Magwaro Matsvene
Mosaya 13


Chitsauko 13

Abhinadhai anodzivirirwa nesimba dzvene—Anodzidzisa Mirairo Ine Gumi—Ruponeso harwuuye nemutemo waMosesi wega—Mwari pachavo vachaita rudzikinuro uye vonunura vanhu vavo. Zvingangove makore 148 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvino mambo paakange anzwa mazwi aya, akati kuvafundisi vake: Mutorei munhu uyu, uye mumuuraye, nokuti ndingaitei naye, nokuti anopenga.

2 Uye vakamira vakaedza kuisa maoko avo paari; asi akavatakanura, akati kwavari:

3 Musandibate, nokuti Mwari vachakurovai kana mukaisa maoko enyu pandiri, nokuti handisati ndasvitsa shoko randakatumwa naro naIshe; zve handisati ndakutaurirai azvamakandikumbira kuti ndikutaurirei; naizvozvo, Mwari havabvumire kuti ndiparadzwe pane nguva ino.

4 Asi ndakafanira kuzadzikisa mirairo iyo yandakatumwa naMwari, uye nepamusana pekuti ndakutaurirai chokwadi mandishatirirwa. Uye zvakare, nenzira yekuti ndataura shoko raMwari matonditonga kuti ndinopenga.

5 Zvino zvakaitika kuti mushure mekunge Abhinadhai ataura mazwi aya vanhu vamambo Noa vakatya kumubata, nokuti Mweya waIshe wakange wave paari; uye kumeso kwake akukapenya nokupenya kukuru, kunyangwe sekupenya kwakaita Mosesi paakange ari mugomo reSinai, achitaura naIshe.

6 Uye akataura anesimba nemvumo kubva kuna Mwari; uye akaenda mberi mukutaura kwake, achiti:

7 Muri kuona kuti hamuna simba rekundiuraya, saka ndinopedza shoko rangu. Hongu, uye ndinoona kuti zviri akukubayai pamwoyo nokuti ndinokuudzai chokwadi maererano nezvitadzo zvenyu.

8 Hongu, uye mazwi angu anokuzadzai nokukushamisai nokukatyamara, nokushatirwa.

9 Asi ndinopedzisa shoko rangu; uye mushure hazvizove nemhosva kwandinoenda, kana zvikaita kuti ndiponeswe.

10 Asi izvi ndizvo zvandinokutaurirai, zvamuchaita neni, mushure mezvizvi, zvichave achiratidzo nemufananidzo wezvinhu zvichauya.

11 Uye zvino ndinokuverengerai zvakasara apamirairo yaMwari, nokuti ndiri kuona kuti hazvina kunyorwa mumwoyo yenyu; ndiri kuona kuti makadzidza uye mukadzidzisa zvitema nguva huru muupenyu hwenyu.

12 Uye zvino, munorangarira kuti ndakati kwamuri: Hamuzviitire zvimufanidzo zvekuveza, kana zvimwe zvinhu zvakafanana nezvinhu zviri kumusoro kudenga, kana zviri pano pasi, kana zviri mumvura pasi pevhu.

13 Uye zvakare: Hamuzozvinamata, kana kuzvishandira; nokuti ini Ishe Mwari venyu ndiri Mwari vane shanje, ndinoisa mhosva dzemadzibaba kuvana, kusvika kuchizvarwa chechitatu nechechina cheavo vanondivenga;

14 Uye ndichiratidza tsitsi kune zviuru nezviuru zvevanondida uye vanochengeta mirairo yangu.

15 Musashandise zita raIshe Mwari venyu pasina zviripo; nokuti Ishe havazoti haana mhosva uyo waanowana achitamba nezita rake.

16 Rangarirai zuva aresabata, kuti murichengete riri dzvene.

17 Muchaita mabasa enyu kwemazuva matanhatu, uye muchiita basa renyu rose;

18 Asi muzuva rechinomwe, zuva resabata raIshe Mwari venyu, hamuna basa ramunoita imi, kana mwanakomana wenyu, kana mwanasikana wenyu, kana murandarume wenyu, kana murandakadzi wenyu, kana mombe dzenyu, kana mweni ari mukati memasuo enyu;

19 Nokuti nemazuva amatanhatu Ishe vakaita denga nenyika, negungwa, nezvose zviri mazviri; nokudaro Ishe vakaropafadza zuva resabata, vakarikudza.

20 aKudza baba namai vako, kuti mazuva ako arebe panyika awakapiwa naIshe Mwari vako.

21 aMusauraye.

22 aMusapombe. bMusabe.

23 Musapupure anhema pamusoro pemuvakidzani wenyu.

24 Musaite aruchiva nemba yemuvakidzani wenyu, musaite ruchiva nemukadzi wemuvakidzani wenyu, kana murandarume wake, kana murandakadzi wake, kana gwaimani rake, kana mbongoro yake, kana chii zvacho chemuvakidzani wenyu.

25 Uye zvakaitika kuti mushure mekunge Abhinadhai apedza kutaura uku akati kwavari: Makadzidzisa here vanhu ava kuti vacherechedze zvose zvinhu izvi kuti vachengetedze mirairo iyi?

26 Ndinoti kwamuri, Kwete; nokuti dai makazviita, Ishe angadai asina kuita kuti ndiuye ndichiporofita maererano nokuipa kwevanhu ava.

27 Uye zvino mati ruponeso rwunounzwa nemutemo waMosesi. Ndinoti kwamuri zvakanaka kuti mumbochengetedza amutemo waMosesi; asi ndinoti kwamuri, kuti nguva ichauya yokuti bhamuzofanira kuchengetedza mutemo waMosesi.

28 Uye zvakare, ndinoti kwamuri, aruponeso harwuuye bnemutemo chete; uye dai pakanga pasina crudzikinuro, rwuchaitwa naMwari pamusana pezvitadzo nezvinyangadzo zvevanhu vavo, vaitofanira kufa pasina chingavadzivirire, kana dai uri mutemo waMosesi.

29 Uye zvino ndinoti kwamuri zvaifanira kuti kuve nemutemo unopiwa kuvana vaIsraeri, hongu, kana mutemo awakaoma chaizvo; nokuti vakange vari vanhu vakaoma mitsipa, bvanokurumidza kuita zvakaipa, uye vachinonoka kurangarira Ishe Mwari vavo.

30 Naizvozvo kwaive anemutemo wakapiwa kwavari, hongu, mutemo wekuita bnezvisungo, mutemo wavaifanira ckutevedza chaizvo zuva nezuva, kuti vagare vachirangarira Mwari nebasa ravo kwavari.

31 Asi tarisai, ndinoti kwamuri, zvose zvinhu izvi zvaive azviratidzo zvezvinhu zvichauya.

32 Uye zvino, vakanzwisisa mutemo here? Ndinoti kwamuri, Kwete, havana vose kunzwisisa mutemo; uye zvichikonzerwa neukukutu hwemwoyo yavo; nokuti havana kunzwisisa kuti hakuna munhu anoponeswa akunze kwekunge awana rununuro rwaMwari.

33 Nokuti tarisai, ko Mosesi haana kuporofita kwavari here pamusoro pekuuya kwaMesia, nokutiwo Mwari vachanunura vanhu vavo? Hongu, uye kana avose vaporofita vakaporofita kubvira pakutanga kwenyika—havana kunge vachitaura zvinhu zvakangofanana nezvizvi here?

34 Havana kuti here aMwari pachavo achadzika mukati mevana vevanhu, uye vagove vanotora chimiro chemunhu, uye vagoenda nesimba guru pamusoro penyika?

35 Hongu, uye havana kutiwo here achaita kuti kuve anekumuka kwevakafa, uye nokuti iye, pachake, achadzvinyirirwa agotambudzwa?