Zvibatsiro Zvekudzidza
6. Imba yeMapango yaPeter Whitmer Baba


6. Imba yeMapango yaPeter Whitmer Baba

Kuvakurudzwa kweimba yeMapango yaPeter Whitmer Baba, yakavakwa panzvimbo yaimbova nehwaro hweimba yekutanga muFayette, New York.

Zviitiko Zvinokosha: Joseph Smith akapedza kududzira Bhuku raMormoni pano mukupera kwaChikumi 1829. Musango pedyo neimba ino vaPupuri Vatatu vakaona ngirozi Moronai uye mahwendefa egoridhe. Chapupu chavo chakadhindwa mumaBhuku aMormoni. Musi wa6 Kubvumbi 1830, vanhu vangasvika makumi matanhatu vakaungana pamba paPeter Whitmer kuzoona kuvambwa kweChechi yaJesu Kristu. Misangano yekutanga nemisangano mikuru yeChechi diki iyi yakaitirwa pano. Zvakazarurwa makumi maviri zviri muDzidziso neZvibvumirano zvakatambirwa muimba maPeter Whitmer.

Mufananidzo
mufananidzo 6

6. Imba yeMapango yaPeter Whitmer Baba Mufananidzo wemusha uyu wakanyatsofanana nezvawaive pakutanga wakavakirwa panzvimbo apo panove pakavambirwa Chechi musi wa6 Kubvumbi 1830.