Magwaro Matsvene
3 Nifai 15


Chitsauko 15

Jesu anotaura kuti murairo waMosesi unozadzikiswa maari—MaNifai ndivo vamwe vemakwai aakataura nezvawo muJerusarema—Nokuda kwekusarurama, vanhu vaIshe muJerusarema havazivi nezve makwai aIsraeri akapararira. Zvingangove makore 34 shure kwekunge Kristu azvarwa.

1 Uye zvino zvakaitika kuti Jesu akati apedza kutaura uku akatarisa kugungano, akati kwavari: Tarisai, manzwa mashoko andadzidzisa ndisati ndakwira kuna Baba vangu; naizvozvo, uyo wose acharangarira kutaura kwangu uku nokukuita, iyeye ndichamumutsa pazuva rokupedzisira.

2 Uye zvakaitika kuti apo Jesu akanga ataura mashoko iwaya akaona kuti pakati pavo pakange pane vamwe vaishamiswa, nokukahadzika kuti achaita sei nomutemo waMosesi; nokuti havana kunge vanzwa kuti zvakare zvakanga zvapfuura, uye kuti zvinhu zvose zvakanga zvava zvitsva.

3 Uye akati kwavari; Musashamiswa kuti ndataura kwamuri kuti zvinhu zvakare zvapfuura, uye kuti zvinhu zvose zvava zvitsva.

4 Tarisai, ndinoti kwamuri mutemo wakazadzikiswa uyo wakapiwa kuna Mosesi.

5 Tarisai, ndini ndakapa murairo, ndini ndakabvumirana nevanhu vangu veIsraeri; naizvozvo, mutemo mandiri wakazadzikiswa, nokuti ndakauya kuzozadzikisa mutemo; naizvozvo une magumo.

6 Tarisai, handiparadze maporofita, nokuti avo vose vasati vazadzikiswa mandiri, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, vose vachazadzikiswa.

7 Uye nokuti ndati kwamuri zvinhu zvakare zvapfuura, handingaparadze izvo zvakataurwa pamusoro pezvinhu zvichauya.

8 Nokuti tarisai, chibvumirano chandakaita nevanhu vangu hachisati chazadzikiswa chose; asi mutemo uyo wakapiwa kuna Mosesi une magumo mandiri.

9 Tarisai, ndiri mutemo, nechiedza. Tarisai kwandiri, mushingirire kusvikira kumagumo, muchararama; nokuti kune uyo achashingirira kusvika kumagumo ndichapa upenyu hwokusingaperi.

10 Tarisai, ndakakupai mirairo; naizvozvo chengetai mirairo yangu. Uye ndiwo murairo nemaporofita, nokuti zvechokwadi vanopupura pamusana pangu.

11 Uye zvino zvakaitika kuti Jesu akati ataura mazwi aya, akati kune gumi nevaviri vaye vaakanga asarudza:

12 Muri vadzidzi vangu; uye muri chiedza kuvanhu ava, vakasara vechizvarwa chemba yaJosefa.

13 Uye tarisai, iyi inyika yenhaka yenyu; Baba vakaipa kwamuri.

14 Uye hakuna imwe nguva apo Baba vakandipa mirairo yokuti nditaure izvi kuhama dzenyu muJerusarema.

15 Kana imwe nguva apo Baba vakandipa mirairo yokuti nditaure maererano namamwe marudzi emba yaIsraeri, ayo akatungamirirwa naBaba kubva munyika iyoyo.

16 Izvi ndizvo zvandakarairwa chete naBaba, kuti nditaure kwavari:

17 Kuti ndine mamwe makwai asiri edanga rino; iwayo ndinofanira kuuya nawoo, achanzwa izwi rangu; uye richazova danga rimwechete, nomufudzi mumwechete.

18 Uye zvino, nenzira yokuoma mitsipa nokusatenda kwavo havana kunzwisisa shoko rangu; naizvozvo ndakarairwa naBaba kuti ndisataure zvakare pamusana pechinhu ichi kwavari.

19 Asi zvirokwazvo, ndinoti kwamuri Baba vakandiraira ini, uye ndinokutaurirai, kuti makapatsanurwa kubva kwavari nokuda kwokusarurama kwavo; naizvozvo inzira yokusarurama kwavo inoita kuti vasakuzivei.

20 Uye zvirokwazvo, ndinoti kwamuri zvakare mamwe marudzi Baba vakapatsanura kubva kwavari; uye inzira yokusarurama kwavo kuti vasavazive.

21 Uye zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ndimi avo vandakataura ndichiti: Ndina mamwe makwai asati ari edanga rino, iwo zvekare ndinofanira kuuya nawo, uye achanzwa izwi rangu, rikazova danga rimwechete, nomufudzi mumwechete.

22 Uye havana kundinzwisisa, nokuti vaifungidzira kuti ndaireva maJentairi; nokuti havainzwisisa kuti maJentairi vaifanira kudzorwa nokuparidza kwavo.

23 Uye havana kundinzwisisa kuti ndakati vachanzwa izwi rangu; havana kundinzwisisa zvakare zvandakati maJentairi haafanire kuti nerimwe zuva vanzwe izwi rangu—nokuti handaifanira kuzviratidza kwavari kunze kwokunge zvaitwa neMweya Mutsvene.

24 Asi tarisai, mose manzwa izwi rangu, mukandiona; uye muri makwai angu, makaverengerwa pakati peavo vandakapiwa naBaba.