Zvibatsiro Zvekudzidza
10. Nhika yeAdama-ondi-Amani


10. Nhika yeAdama-ondi-Amani

Wakatarisa kumabvazuva nechepakati penhika yeAdama-ondi-Amani, nhika ine runyararo, yakanakisa iri kuchamhembe kwakadziva kumadokero kweMissouri pedyo nemusha weGallatin.

Zviitiko Zvinokosha: Makore matatu asati afa, Adama akadaidza zvizvarwa zvake zvakarurama munhika ino akavapa chikomborero chake chekupedzisira (D&Z 107:53–56). Muna 1838 Adama-ondi-Amani yaiva nzvimbo yeVatendi veMazuva eKupedzisira vaive pakati pemazana mashanu nechiuru chimwechete. Vatendi vakasiya nzvimbo iyi pavaka dzingwa muMissouri. Kristu asati Adzoka Kechipiri mukubwinya, Adama nezvizvarwa zvake vakarurama, zvichisanganisira vatendi vose vemikuwo yose, vachaungana zvakare munhika iyi kuti vasangane neMuponesi (Dan. 7:9–10, 13–14; D&Z 27; 107:53–57; 116:1).

Mufananidzo
mufananidzo 10

10. Nhika yeAdama-ondi-Amani Pano Adama nezvizvarwa zvake zvakarurama zvakasangana (ona D&Z 107:53–57). Adama, nevamwe maporofita, uye neVatendi vakarurama kubva kunguva dzose, vachasangana neMuponesi pano asati auya muKuuya Kwakwe Kwepiri.