Zvibatsiro Zvekudzidza
13. Imba Huru muNauvoo


13. Imba Huru muNauvoo

Joseph Smith Mwana nemhuri yake vakapinda muImba Huru muNauvoo muna Nyamavhuvhu 1843. Mushure vakaiwedzera nechimwe chikamu kudivi rekumabvazuva ikava nemipanda makumi maviri nembiri. Kutanga kwaNdira 1844, Ebenezer Robinson akava nesimba rekutarira imba iyi semba yevashanyi, Muporofita akaramba achishandisa mipanda mitanhatu nemhuri yake. Imba yakashanda senzvimbo yekutandarira yevagari vemuNauvoo. Vakuru vanokosha vakatambirwa pano naMuporofita.

Zviitiko Zvinokosha: Musi wa27 Chikumi 1844 Muporofita Joseph Smith nemukoma wake vakapfurwa vakafa muCarthage, Illinois, uye mitumbi yavo yakaunzwa muimba ino yakamirira kuvigwa. Vakavigwa panzvimbo diki yemakuva emhuri yaiva mumusha wavo kumhiri zvishomanani kweMugwagwa Mukuru, kumadokero kweimba yemapango yakare yakagara Joseph achangotanga kuuya muNauvoo. Emma Smith akagara muImba Huru kusvika muna 1871. Akazobva onogara muimba yeNauvoo, maakazofira muna 1879.

Mufananidzo
mufananidzo 13

13. Imba Huru muNauvoo Musha wemhuri yeMuporofita Joseph Smith kubvira muna 1843. Mumazuva ekutanga eChechi, apa ndipo paive nzvimbo yekutandadzana pakati peVatendi.