Zvibatsiro Zvekudzidza
11. Nzvimbo yeTemberi yekuFar West


11. Nzvimbo yeTemberi yekuFar West

Nzvimbo yekuFar West, Missouri, yakave musha kuVatendi 3,000 kusvika 5,000 vakatsvaga kupotera kubva mukutambudzwa mumaRuwa eJackson neClay. Musi wa31 Gumuguru 1838 Muporofita Joseph Smith nevamwe vatungamiri veChechi vakasungwa uye, mushure mekutongwa muRichmond, vakaiswa muJeri reLiberty. Munguva yechando cha1838–39, Vatendi veMazuva eKupedzisira vakadzingwa kubva muFar West uye mudzimwe nzvimbo dzemuMissouri vakanogara muIllinois.

Zviitiko Zvinokosha: Nzvimbo yekuvakira temberi yakakumikidzwa uye matombo emhandiko akaiswa. Zvakazarurwa zvinomwe zvakabuditswa muDzidziso neZvibvumirano zvakatambirwa (zvikamu 113–115; 117–120). Joseph F. Smith, mutungamiri wechitanhatu weChechi akazvarwa musi wa13 Mbudzi 1838 muFar West. Far West yakashanda kwenguva shomanani semuzinda weChechi pasi peMuporofita Joseph Smith.

Mufananidzo
mufananidzo 11

11. Nzvimbo yeTemberi yekuFar West Muna 1838 Ishe vakaraira Vatendi kuti vavake temberi pano (ona D&Z 115:7–8). Kushungurudzwa nemhomho yemanyongori kwakaita kuti vatadze kuita saizvozvo.