndichaita kuti vaMedia vavamukire, vasina hanyn’a nesirivha kana goridhe, zve havafadzwe nazvo.

18 Miseve yavo ichadambura-dambura majaya; zve havazove netsitsi kumichero yenhumbu maziso avo haazonzwira vana vadiki tsitsi.

19 Uye Babironi, gamba reushe, runako nerudado rweKardia, richaita sezvakaita Sodoma neGomora pazvakaparadzwa naMwari.

20 Hapana anozogaramo, zve hapana anozovakamo zvizvarwa nezvizvarwa: Kana vaArabia havachazodzika tende dzavo imomo; kana vafudzi vehwai havachazovaka matanga avo imomo.

21 Asi mhuka dzesango dzichagaramo; dzimba dzavo dzichazara nemakava; nemazizi achagaramo, uye zvikotora zvichatambamo.

22 Uye mhuka dzesango dzemuzvitsuwa dzichachema mumatongo edzimba dzavo, zvipukanana mumatongo mudzimba dzavo dzemadzimambo; nguva yake yave pedo nekusvika, uye zuva rake harichanonotswa. Nokuti ndichamuparadza nokukurumidza; hongu, nokuti ndichaitira vanhu vangu tsitsi, asi vakaipa vachafa.