Magwaro Matsvene
3 Nifai 18


Chitsauko 18

Jesu anotangisa sakaramende mumaNifai—Vanorairwa kunamata nguva dzose muzita rake—Avo vanodya nyama yake nokunwa ropa rake vasina kukodzera vanoraswa—Vadzidzi vanopiwa simba rokupa Mweya Mutsvene. Zvingangove makore 34 shure kwekunge Kristu azvarwa.

1 Uye zvakaitika kuti Jesu akatuma vadzidzi vake kuti vaunze achingwa newaini kwaari.

2 Uye apo vakanga vaenda kunotora chingwa newaini, akaudza gungano kuti rigare pasi.

3 Uye zvino vadzidzi vauya anechingwa newaini, akatora chingwa akachimedura akachikomborera; akapa vadzidzi akavaudza kuti vadye.

4 Uye vadya vaguta, akavaraira kuti vape kugungano.

5 Uye gungano radya raguta, akati kuvadzidzi: Tarisai mumwechete wenyu achagadzwa, kwaari ndichapa simba rokuti aachazomedura chingwa nokuchikomborera achipa kuvanhu vechechi yangu, kune avo vose vachatenda nokubhabhatidzwa muzita rangu.

6 Uye izvi muchaona kuti mazviita nguva dzose, sokuita kwandaita, sokumedura kwandaita chingwa nokuchikomborera ndikachipa kwamuri.

7 Uye izvi muchazviita amukurangarira muviri wangu, uyo wandaratidza kwamuri. Uye uchazove uchapupu kuna Baba kuti muchandirangarira nguva dzose. Uye mukandirangarira nguva dzose Mweya wangu uchazova nemi.

8 Uye zvakaitika kuti ataura mazwi aya, akatuma vadzidzi vake kuti vatore waini yaive mumukombe vanwe, uyewo kuti vape kugungano kuti rinwewo.

9 Uye zvakaitika kuti vakaita saizvozvo, vakainwa vakaguta; vakapa kugungano, rikanwa, rikagutawo.

10 Uye vadzidzi vaita izvi, Jesu akati kwavari: Makakomborerwa imi nokuda kwechinhu ichi chamaita, nokuti uku kuzadzikisa mirairo yangu, uye izvi zvinopupura kuna Baba kuti munoda kuita zvandakurairai.

11 Uye izvi muchazviita kune avo vose vanenge vatendeuka nokubhabhatidzwa muzita rangu; muchazviita mukurangarira ropa rangu, iro randakudeurirai, kuti muzopupura kuna Baba kuti munondirangarira nguva dzose. Uye mukandirangarira nguva dzose Mweya wangu uchave nemi.

12 Uye ndinopa kwamuri murairo wokuti muchaita zvinhu izvi. Zve mukaita zvinhu izvi nguva dzose makakomborerwa, nokuti makavakwa apadombo rangu.

13 Asi avo vachaita zvakapfuuridza kana zvishoma pane izvi ivavo havana kuvakwa padombo rangu, asi vakavakwa pahwaro hwejecha; kana mvura ichinge yoturuka, nzizi dzozara, mhepo yovhuvhuta, ichivarova, avachapunzika, zve misuwo byokugehena yakagadzirira kuzaruka ivagamuchire.

14 Naizvozvo makakomborerwa kana mukachengeta mirairo yangu, iyo Baba vakandiraira kuti ndipe kwamuri.

15 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, munofanira kutarisa anokunamata nguva dzose, kuti musave munoedzwa nadhiabhorosi, mugotungamirwa muusungwa naye.

16 Uye sekunamata kwandaita pakati penyu ndiko kunamata kwamuchaita muchechi yangu, mukati mevanhu vangu vanotendeuka nokubhabhatidzwa muzita rangu. Tarisai ndini achiedza; ndakupai bmuenzaniso.

17 Uye zvakaitika kuti Jesu akati ataura mazwi aya kuvadzidzi vake, akatendeuka kugungano akati kwariri:

18 Tarisai, zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, munofanira kutarisa nokunamata kuti musapinde mukuedzwa; nokuti aSatani anoda kukutorai, kuti agokusefai segorosi.

19 Naizvozvo munofanira kunamata nguva dzose kuna Baba muzita rangu;

20 Uyezve achosezvacho chamuchakumbira Baba muzita rangu, chakarurama, muchitenda kuti muchagamuchira, tarisai chichapiwa kwamuri.

21 aNamatai mumhuri dzenyu kuna Baba, nguva dzose muzita rangu, kuti vakadzi venyu nevana venyu vakomborerwe.

22 Uye tarisai, muchagara muchisangana; uye hamuzorambidza mumwe munhu kuuya pamunenge muri kana muchinge maungana pamwechete, asi vasiyei vauye kwamuri musavarambidze;

23 Asi amuchavanamatira, uye hamuvadzinge; kana vachiuya kwamuri nguva dzose muchavanamatira kuna Baba, muzita rangu.

24 Naizvozvo, simudzai amwenje wenyu kuti uvhenekere nyika yose. Tarisai ndini bchiedza chamuchasimudza—izvo zvamaona ndichiita. Tarisai maona kuti ndanamata kuna Baba, mose mazviona.

25 Uye munoona kuti ndataura kuti apasave nomumwe wenyu anoenda, asi ndataura kuti muuye kwandiri, kuti bmunzwe muone; ndizvo zvamuchaita kunyika; zve uyo wose anotyora murairo uyu anozvikonzera kuti atungamirirwe mukuedzwa.

26 Uye zvino zvakaitika kuti Jesu ataura mazwi aya, akadzosa zvakare maziso ake kuvadzidzi vaakanga asarudza, akati kwavari:

27 Tarisai, zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, ndinopa kwamuri mumwe murairo, ndadaro ndinofanirwa kuenda kuna aBaba vangu kuti ndizadzikise bmimwe mirairo iyo yavakandipa.

28 Uye zvino tarisai, uyu ndiwo murairo wandinopa kwamuri, kuti musaregere munhu wamunoziva kuti haana akukodzera kuti badye nyama yangu nokunwa ropa rangu, kana muchinge mave kuvapa;

29 Nokuti uyo anodya nokunwa nyama aneropa rangu basingakodzeri anodya nokunwa kuraswa kwemweya wake; naizvozvo kana muchiziva kuti munhu wacho haakodzeri kudya nokunwa nyama neropa rangu muchamurambidza.

30 Zvisinei hazvo, ahamuzomudzinga kubva pakati penyu, asi muchamuparidzira uye muchamunamatira kuna Baba, muzita rangu; zve kana akatendeuka akabhabhatidzwa muzita rangu, ndipo pamuchamugamuchira, mozoparidza kwaari nezveropa rangu nemuviri wangu.

31 Asi kana akasatendeuka haazoverengwa pavanhu vangu, kuti asazoparadza vanhu vangu, nokuti tarisai ndinoziva hwai adzangu, zve dzakaverengwa.

32 Zvisinei hazvo, hamuzomudzinga mumasinagogo enyu, kana nzvimbo dzenyu dzokunamatira; nokuti kune akadaro mucharamba muchiparidza; nokuti hamuzivi kuti vachadzoka nokutendeuka riini, vachiuya kwandiri nechido chemwoyo chose, andigovaporesa; zve muchazova nzira yokuunza ruponeso kwavari.

33 Naizvozvo, chengetai zvinhu izvi zvandakutumai kuti amusaraswe; nokuti ane nhamo uyo anoraswa naBaba.

34 Uye ndinokupai mirairo iyi nokuda kwokusawirirana kwakanga kuri pakati penyu. Nokuti makakomborerwa imi kana apasina kusawirirana pakati penyu.

35 Uye zvino ndinoenda kuna Baba, nokuti zvinofanira kuti ndiende kuna Baba anepamusana penyu.

36 Uye zvakaitika kuti apo Jesu akapedza kutaura izvi, akabata aneruoko rwake bvadzidzi vaakanga asarudza, mumwe nomumwe, kusvikira avabata vose, akataura kwavari zvaaivabata.

37 Uye gungano harina kunzwa mazwi aakataura, naizvozvo havana kuzvinyora; asi vadzidzi vakanyora kuti akavapa asimba rokupa bMweya Mutsvene. Uye ndicharatidza kuti zvinyorwa izvi ndezvechokwadi.

38 Uye zvakaitika kuti shure kwekunge Jesu avabata vose, kwakauya agore rikafukidza gungano zvekuti vakanga vasisakwanise kuona Jesu:

39 Uye apo vakanga vakafukidzwa kudaro akavasiya, akakwira kudenga. Zve vadzidzi vakaona vakanyora pasi kuti akakwira zvakare kudenga.