Zvibatsiro Zvekudzidza
15. Temberi yeNauvoo


15. Temberi yeNauvoo

Ichi chikero chemuenzaniso weTemberi yeNauvoo chiri panzvimbo yaimbove netemberi yekutanga. Temberi yakavakwa nemabwe emunharaunda eraimu eneruvara rwakada kuita sepfumbu. Ruvako urwu rwaive rwakareba mamita makumi matatu nepfumbamwe, nehupamhi mamita makumi maviri nemanomwe. Pamusoro peshongwe pakanga pakareba mamita makumi mana nemasere kubva pasi. Nhengo dzechechi dzakaita zvipiro zvakakurisisa kuvaka temberi yakanakisa, vachitangisa basa muna 1841. Vamwe vakashanda kwemwedzi yakati kuti pachivako ichi. Vamwe vakapa mari yavo yose. Kunyangwe zvazvo yakange isinakunyatsopera, temberi yakazarisisa nenhengo dzaiuya kuzvisungo munguva yemwedzi yekuzotizira kwavo kumadokero. Apo vazhinji veVatendi vakabuda muNauvoo mukutanga kwempfumvudza kwa1846 pasi pekutyisidzirwa zvakaomarara nemhomho yemanyongori, chikwata chenyanzvi chakasara kuti chipedzise kuvaka temberi. Musi wa30 Kubvumbi 1846, Magosa Orson Hyde naWilford Woodruff nevamwe vangangoda kusvika 20 vakakumikidza imba iyi yaIshe. Temberi yakasiyiwa munaGunyana apo nhengo dzeChechi dzaive dzasara dzakatinhwa kubva muNauvoo; mauto emhombo yemanyongori akazo paza nekusvibisa chimiswa chinoyera. Yakazoparadzwa nemoto munaGumiguru 1848.

Zviitiko Zvinokosha: Musangano mukuru weruzhinji wakaitirwa muimba yekuunganira yetemberi musi wa5 Gumiguru 1845. Basa reendawumenti rakatanga musi wa10 Zvita 1845 uye rikaenderera mberi kusvika musi wa7 Kukadzi 1846. Vatendi Vemazuva Ekupedzisira vanodarika zviuru zvishanu nemazana mashanu vakatambira maendawumenti avo, uye kubhabhatidzwa kwakawanda kwevakafa nekusunganidzwa zvakaitwa.

Mufananidzo
mufananidzo 15

15. Temberi yeNauvoo Mufananidzo uyu unoratidza hunaku hwekutanga hwechimiro chayo isati yapiswa muna 1848.