Magwaro Matsvene
Mosaya 15


Chitsauko 15

Kuti Kristu ndiBaba neMwanakomana sei—Achapindira uye agotakura kutadza kwevanhu vake—Ivo nevaporofita vatsvene vose imbeu yake—Anoita kuti kuve neKumuka kwevakafa—Vana vaduku vane upenyu hwokusingaperi. Zvingangove makore 148 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvino Abhinadhai akati kwavari: Ndinoda kuti muzive kuti aMwari pachavo vachadzika mukati mevana vevanhu, uye bvachanunura vanhu vavo.

2 Uye nokuti aanogara ari munyama achadaidzwa kuti Mwanakomana waMwari, aisa nyama yake pasi pekuda bkwaBaba, ari iye Baba neMwanakomana—

3 Baba, anokuti bakaberekwa nesimba raMwari; uye Mwanakomana, nenzira yenyama; ndokuve Baba neMwanakomana—

4 Uye vari Mwari amumwechete, hongu, chaivo bBaba cWokusingaperi wedenga nenyika.

5 Uye ndipo nyama painozviisa pasi peMweya, kana Mwanakomana azviisa pasi paBaba, vari Mwari mumwechete, avanopinda pakuedzwa, uye havaiswe pasi nokuedzwa ikoko, asi vanobvumira kuti vasekwe, bnokurohwa, nokurasirwa kunze, cnokurambwa nevanhu vavo.

6 Uye mushure mazvo zvose izvi, mushure mekuita zvishamiso zvakawanda mukati mevana vevanhu, achatorwa, hongu, kunyangwe asezvakataurwa naIsaya, sehwai iri kuenda pamberi pevanoigera yakanyarara, naiye bhaazarure muromo wake.

7 Hongu, saizvozvo achatorwa, aoroverwa, ouraiwa, nyama ichive inozviisa pasi kana perufu, bkuda kweMwanakomana kwamedzwa nekuda kwaBaba.

8 Uye ndiko kudimbura kunoita Mwari amajoto erufu, vawana bkukunda rufu; vachipa Mwanakomana masimba cekureverera vana vevanhu—

9 Akwira kudenga, ane hura huzere tsitsi; uye azere netsitsi kuvana vevanhu; amire pakati pavo nekutonga; akadimbura majoto erufu, akatakura apaari kuipa kwavo nokutadza kwavo, avanunura, uye akaita bzvaidiwa nokutonga kune ruenzaniso.

10 Uye zvino ndinoti kwamuri, ndiani achataura chizvarwa chake? Tarisai, ndinoti kwamuri, kana mweya wake waitwa mupiro wechitema achaona ambeu yake. Uye zvino imi munotii? Uye mbeu yake anenge ari ani?

11 Tarisai ndinoti kwamuri, ani nani zvake akanzwa mazwi aevaporofita, hongu, vose vaporofita vatsvene vakaporofita nezvekuuya kwaIshe—ndinoti kwamuri, avo vose vakateerera kumazwi avo, vakatenda kuti Ishe achanunura vanhu vake, uye vakatarisira kuzuva iroro kuti vagoregererwa zvitema zvavo, ndinoti kwamuri, ivava ndivo mbeu yake, kana kuti ndivo vagari bveumambo hwaMwari.

12 Nokuti ivava ndivo vane zvitema aiye zvaakatakura; ivava ndivo vaakafira, kuti avanunure mukutadza kwavo. Uye zvino, havasi mbeu yake here?

13 Hongu, uye ko vaporofita, mumwe nomumwe akazurura muromo wake kuporofita, asina kuwira mukutadza, ndinoreva vose vaporofita vatsvene kubvira pakutanga kwenyika? Ndinoti kwamuri ivavo imbeu yake.

14 Uye ivava ndivo avakashambadza runyararo, vakauya nenhau dzakanaka dzekunaka, vakashambadza ruponeso; uye vakati kuna Zioni: Mwari vako ari kutonga!

15 Uye tsoka dzavo dzakange dzakanaka sei pamusoro pemakomo!

16 Uye zvakare, dzakanaka sei pamusoro pemakomo tsoka dzeavo vachiri kushambadza runyararo.

17 Uye zvakare,dzakanaka sei pamusoro pemakomo tsoka dzeavo mushure mezvizvi vacharamba vachishambadza runyararo, hongu, kubvira nguva ino kudakara kwokusingaperi.

18 Uye tarisai, ndinoti kwamuri, hazvizizvo zvose. Nokuti dzakanaka sei pamusoro pemakomo atsoka dzeuyo anouya nenhau dzakanaka, anova akatanga brunyararo, hongu, kana Ishe, akanunura vanhu vake; hongu, iye akapa ruponeso kuvanhu vake;

19 Nokuti dai pasina rununuro rwaakaitira vanhu vake, rwakagadzirirwa kubvira akutanga kwenyika, ndinoti kwamuri, dai pasina izvi, rwose rudzi rwevanhu rwungadai brwakaparara.

20 Asi tarisai, majoto erufu achadimurwa, uye Mwanakomana otonga, uye ane simba kune vakafa, naizvozvo, anoita kuti kuve nekumuka kune vakafa.

21 Uye kunouya kumuka kwevakafa, kana kumuka kwevakafa akwekutanga; hongu, kana kumuka kwevakafa kweavo vakanga varipo, neavo varipo, neavo vachazovepo, kana kudakara kusvika mukumuka kuvakafa kwaKristu—nokuti ndizvo zvaachadaidzwa achiita.

22 Uye zvino, kumuka kune vakafa kwevaporofita vose, neavo vose vaitenda mazwi avo, kana avo vose vaiteerera murairo waMwari, vachauya mukumuka kwevakafa kwekutanga; naizvozvo, ndivo vekumuka kuvakafa kwekutanga.

23 Vanomutswa kuti avagare naMwari avo vakavanunura; naizvozvo vane upenyu hwokusingaperi munaKristu, uyo bakadimbura majoto erufu.

24 Uye ava ndivo vachange vari mukumuka kwevakafa kwekutanga; uye ava ndivo vakafa Kristu asati auya, mukusaziva kwavo, vasina kumbotaurirwa anezveruponeso. Uye Ishe anokonzera kudzorerwa pakare kwaivava; uye vanove mukumuka kwevakafa kwekutanga, kana kuwana upenyu hwokusingaperi, vari vakanunurwa naIshe.

25 Uye avana vaduku naivowo vane upenyu hwokusingaperi.

26 Asi tarisai, amutye, mubvunde pamberi paMwari, nokuti makafanira kubvunda; nokuti Ishe havanunure avo bvanomupandukira uye cvachifira muzvitema zvavo; hongu, kana avo vose vakafira muzvitema zvavo kubvira kutanga kwakaita nyika, vakapandukira Mwari vachida, vaiziva mirairo yaMwari, vasingaichengete; divava ndivo evasingazove mukumuka kuvakafa kwekutanga.

27 Naizvozvo hamufanire kubvunda here? Nokuti ruponeso haruuye kune vakadaro; nokuti Ishe havana kununura vakadaro; hongu, zve Ishe havanunure vakadaro; nokuti havangazvipikise pachavo; nokuti havangarambe aruenzaniso parunenge ruchifanirwa.

28 Uye zvino ndinoti kwamuri nguva ichasvika iyo aichadaidzirwa ruponeso rwaIshe kumarudzi ose, hama, ndimi, nevanhu.

29 Hongu, Ishe, avarindi venyu vachasimudza mazwi avo; nezwi pamwechete vachaimba; nokuti vachawirirana, kana Ishe vaunza zvakare Zioni.

30 Pindai mukufara, imbai pamwechete, imi matongo eJerusarema; nokuti Ishe vanyaradza vanhu vavo, vanunura Jerusarema.

31 Ishe vaisa pachena ruoko rwavo rwutsvene mumaziso emarudzi ose; uye ose mativi enyika achaona ruponeso rwaMwari vedu.