Mepu 4
Kirtland, Ohio, 1830–38
Kch.
Purazi raIsaac Morley
Bazi reKumabvazuva reRwizi rweChagrin
ku Willoughby
ku Mentor
Chigayo cheMapuranga
Mugwagwa weMarkell
Chigayo
Nzvimbo yekuBhabhatidzira
Dhamu
Chivako chekugadzirira zvidhinda
Musha waNewel K. Whitney
ku Painesville
Chitoro chaNewel K. Whitney
Panogadzirwa Matehwe
Imba yeVayeni yaJohn Johnson
Chikoro
Mugwagwa weCowdery
Chivako chekupisira Huni Dzedota
Rukova
Musha waJoseph Smith Mwana
Chitoro cheZvakasiyana-siyana chaJoseph Smith
ku Chardon
Musha waParley P. PrattKumokuva
Nzvimbo yeMakuva
Mugwagwa weWhitney
Hofisi yeKudhindira
Temberi yeKirtland
Musha waSidney Rigdon
Musha waVinson Knight
Bhangi
Mugwagwa weChillicothe
Musha waMartin Harris
Mugwagwa weJoseph
Musha waHyrum Smith
Mamita
0 150 300
A B C D
1 2 3 4
●1
●2
●3
●4
●5
●6
●7
-
Musha waNewel K. Whitney Joseph naEmma vakagara pano kwemasvondo akati kuti mushure mekunge vatamira kuKirtland muna 1831.
-
Purazi raIsaac Morley Joseph naEmma Smith vakambogara pano kubva munaKurume kusvikira muna Gunyana 1831. MaPirisita apamusoro vakagadzwa pano. Joseph akashanda paDudziro yaJoseph Smith (DJS).
-
Chitoro chaNewel K. Whitney VaTungamiri Vekutanga veChechi vakapihwa makiyi ezveumambo hwekudenga pano. Chikoro cheMaporofita chakatanga kusangana pano. DJS yaive iri kapati pekupedziswa pano muna 1833. Joseph naEmma vakagara pano kubva muna 1832 kusvikira 1833. Joseph akatambira zviratidzo zvakawanda zvikuru pano.
-
Imba yeVayeni yaJohn Johnson Joseph Smith Baba akadeedzwa semuPatriaki wekutanga muChechi pano muna 1833. Imba yeVayeni yakave yekutanga kuve nehofisi yekudhindira muKirtland. The Evening and the Morning Star (Nyenyedzi yamaNheru naMangwanani) rakadhindirwa pano mushure mekuparadzwa kwemuchina wekudhinda muRuwa rweJackson, Missouri. Vaapositori vaneGumi neVaviri vakasumuka kubva pano musi wa4 Chivabvu 1835 muhushumiri hwavo hwekutanga.
-
Musha waJoseph Smith Mwana Joseph naEmma vakagara pano kubva muna 1834 kusvikira 1837. Kududzirwa kweBhuku raAbrahama kwakatangiswa.
-
Hofisi yeKudhindira Zvidzidzo pamusoro perutendo zvakapihwa muchivako chino. Vaapositori vaneGumi neVaviri neChikwata Chekutanga cheMakumi Manomwe vakadeedzwa nekugadzwa pano. Dzidziso neZvibvumirano (Kudhindwa kwekutanga), Bhuku raMormoni (Kudhindwa kwechipiri), The Evening and the Morning Star (Nyenyedzi yaManheru neMangwanani), Latter Day Saints’ Messenger and Advocate (Mutunwa neMumiririri waVatendi vamaZuva Ekupedzisira), nemabuku ekutanga Elders’ Journal (ezveNhoroondo dzemaGosa) zvakadhindwa pano.
-
Temberi yeKirtland Temberi iyi yakave yekutanga mumukuwo uno. Jesu Kristu akazviratidza uye akagamuchira temberi. Mosesi, Eria, naErija vakazviratidza uye vakadzorerazve mamwe makiyi ehupurisita (ona D&Z 110). Chikoro cheMaporofita chaisanganawo pano. Zvakazarurwa zvakagamuchirwa pano: D&Z 109, 110, 137.
Kirtland (nzvimbo isina kudomwa) Nemusi wa17 Nyamavhuvhu 1835, Dzidziso neZvibvumirano zvakatambirwa neChechi semagwaro matsvene. Zvakazarurwa zvakatambirwa muKirtland zvinosanganisira D&Z 41–50, 52–56, 63–64, 102–104, 106–110, 134, ne137. Zvitsauko 104 zvinomirira nekutsanagura zvinhu zvaifanirwa kupihwa sehutariri kunhengo dzeChechi dzaishanda muhurongwa hwemubatanidzwa (ona ndima 19–46).