Magwaro Matsvene
1 Nifai 12


Chitsauko 12

Nifai anoona muchiratidzo nyika yechipikirwa; kururama, huipi, nekupunzika kwevagari vayo; kuuya kweGwayana raMwari pakati pavo; kuti Vadzidzi vaneGumi neVaviri neVaapositori vaneGumi neVaviri vachatonga sei Israeri; nekusemesa neutsvina hweavo vanoderera mukusatenda. Zvingangove makore 600 kusvika ku592 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvakaitika kuti ngirozi yakati kwandiri: Tarisai uye uone mbeu yako, nembeuwo yehama dzako. Uye ndakatarisa ndikaona nyika yechipikirwa; uye ndikaona mhomho dzevanhu, hongu, kana sekuwanda mukuverenga kwakaita kuwanda kwejecha regungwa.

2 Uye zvakaitika kuti ndakaona mhomho dzakaungana pamwechete mukurwa, dzichirwisana; uye ndikaona hondo, nerunyerekupe rwehondo, nekuurayana nemunondo pakati pevanhu vekwangu.

3 Uye zvakaitika kuti ndakaona zvizvarwa zvizhinji zvichifa, mushure metsika yehondo negakava munyika; uye ndikaona maguta mazhinji, hongu, kana kuverenga handina kuaverenga.

4 Uye zvakaitika kuti ndakaona mhute yerima pauso hwenyika yechipikirwa; uye ndikaona mheni, uye ndikanzwa kutinhira, nekundengendeka kwenyika, nemhere-mhere yose yekunetsekana; uye ndikaona ivhu nemabwe, kuti zvaitsemuka; uye ndikaona makomo achikoromoka; uye ndikaona mapani enyika, kuti akasakadzwa; uye ndikaona maguta mazhinji kuti akanyudzwa; uye ndikaona mazhinji kuti akapiswa nemoto; uye ndikaona mazhinji aikoromokera pasi, nenzira yekundengendeka kwaivepo.

5 Uye zvakaitika kuti mushure mekunge ndaona zvinhu izvi, ndakaona kunyangarika kwerima, kuti rakabva pauso hwenyika; uye tarisai, ndakaona mhomho dzisina kunge dzapunzika nenzira yekutonga kunotyisa kwaIshe.

6 Uye ndakaona matenga achizuruka, uye Gwayana raMwari richiburuka kubva kudenga; uye rikauya pasi rikazviratidza kwavari.

7 Uye ndakaonawo uye ndikaziva kuti Mweya Mutsvene wakawira pane vamwe gumi nevaviri; uye vakagadzwa naMwari, uye vakasarudzwa.

8 Uye ngirozi yakataura kwandiri ichiti: Ona vanegumi nevaviri vadzidzi veGwayana, vakasarudzwa kuti vaparidze kumbeu yako.

9 Uye ikati kwandiri: Unorangarira here vaapositori veGwayana vanegumi nevaviri? Tarisai ndivo vachatonga marudzi gumi nemaviri aIsraeri; nokudaro, vashumiri gumi nevaviri vembeu yako vachatongwa navo; nokuti muri vemba yaIsraeri.

10 Uye ava vashumiri gumi nevaviri vauri kuona vachatonga mbeu yako. Uye, tarisai, vakatwasanuka narinhi; nokuti nenzira yerutendo rwavo muGwayana raMwari nguo dzavo dzaitwa chena muropa rake.

11 Uye ngirozi yakati kwandiri: Tarisa! Uye ndikatarisa, uye ndikaona zvizvarwa zvitatu zvichipfuura zviri mukururama; uye nguo dzavo dzakange dzakachena sedzeGwayana raMwari. Uye ngirozi ikati kwandiri: Ava vakaitwa vachena muropa reGwayana, nenzira yerutendo rwavo maari.

12 Uye ini Nifai, ndakaonawo vazhinji vechizvarwa chechina vakapfuura vari mukururama.

13 Uye zvakaitika kuti ndakaona mhomho dzepasi dzakaungana pamwechete.

14 Uye ngirozi ikati kwandiri: Ona mbeu yako, nembeuwo yehama dzako.

15 Uye zvakaitika kuti ndakatarisa ndikaona vanhu vembeu yangu vakaungana pamwechete vari mhomho vachirwisana nembeu yehama dzangu; uye vakanga vaungana pamwechete kuti varwe.

16 Uye ngirozi yakataura kwandiri ichiti: Tarisai chisipiti chemvura ine tsvina chakaonekwa nababa vako; hongu, kana rwizi rwavakataura; uye kudzika kwarwo ndiko kudzika kwegehena.

17 Uye mhute yerima ndiyo miedzo yadhiabhorosi, inopofomadza maziso, ichiomesa mwoyo yevana vevanhu, ichivatungamira munzira dzakapamhama, zvekuti vanofa vachirasika.

18 Uye zimba guru uye dhandanda, iro rakaonekwa nababa vako, kufungidzira zvinhu zvisipo nekuzvikudza kwevana vevanhu. Uye zigomba guru rinotyisa rakavaganhura; hongu, kana izwi rokutonga kwakarurama kwaMwari Vokusingaperi, naMesia anova ndiye Gwayana raMwari, uyo anopupurirwa neMweya Mutsvene, kubvira pakutanga kwenyika kusvika panguva ino, uye kubvira zvino nekusingaperi.

19 Uye zvakanga ngirozi ichitaura mazwi aya, ndakatarisa ndikaona kuti mbeu yehama dzangu yakange ichirwisana nembeu yangu, maererano nemazwi engirozi; nenzira yekuzvikudza kwembeu yangu, nemiyedzo yadhiabhorosi, ndakaona kuti mbeu yehama dzangu yakange ichikurira vanhu vembeu yangu.

20 Uye zvakaitika kuti ndakatarisa, uye ndikaona vanhu vembeu yehama dzangu kuti vakange vakunda mbeu yangu; uye vakaenda vari mhomho mukati menyika.

21 Uye ndakavaona vakaungana pamwechete vari mhomho; uye ndikaona hondo nerunyerekupe rwehondo pakati pavo; uye muhondo nerunyerekupe rwehondo ndakaona zvizvarwa zvizhinji zvichipfuura.

22 Uye ngirozi yakati kwandiri: Tarisai ivava vachaderera mukusatenda.

23 Uye zvakaitika kuti ndakaona, kuti mushure mekunge vaderera mukusatenda vakasviba, vanosemesa, vakave vanhu vane tsvina, vazere nenungo netsika dzose dzezvinhu zvakaipa.