Zvibatsiro Zvekudzidza
3. Imba yeMapango yaJoseph Smith Baba


3. Imba yeMapango yaJoseph Smith Baba

Imba yakafanana neyaJoseph Smith Baba, yakavakwa panzvimbo paimbova neimba yamapango yekutanga pedyo nePalmyra, New York. Mhuri yaSmith yakavaka imba ine muturikidzwa mumwechete nehafu yemapango yekutanga nguva shomanana vasvika muPalmyra.

Zviitiko Zvinokosha: Muporofita Joseph Smith akaverenga zvakadzama bhaibheri mumba ino apo ainetsekana kuti azive chechi vechokwadi (Nh—JS 1:11–13). Moronai akazviratidza kuna Joseph uye akamuudza nezve mahwendefa eBhuku raMormoni (Nh—JS 1:30–47).

Mufananidzo
mufananidzo 3

3. Imba yeMapango yaJoseph Smith Baba Uyu mufananidzo wakanyatsoita semusha wakambogarwa nemhuri yaSmith peneimwe nguva.