Magwaro Matsvene
Mosaya 6


Chitsauko 6

Mambo Benjamini vanonyora mazita evanhu vachibva vasarudza vapirisita vekuvadzidzisa—Mosaya anotonga samambo vakarurama. Zvingangove makore 124 kusvika ku121 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvino, mambo Benjamini vakafunga kuti zvakafanira, mushure mekunge vapedza kutaura kuvanhu, kuti vatore mazita evavo vose vakanga vapinda muchibvumirano naMwari chekuchengetedza mirairo yavo.

2 Uye zvakaitika kuti kwakange kusina kana munhu mumwechete, kunze kwevana vaduku, akange asina kuita chibvumirano uye vatora pavari zita raKristu.

3 Uye pakare, zvakaitika kuti pakange mambo Benjamini vapedza zvinhu zvose izvi, vakazodza mwanakomana wavo Mosaya kuti ave mutongi namambo wevanhu vavo, uye vamupa masimba ose maererano neumambo, uye vaisa vapirisita vekudzidzisa vanhu, kuti vagonzwa nekuziva mirairo yaMwari, nekuvamutsa kuti varangarire mhiko yavakaita, vakavaregera kuti vaende, vakadzokera, wose munhu, mhuri nemhuri, kudzimba dzavo.

4 Uye Mosaya akavamba kutonga ari munzvimbo yababa vake. Uye akatanga kutonga mugore rake rechimakumi matatu ekuberekwa, zvinoita pamwechete, zvingangosvika mazana mana emakore ane makore makumi manomwe nematanhatu kubvira panguva yakabva Rihai kuJerusarema.

5 Uye mambo Benjamini vakagara makore matatu ndokubva vafa.

6 Uye zvakaitika kuti mambo Mosaya vakafamba nemunzira dzaIshe, vachitevedza kutonga kwavo nemitemo yavo, uye vachichengetedza mirairo yavo muzvinhu zvose zvavaiudzwa.

7 Uye mambo Mosaya vakaita kuti vanhu vavo varime minda. Uye naivowo, pachavo, vakarima, kuti vasave mutoro kuvanhu vavo, kuti vaite sezvaiita baba vavo muzvinhu zvose. Uye hakuna kumbove nekunetsana mukati mevanhu vavo kwenguva yemakore matatu.