Zvibatsiro Zvekudzidza
17. Rwendo rukuru rweKumadokero


17. Rwendo rukuru rweKumadokero

Kutanga kwekubuda kubva muNauvoo, Illinois, kwakarongwa kuti kuve munaKurume–Kubvumbi, asi nekuda kwekutyisidzira kwaiita mhomho yevanhu Mutungamiri Brigham Young akaudza Vatendi kuti rwendo rukuru rwekuyambuka Rwizi rweMississippi rwutange musi wa4 Kukadzi 1846. Mutungamiri Young akambosara achipa maendaumendi kuVatendi vasina kubuda muNauvoo kusvika pakati paKukadzi.

Zviitiko Zvinokosha: Asati afa Muporofita Joseph Smith akaporofita, “Vamwe venyu vachararama zvekuenda kunobatsira kugadzira nzvimbo nekuvaka maguta uye kuona Vatendi vachiva vanhu vakasimba mukati meMakomo eRukangarabwe.” Vatendi vangasvika 12,000 vakabuda muNauvoo kubva munaKukadzi kusvika muna Gunyana 1846. Mushure mekunge Vatendi vabva paWinter Quarters nenzvimbo dzepamashure, vakarongwa muzvikwata zvegumi, zvemakumi mashanu, nezvemazana, pasi pemutungamiri wechikwata (D&Z 136:3). Muna Gunyana 1846 mhomho yevarume vangasvika mazana masere vaive nezvombo zvikuru zvitanhatu vakatanga kurwisa Nauvoo. Mushure memazuva akati wandei ekurwa, Vatendi vaiva vasara vakamanikidzwa kuregera kurwa kuitira kutivararame uye vagogona kuwana mukana wekuyambuka rwizi. Mazana mashanu kusvika matanhatu evarume, vakadzi, nevana vakayambuka rwizi uye vakavaka musasa pamahombekombe erwizi. Mutungamiri Brigham Young akatumira zvikwata zvekubatsira nezvinhu zvekubatsira kuti vatamise vatendi ava “vainzwisa urombo.”

Mufananidzo
mufananidzo 17

17. Rwendo rukuru rweKumadokero Nemusi wa4 Kukadzi 1846 ngoro dzekutanga dzakadarika Rwizi rweMississippi mukutanga kwenhoroondo yekufamba kwekumadokero.