Zvibatsiro Zvekudzidza
5. Rwizi rweSusquehanna


5. Rwizi rweSusquehanna

Mufananidzo uyu unoratidza Rwizi rweSusquehanna mudhorobha diki reHarmony, Pennsylvania.

Zviitiko Zvinokosha: Joseph Smith Mwana. Akatanga kuuya kuHarmony muna 1825 kuzotsvaga basa. Iye nababa vake vakagara pedyo nemusha waIsaac Hale, apo Joseph akasangana kekutanga naEmma Hale, akazove mukadzi wake (Nh—JS 1:56–57). Joseph naEmma vakaroorana musi wa18 Ndira 1827. Muporofita akapihwa mahwendefa egoridhe musi wa22 Gunyana 1827 paManchester, New York, munguva shoma kubva ipapo vakatamira naEmma kuHarmony, uko kwakatanga kududzira zvaive pamahwendefa muimba yavo diki pedyo nerwizi. Munguva yekududzirwa kweBhuku raMormoni, Joseph naOliver Cowdery vaidakuziva zvakawanda nezverubhabhatidzo vakaenda kurwizi kunonamata kuna Ishe nezvenyaya iyi. Mukupindura munamato, Johane Mubapatidzi akazviratidza musi wa15 Chivabvu 1829 (Nh—JS 1:66–74; D&Z 13). Akagadza Hupirisita hwaAroni kuna Joseph naOliver. Vakabva vaenda murwizi vakaombekana kuti vakanganirwe zvitadzo. Joseph naOliver vakabva vaudzwa naJohane Mubapatidzi kuti vagadzane Hupirisita hwaAroni. Mushure macho, Petro, Jakobo, naJohane vakazviratidza pamahombekombe erwizi urwu uye vakagadza Joseph naOliver Hupirisita hwaMerkizedeki (D&Z 27:12–13; 128:20)

Mufananidzo
mufananidzo 5

5. Rwizi rweSusquehanna Hupurisita hwaAroni nehwaMerkizedeki hwakadzorerwa kumahombekombe kwerwizi rwuno (ona D&Z 13; 128:20).