Magwaro Matsvene
3 Nifai 8


Chitsauko 8

Dutu, kundengendeka kwenyika, moto, chamupupuri, kushanduka kwekunze nechimbi-chimbi zvinotaura kuroverwa kwaKristu—Vanhu vazhinji vanoparadzwa—Rima rinofukidza nyika kwamazuva matatu—Avo vanosara vanochema nhamo yavo. Zvingangove makore 33 kusvika ku34 shure kwekunge Kristu azvarwa.

1 Uye zvakaitika kuti maererano nezvinyorwa zvedu, tinoziva kuti zvinyorwa zvedu ndezvechokwadi, nokuti tarisai, akanga ari munhu akarurama akachengeta zvinyorwa—nokuti zvechokwadi akaita azvishamiso zvizhinji bmuzita raJesu; uye hakuna munhu angaite zvishamiso muzita raJesu kunze kwokunge akacheneswa kubva patsvina iri yose zvayo—

2 Uye zvino zvakaitika kuti, kana pakanga pasina kukanganisa kwakaitwa nomurume uyu pakuverenga nguva yedu, gore arechimakumi matatu namatatu rakanga rapfuura;

3 Uye vanhu vakatanga kutarisa vane chivimbo chikuru kuti vaone chiratidzo chakanga chapiwa nomuporofita Samueri, muRamani, hongu, kunguva yekuti kuchave anerima kwemazuva matatu pasi pose.

4 Uye kwakatanga kuva nokukahadzika kukuru nokupesana pakati pavanhu, kunyangwe hazvo azviratidzo zvakawanda zvakanga zvapiwa.

5 Uye zvakaitika kuti mugore rechimakumi matatu nemana, mumwedzi wokutanga, pazuva rechina romwedzi, kwakatanga dutu guru, rerudzi rwakanga rwusati rwamboonekwa munyika yose.

6 Uye kwakava nemhepo huru yaityisa zvikuru; kwakave anamabanan’ana akaipa, bzvakandengendetsa nyika yose ikaita kunge yakange yave kuda kutsemuka nepakati.

7 Uye kwakava nemheni dzaityisa zvikuru, dzerudzi rwakanga rwusati rwamboonekwa munyika yose.

8 Uye aguta reZarahemura rakabvira.

9 Uye guta reMoronai rikanyura pasi pegungwa, vagari vemo vakanyudzwa.

10 Uye nyika yaive neguta reMoronaiha yakasimudzwa, zvekuti panzvimbo paive neguta iri pakave negomo guru.

11 Uye kwakave nekuparadzwa kukuru kwaityisa kudivi rokumaodzanyemba.

12 Asi tarisai, kwakave nokuparadzwa kukuru kwaityisa kupfuura ipapo nechekuchamhembe; nokuti tarisai, nyika yose yakashandurwa, nokuda kwemhepo nechamupupuri, nemabhanan’ana nemheni, nekundengendeka kukuru kwepasi rose;

13 Uye anzira huru dzakaparadzwa, nzira dzepasi dzikakanganiswa, uye nzvimbo dzakawanda dzakange dzakanaka dzikave nemakomba-makomba.

14 Uye maguta makuru aionekera aakanyudzwa, uye mazhinji akapiswa, uye mazhinji akandengendetswa kusvikira dzimba dzemo dzawira pasi, vagari vemo vakauraiwa, nzvimbo dzikasara dzisisina vanhu.

15 Uye paive nemamwe maguta akasara; asi kukuvara kwawo kwakanga kuri kukuru zvakapfuridza, uye maive nevakawanda maari vakauraiwa.

16 Uye kwaive nevamwe vakatakurwa nechamupupuri; kwavakaenda hakuna anoziva, vanongoziva chete kuti vakatakurwa.

17 Uye uku ndiko kunyangadzwa kwakaitwa pasi rose, nokuda kwemhepo huru, nemabhanan’ana, nemheni, nokundengendeka kwenyika.

18 Uye tarisai, amatombo akatsemurwa nepakati; akapwanywa, akazara pasi rose, zvokuti akazowanika akangopwanyika aine mitswe makatsemuka nemakoronga, pasi rose.

19 Uye zvakaitika kuti apo mabhanan’ana, nemheni, nedutu guru, nemhepo, nekundengendeka kwakamira—nokuti tarisai, zvakatora nguva inokwana maawa matatu; uye zvakanzi nevamwe nguva yacho yakange yakareba kupfuura ipapo; zvisinei, zvinhu zvikuru zvaityisa izvi zvose zvakaitika munguva yaida kukwana maawa amatatu—zvino tarisai, kwakave nerima panyika.

20 Uye zvakaitika kuti kwakave nerima guru rakafukidza nyika yose, rekuti vagari vemo vakanga vasina kufa avainzwa kurema bkwemhute;

21 Uye kwakanga kusingakwanise kuva nechiedza, nokuda kwerima, kana makanduru, kana marambi; kana kuva nemoto wakabatidzwa nehuni dzavo dzakanga dzakaoma zvakanakisisa, zvekuti kwakanga kusingambokwanisa kuva kana nechiedza zvacho;

22 Uye hakuna kana chiedza chakamboonekwa, kana moto, kana kuvaima, kana zuva, kana mwedzi, kana nyenyedzi, ndiko kusviba kwakange kwakaita rima rakange riri panyika.

23 Uye zvakaitika kuti kwakapera mazuva amatatu kusina chiedza chakaoneka; uye kwakave nokusuwa nokuchema nokuridza mhere kwakanga kusingamiri pakati pavanhu; hongu, kugunun’una kwavanhu kwakanga kuri kukuru, nokuda kwerima nokuparadzwa kwakanga kwavawira.

24 Uye mune imwe nzvimbo vakanzwikwa vachichema, vachiti: Dai takatendeuka zuva guru iri risati rasvika, hama dzedu dzingadai dzakaregererwa, uye vangadai vasina kupiswa muguta guru iro areZarahemura.

25 Uye mune imwe nzvimbo vakanzwikwa vachichema nokusuwa vachiti: Dai takatendeuka zuva guru rinotyisa iri risati rasvika, uye tisina kuuraya nekutema vaporofita nematombo, nokuvakanda kunze; vanamai vedu nevanasikana vedu vakanaka, nevana vedu vangadai varegererwa, vasina kufusirwa muguta iro reMoronaiha. Uku ndiko kuchema kunotyisa kukuru kwaiita vanhu.