Zvibatsiro Zvekudzidza
Mifananidzo yeNzvimbo dzeNhoroondo dzeChechi


Mifananidzo yeNzvimbo dzeNhoroondo dzeChechi

Mifananidzo iyi inokosha yenzvimbo dzenhoroondo dzeChechi inoratidza nzvimbo dzakafambwa neVatendi vekutanga, apo Maporofita vazvino vakagara nekudzidzisa, uye pakaitikira zviitiko zvakawanda zvemumagwaro matsvene. Kukubatsira zvirinani kushandisa mifananidzo mudzidzo yako, mufananidzo mumwe nemumwe unoteverwa netsananguro pfupi. Chinongedzo chetsananguro nemusoro wacho zvino wirirana nemufananidzo uyu unechinongedzo nemusoro mumwechetewo. Mufananidzo wekutanga unotevedza musoro wetsananguro unotsanangura mamiriro emufananidzo, zvichisanganisira zvinhu zvinokosha kuona uye kazhinji mamiriro akange akaita mutori wemufananidzo nekwaakange akatarisa. Zviitiko zvemagwaro zvinokosha kubva munzvimbo iyi zvakanyorwa, pamwechete nepaunogona kuzviwana mumagwaro kuti ukwanise kuziva pekuverenga zvakawanda nezvezviitiko izvi.