Magwaro Matsvene
2 Nifai 19


Chitsauko 19

Isaya anotaura nezvaMesia—Vanhu vari murima vachaona chiedza chikuru—Tinozvarirwa mwana—Achave Jinda reRunyararo uye agotonga agere pachigaro cheushe chaDavidi—Enzanisa naIsaya 9. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati azvarwa.

1 Zvisinei, kudzimaidzwa hakuzoita sekwakange kuri mukutambudzika kwake, apo pakutanga zvaakangonyaikira chete kunetsa nyika yaZeburuni, nenyika yeNaftari, uye mushure mezvo akazotambudza zvinorwadza nekuGungwa Dzvuku mhiri kwaJorodani muGarirea yemarudzi.

2 Vanhu vaifamba murima vaona chiedza chikuru; avo vanogara munyika yemumvuri werufu, pavari chiedza chapenya.

3 Imi mawanza rudzi, uye mukapamhidzira mufaro—vanofara pamberi penyu maererano nemufaro wepanguva dzekukohwa, uye sekufara kunoita varume kana vachigovana zvinhu zvavapamba.

4 Nokuti matyora joki rekudzvinyirirwa kwake, netsvimbo yairova mapfudzi ake, mubhadha wemudzvinyiriri wake.

5 Nokuti kwose kurwa kwemurwi kune ruzha rwunokanganisa, nezvipfeko zvaumburudzwa muropa; asi izvi zvichave nekubvira nekuve huni dzinobvirisa moto.

6 Nokuti kwatiri mwana azvarwa, kwatiri tapiwa mwanakomana, uye kutonga kuchave pamapfudzi ake; uye zita rake richadaidzwa kuti Anoshamisa, Mupiwezano, Mwari Samasimba, Baba Vasingaperi, Jinda reRunyararo.

7 Uye kupamhidzirwa kwekutonga nerunyararo hazvina magumo, pachigaro cheumambo hwaDavidi, nemuumambo hwake, nekuhumisa nekutonga nekururama kubvira iye zvino, kusvika nokusingaperi. Kuda kwaIshe veHondo kuchaita kuti zviitike.

8 Ishe vakatumira shoko ravo kuna Jakobo uye rajekesa kuna Israeri.

9 Uye vose vanhu vachaziva, kana Efraimi nevanhu veSamaria, vanotaura nekudada nekuzvikudza kwemwoyo:

10 Zvidhinha zvakoromoka, asi tichavaka nematombo akavezwa; mionde yatemwa, asi tichaipindura kuti ive misidha.

11 Nokudaro Ishe vachamutsira Rezini vavengi, vagobatanidza vavengi vake pamwechete;

12 VaSiria pamberi uye nevaFiristia shure; uye vachamedza Israeri nemuromo wakashama. Nokuti hasha dzavo hadzina kudzoswa, asi ruoko rwavo rwuchakangosimudzwa.

13 Nokuti vanhu havatendeukire kune uyo anovarova, kana Ishe veHondo havamutsvake.

14 Saka Ishe vachadimura vaIsraeri musoro nemuswe, bazi nenhokwe muzuva rimwechete.

15 Harahwa, ndiyo musoro; uye muporofita anodzidzisa nhema, ndiye muswe.

16 Nokuti vatungamiri vevanhu ava ndivo vanoita kuti vatadze; uye avo vanotungamirwa navo vanoparadzwa.

17 Nokudaro Ishe havachazove nerufaro nemajaya avo, havazove netsitsi kune vasina baba vavo neshirikadzi; nokuti mumwe nomumwe wavo munyengedzi nemuiti wezvakaipa, uye wose muromo unotaura nhema. Nezvose izvi hasha dzavo hadzina kudzoswa, asi ruoko rwavo ruchakatambanudzwa.

18 Nokuti huipi hunobvira semoto; uchapisa rukato neminzwa, uye uchabatira mumasango akapfita, ugokwira semhute yeutsi.

19 Nehasha dzaIshe veHondo nyika inoita rima, uye vanhu vachaita sehuni dzaiswa muchoto; hakuna munhu acharegerera hama yake.

20 Achabvuta nekurudyi agoshoshera uye agonzwa nzara; uye achadya neruboshwe uye vagosaguta; wose munhu achadya nyama yeruoko rwake—

21 Manase, Efraimi; uye Efraimi, Manase, ivava pamwechete vacharwisa Juda. Nokudaro hasha dzavo hadzina kudzoswa, asi ruoko rwavo rwuchakatambanudzwa.