Magwaro Matsvene
1 Nifai 10


Chitsauko 10

Rihai anofembera kuti maJuda achatorwa muusungwa nemaBabironi—Anotaura nezvekuuya kwaMesia, Muponesi, Mununuri pakati pemaJuda—Rihai anotaurawo nezvekuuya kwemumwe achabhabhatidza Gwayana raMwari—Rihai anotaura nezvekufa nekumuka kwaMesia—Anofananidza kupararira nekuungana kwaIsraeri pamuti wemuorivhi—Nifai anotaura nezveMwanakomana waMwari, nezvechipo cheMweya Mutsvene, nezvekudikanwa kwetsika dzakatwasanuka. Zvingangove makore 600 kusvika ku592 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvino ini Nifai, ndoenda mberi kukupai nezvemafambiro angu pamahwendefa aaya, nekutonga kwangu nehufundisi hwangu; nokudaro; kuti ndifambire mberi nenyaya yangu, ndakafanira kutaura nezvezvinhu zvababa vangu, nezvevakoma vanguwo.

2 Nokuti tarisai, zvakaitika kuti mushure mekunge baba vangu vapedza kutaura mazwi aehope dzavo, nokuvakuridzirawo kushanda nesimba rose, vakataura navo pamusoro pemaJuda—

3 Kuti mushure mekunge vaparadzwa, kana guta guru riya areJerusarema, uye vazhinji bvachatakurwa dzave nhapwa ckuBabironi, maererano nenguva yasvika yaIshe, dvachadzoka zvakare, hongu, kana kutodzoswa vachiburitswa muutapwa; uye mushure mekunge vadzorwa vachiburitswa muutapwa vachatora zvakare nyika yenhaka yavo.

4 Hongu, kunyangwe mazana amatanhatu emakore kubvira panguva yakabva baba vangu kuJerusarema, bmuporofita achamutswa naIshe Mwari pakati pemaJuda—kana cMesia, kana nemamwe mazwi, Muponesi wenyika.

5 Uye akataurawo maererano nevaporofita, kuti uzhinji hwavo ahwakapupura sei pazvinhu izvi, maererano naMesia uyu, wavakange vataura nezvake, kana uyu Mununuri wenyika.

6 Nokudaro, marudzi ose evanhu akange ari mukurasika anekupunzika, uye aizogara akadaro narinhi kunze kwekunge vavimba neMununuri uyu.

7 Uye akataurawo maererano anemuporofita aizouya Mesia asati auya, kuti azogadzira nzira yaIshe—

8 Hongu, kana iye achaenda achinochema ari murenje: aGadzirai nzira yaIshe, muite kuti nzira dzake dzitwasanuke; nokuti pakati penyu pamire mumwe wamusingazive; uye mukuru kwandiri, tambo dzeshangu dzake dzandisingakodzere kusunungura. Uye baba vangu vakataura zvizhinji maererano nechinhu ichi.

9 Uye baba vangu vakati achabhabhatidza amuBetebara, mhiri kweJordani; uye vakatiwo achabhabhatidza nemvura; uye nokuti bachabhabhatidza Mesia nemvura.

10 Uye mushure mekunge abhabhatidza Mesia nemvura, anofanira kutarisa uye agoona kuti abhabhatidza aGwayana raMwari, richabvisa zvitadzo zvenyika.

11 Uye zvakaitika kuti mushure mekunge baba vangu vataura mazwi aya vakataura kuvakoma vangu maererano nevhangeri rakafanira kuparidzwa pakati pemaJuda, nemaereranowo aekuderera kwemaJuda bmukusatenda. Uye mushure mekunge cvauraya Mesia, uyo achauya, uye mushure mekunge auraiwa dachamuka mukufa, uye agozviratidza, eneMweya Mutsvene, kumaJentairi.

12 Hongu, kunyangwe baba vangu vakataura zvikuru maererano nemaJentairi, uye maereranowo nezvemba yaIsraeri, kuti vafananidzwe nemuti awemuorivi, uyo une mapazi achatyorwa bagoparadzirwa nenyika yose.

13 Nokudaro, akati zvakafanira kuti titungamirirwe akunyika yechipikirwa tiine chibvumirano chimwechete, mukuzadzikisa shoko raIshe, rokuti tipararire pasi pose.

14 Uye mushure mekunge imba yaIsraeri yapararira avachaunganidzwa pamwechete zvakare; kana kuti, muchidimbu, mushure mekunge bmaJentairi atambira kuzara kweVhangeri, mapazi emuti cwemuorivi, kana kuti vakasara vemba yaIsraeri, vanobatanidzwa, kana kuti vanozove neruzivo rwaMesia wechokwadi, Ishe vavo neMununuri wavo.

15 Uye netsika yemutauro uyu baba vangu vakaporofita uye vakataura kuhama dzangu, nezvimwewo zvinhu zvakawanda zvandisinganyore mubhuku rino; nokuti ndakanyora zvizhinji zvacho zvandaiona zvakakodzera mune arimwe bhuku rangu.

16 Uye zvose zvinhu izvi, izvo zvandataura nezvazvo, zvakaitwa apo baba vangu vakange vachigara mutende, munhika raRemueri.

17 Uye zvakaitika kuti mushure mekunge ini Nifai, ndanzwa ose amazwi ababa vangu, maererano nezvinhu zvavakaona bmuchiratidzo, nezvinhuwo zvavaitaura nesimba reMweya Mutsvene, riri simba ravakatambira pamusoro perutendo muMwanakomana waMwari—uye Mwanakomana waMwari ndiye aive cMesia aizouya—ini Nifai, ndaidawo kuti dai ndaona, uye ndanzwa, nokuziva zvinhu izvi, nesimba reMweya Mutsvene, chinova dchipo chaMwari kune avo vose vanomutsvaka enesimba, munguva fdzekare nemunguva dzaachazviratidza pachake kuvana vevanhu.

18 Nokuti ndiye amumwecheteyo wanezuro, nhasi, nokusingaperi; uye nzira yakagadzirirwa vose vanhu kubvira pakutanga kwenyika, kana vakave vanotendeuka vakauya kwaari.

19 Nokuti uyo anotsvaka nesimba achawana; uye azvakavanzika zvaMwari vachazvipfudzunurirwa, nesimba breMweya Mutsvene, munguva dzino sezvemunguva dzakare, uye semunguva dzakare nemunguva dzichauya; nokudaro, cnzira yaIshe inogara yakadaro nokusingaperi.

20 Saka rangarira iwe munhu, pazviito zvako zvose uchaunzwa amukutongwa.

21 Nokudaro, kana waitsvaka kuita zvakaipa mumazuva ako aekuedzwa, zvino unowanikwa busina kuchena pamberi pechigaro chekutonga chaMwari; uye hakuna chinhu chisina kuchena chingagare naMwari; nokudaro, unofanirwa kuti uraswe zvachose.

22 Uye Mweya Mutsvene uri kundipa simba rekuti nditaure zvinhu izvi, uye ndisazviregere kwete.