Zvibatsiro Zvekudzidza
16. Jeri reCarthage


16. Jeri reCarthage

Imba yejeri mudhorobha reCarthage, Illinois.

Zviitiko Zvinokosha: Joseph Smith nemukoma wake Hyrum vakaenda kuCarthage musi wa24 Chikumi 1844. Vakabva vakandwa mujeri iri musi wa25 Chikumi mukupomerwa mhoswa yemanyepo yekupandukira nyika. Musi wa27 Chikumi mhomho yevarume vaive vakazora zvakasviba kumeso kwavo vakapinda mujeri zvine chisimba. Vose Joseph naHyrum vakapfurwa vakafa, uye John Taylor akakuvadzwa panzvimbo dzakawanda. Zvinoshamisa, Willard Richards haana kukuvara. John Taylor akazonyora yeuko yakafemerwa inowanikwa zvino muDzidziso neZvibvumirano 135.

Mufananidzo
mufananidzo 16

16. Jeri reCarthage Pano Muporofita Joseph Smith nemukoma wakeHyrum vakaurairwa chitendero musi wa27 Chikumi 1844 (ona D&Z 135).